‘Kuchengeta tsuro kune pundutso’

03 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
‘Kuchengeta tsuro kune pundutso’ Mai Emma Mukosa vachitaridza imwe yetsuro dzavari kuchengeta — Mifananidzo naNicholas Bakili

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MHURI inogara mumusha weMayambara, kwaSeke iri kuwana raramo zvikuru kuburikidza nebhindauko rekupfuya tsuro vachitengesera vanhu vakasiyana.

VaLovejoy Mukosa (40) nemudzimai wavo Emma Mukosa (38) vanoti vanokurudzira vamwe varimi kuti vapinde mumabhindauko ekupfuya tsuro vachiti izvi zvinobhadhara kudarika mamwe mabasa mazhinji ekurima.

Mai Mukosa vanoti vakatanga kupfuya tsuro mugore ra2016 mushure mekudzidza zvinodiwa kushoo yevarimi yeHarare Agricultural Show uko vanoti vakabva vatenga tsuro dzavo ina dzaisanganisira hadzi mbiri nehono mbiri. Varimi ava vanoti panguva yoga-yoga vanenge vaine tsuro dzinotangira pamazana maviri kusvika kumazana mana idzo vanogara vachitengesa.

Mai Mukosa, avo vakawanikwa neKwayedza vari pamba pavo vachipa tsuro dzavo kudya, vanoti vane tsuro 300  dzinosanganisira diki nehombe.

“Kubva mutsuro ina mufunge mugore ra2016 tinogara tiine tsuro potse dzinosvika 400 kana kudarika idzo tinotengesera kuvanhu muno. Hatibude nadzo, vanhu ndivo vanouya voga uye tinotengesa hombe chete dzinotangira pa$10 kusvika $25 patsuro,” vanodaro.

Vanoti tsuro dzavanotengesa pamwedzi dzine huwandu huri pakati pe20 kusvika 40.

Huswa hwemhando yeLucerne

Mai Mukosa vanoti mhando dzetsuro dzavanopfuya dzinosanganisira Carlifonia White, New Zealand White, New Zealand Red, Chinchilla Grey, Flemish Giant, Cinnamon neGigantic.

“Mhando idzi dzose hadzinetsi kupfuya dzinongoda kutevedzwa zvinodiwa zvamunotaurirwa nenyanzvi, kudzipa chikafu chinokurudzirwa nepekugara pakanaka uyewo nekudzipa mishonga nemvura yadzo. Tsuro hadzidi cross breed sezvinoitwa zvimwe zvipfuyo, dzinokurumidza kuwanda zvikuru sezvo tsuro imwe chete ichibereka vana vanodarika gumi nevaviri,” vanodaro.

Vanoti mukono mumwe chete wetsuro unomirira hadzi nhatu pakuberekesa uye kuti dzigobereka zvakanaka hazvifanirwe kudarika ipapo.

Vane matanga etsuro anokwana makumi mashanu izvo vanoti vanoda kuawedzera kusvika kuzana sezvo tsuro dzavo dzave kuwanda zvikuru.

“Mvura inonwiwa netsuro dzedu inobva mumigomo mitatu iyo ine mapombi anodzikisa mvura mumatanga aya dzichizonwa. Mishonga inodiwa tinoisa mumvura iyi iyo tinochinja nguva nenguva kuti dzinwe mvura yakachena,” vanodaro Mai Mukosa.

Mukati mematanga aya, vanoisa huswa uho vanoti vanozobvisa vachigadzira manyowa ecompost avanoti anobatsira zvikuru muzvirimwa nekuda kweweti yetsuro yavanoti ine kudya kwakanakira zvikuru zvirimwa.

Mikono yetsuro inonzi inosanganiswa nehadzi nguva duku yobva yabviswa kusvikira hadzi dzabereka.

Vana vanenge vaberekwa vanonzi vanobva vavharirwa mumakeji umo vanokura vari apo vanaamai vacho vanobviswa mushure memwedzi miviri.

“Tsuro dzedu tinodzipa kudya kunosanganisira huswa hunyoro hwemusango, huswa hwatinorima hwemhando inonzi Lucerne, makireshi atinogaya kubva muchibage nemumasunflower. Kune yatinoti sunflower cake anova mafufu anobva panosvinwa mafuta kubva mumaringazuva, tinodzipawo soya nemapellets ayo tinotenga,” vanodaro. Imwe nguva vanoti vanodzipawo muriwo wemhando yakasiyana-siyana.

Dambudziko guru kutsuro vanoti dzinofa nekufufutirwa sezvo dzisingade kudya kwakawandisa.

“Tsuro dzedu diki tinodzipa mapellets nekumwewo kudya, hatina tsuro dzinofa pano. Makasitoma edu mazhinji vanofarira mazitsuro mahombe anonzi maFlemish Giant nedzimwe. Kune vanhu vave kungorarama nekudya nyama yetsuro chete mazuva ano,” vanodaro. Mai Mukosa vanoti tsuro hadzi inosanganiswa nehono mwedzi minomwe yabva mukubereka.

“Tsuro imwe chete inogona kudarika makgs mana kana mashanu zvichifambirana nekukura kwayo.

“Kana tsuro yabereka tinozoibvisa muvana mushure memwedzi miviri, mazano ose tinoawana kubva kunyanzvi,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links