Uncategorized

Kubviswa zita, kubirwa hunhu

27 Apr, 2018 - 00:04 0 Views

Kwayedza

HAPANA mwana akazvarwa pasi rino rese akatadza kupihwa zita, ongozoramba achingonzi “mwana, mwana”. Hazvigoni.

Munhu wese anopihwa zita. Kunyange makomo, miti nezvimwe. Ivo Mwari pavakasika munhu, ndivo vakatanga nokumupa zita – Adhamu. Mushure mokusikwa kwaAdhamu, kwakazosikwawo munhukadzi, akazopihwawo zita naAdhamu rokuti Evha.

Tinoverenga muBhaibheri kuti “Jehovha Mwari akanga aumba kubva muvhu, mhuka dzose dzesango neshiri dzose dzedenga. Akazviuyisa kumunhu kuti aone kuti achazvitumidza mazita api, uye chisikwa chipenyu chimwe nechimwe sezvachakatumidzwa nomunhu, ndiro rakave zita racho. Saka munhu akatumidza mazita kuzvipfuwo zvose, nokushiri dzose dzedenga nemhuka dzose dzesango . . .” (Genesisi 2:19-20a).

Tichitora hwaro uhu, tinoona kuti munhu akapihwa simba rakakosha rokutumidza zvasikwa naMusiki mazita. Zita rakapihwa naAdhamu harina akange aine simba rokurishandura, kusvika nhasi uno.

Mukwende, uri kuti chii?

Ndiri panyaya yemazita. Ndinoda kuti chinhu chinonzi zita, chinhu chikuru kusanganisira zita renyika. Zita rapihwa kunyika rinenge riine nhoroondo yokuti rabva nokupi, uyewo kuti rinorevei munhoroondo yokurarama, tsika namagariro evanhu.

Asiwo, pakazoita nguva yokuti nyika dzaizviti dzine masimba, kunyanya nyika dzokumadokero dzaipamba dzimwe nyika, dzobvisa mazita aripo, voisa avanoda – ekwavo.

MuAfrica inyaya yatinoziva. Kana tisingazvizive, ndosaka zvichinzi, “Vasingazive, ngavadzidziswe”.

Vapambepfumi vanosanganisira maBritish, maPutukezi nemaFrench pavaipamba Africa vaibva vati kuti muzive kuti tave pasi pavo, vokupai zita rine rupawo rwavo.

Kuchamhembe kweAfrica tine nyika dzinosanganira Zimbabwe, yakapihwa zita rokunzi Rhodesia kubva pazita romupambepfumi mukuru Cecil John Rhodes; Botswana (Bechuanaland Protectorate); Malawi vakaiti Nyasaland; Tanzania (Tanganyika); Democratic Republic of Congo (Zaire); Mozambique (Mocambique); Kingdom of Lesotho (Basutoland); Namibia (South West Africa).

Tiri kuchamhembe kweAfrica tinopedzisira neSwaziland yakasandurwa zita naMambo Mswati III svondo rapfuura ikanzi Kingdom of eSwatini, zvichireva kuti nyika yevaSwati.

Swaziland yakasandurwa zita payaipemberera makore 50 kubva vawana kuzvitonga kubva kumaBritish. Vana Zimbabwe, Botswana, Tanzania nedzimwe vakasandura mazita kubva kune akange apihwa nevapambepfumi pavakangowana kuzvitonga kuzere.

Asi kubviswa zita rawakazvarwa naro zvinoreva kuti zvese zvako zvinenge zvabiwa, uye unenge wave nhapwa, sezvatinoziva kuti nhapwa dzaitorwa kubva muAfrica kuendeswa kuAmerica nedzimwe nyika dzaindopihwa zita romunhu anenge adzitenga.

Kana adzitenga achinzi Stephen Grant, dzese kusanganisira vana vaizozvarwa, vaingotorawo zita rokuti Grant, zvisinei nezviri muzita iroro.

Madzitateguru edu haana kukwanisa kuramba mazita aisvikopihwa kunyika dzedu nokuti zvinhu zvaiitwa vakagarwa matunduru. Asi, totenda zvizvarwa zvakazotevera kuti zvakazorwira rusununguko nokudzorera mazita akange araswa. Mwana haangazvarwe kaviri, kana kuita vana baba vaviri.

Kingdom of eSwatini inenge ndiyo nyika yokupedzisira muAfrica kudzokera kuzita ramadzitateguru, zvokuti dai ari mwana, taiti zita romugudza rinopihwa nababa naamai chete.

Kune vari kuti zvaitirwei nokuti zvichatorera nyika mari yakawanda nokuti zvese zvinenge zvave kuda kushandurwa. Asi, chikuru chii mari nehunhu hwako?

Chokwadi ndechokuti kana vanhu vadzokera kumazita avo, zvoreva kuti vave kuziva kuti ndivanaani.

Kana zvanzi inyika yevaSwati, zvoreva kuti vari kuti “tisu ‘anhu acho”. Kunyange vamwe vachiti Zimbabwe yainzi nyika yeChivavarirwa, asi udzamu huri muzita rokuti Zimbabwe hahuna kumbofanana zvachose nokunzi Rhodesia. Kudzokera kuKingdom of eSwatini kana Zimbabwe, Botswana ndizvo chaizvo, nokuti isu hatina kumbonosandura mazita enyika dzavo.

Share This:

Sponsored Links