Kubvarura mambure

01 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
Kubvarura mambure

Kwayedza

. . .Dynamos inhamba 1

Abel Ndooka —
ZVIKWATA zvose zvinokwikwidza muCastle Premiership mwaka uchangodarika zvakanwisa ka620 kubva mumitambo 578. Mwaka wa2017 warakidza kuti nhabvu yatambwa yasimukira zvikuru kana zvichienzaniswa newa2016 apo zvikwata zvose zvakangokwanisa kunwisa ka450.

Ongororo yakaitwa neKwayedza svondo rino, inotaridza kuti Dynamos FC – iyo yakapedza iri pechipiri palog mumashure meshasha dzePSL, FC Platinum – ndiyo yakanwisa kakawanda kudarika zvimwe zvese sezvo yakanwisa ka55.

Mutambi weDeMbare, Christian Epoupa, ndiye akanwisa kakawanda kudarika vamwe kuchikwata ichi apo akanwisa ka12 achiteverwa naOcean Mushure uyo akanwisa kapfumbamwe kozoti Denver Mukamba akanwisa kasere uye Emmanuel Mandiranga akanwisawo katanhatu.

Ngezi Platinum ndiyo yakatora nhamba yechipiri pakunwisa mabhora sezvo yakanwisa ka54 mumitambo yayo yese.

Terence Dzvukamanja ndiye akave Top Goal Scorer kuchikwata ichi zvichitevera kunwisa kapfumbamwe kwaakaita mumwaka uyu uye anoteverwa naTichaona Mabvura uyo akanwisa kasere.

Kozoti Qadr Amini, uyo akambotambira Dynamos kare, akanwisawo kanomwe muchikwata chaTonderai Ndiraya ichi.

CAPS UNITED ndiyo iri pechitatu pazvikwata zvakanwisa kakawanda sezvo mwaka uno yakanwisa ka43 mumitambo yayo yePSL.

Mutambi wechikwata ichi, Dominic Chungwa, ndiye akahwina mubairo weGolden Boot anwisa ka16 izvo zvine musiyano mukuru kwazvo negore radarika sezvo Leonard Tsipa wechikwata chimwe ichi akahwina mubairo uyu anwisa ka11 chete.

Chungwa akabva aita mutambi wekutanga kunwisa kanodarika ka15 muCastle Premiership izvo zvakapedzisirwa kuitwa naTendai Ndoro uyo akanwisa ka18 mugore ra2013.

Asi chero zvazvo Chungwa akanwisa kanodarika ka15 mwaka uno, pachiri kushaikwa mutambi anogona kuzunza mambure ka20 mumwaka mumwe chete sezvakaitwa naNorman Maroto mugore ra2010.

Shasha dzePSL 2017 FC Platinum mwaka uno yakangokwanisa kunwisa ka40 chete.

Top Goal Scorer kuchikwata ichi ndiRodwell Chinyengetere uyo akanwisa kasere murwendo rwavo rwekurwira mukombe uyu uye anoteverwa naCharles Sibanda akanwisa katanhatu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey