Kuchengetedza goho zvakanaka

29 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Kuchengetedza goho zvakanaka

Kwayedza

Wendy Madzura—

MAKASIMBA here varimi kumativi mana enyika? Svondo rino tinoda kubata rimwe bandiko rakakosha zvikuru kumurimi – nyaya yekuchengetedza goho zvakanaka.

Varimi vazhinji vanorasikirwa negoho ravo zviri pakati pe25% – 30% nokuda kwekutadza kurichengetedza nenzira kwadzo. Nzara ndakarima taramba!

Mibvunzo inotevera iripo kukupai yambiro maringe nekuchengetedza goho renyu.

  1. Murimi angaziva sei kuti nguva yekuhohwa yasvika?

Pakukohwa, zvakakosha kucherechedza mazuva okuibva kwembeu anenge akatarwa zvichienderana nekwamunorima muri. Mbeu dzinowanzokasira kuibva kunzvimbo dzakaderera kubva mugungwa kudarika nzvimbo dzakakwirira.

Zvakakosha kuongororesa hunyoro hwechibage musati makohwa. Torai chibage chishoma moenda nacho kunoongororesa hunyoro kuti hwasvika papi kunanaGMB nevamwe vanotenga mbesa.

Hunyoro hwekukohwa chibage hunobva pa20% kusvika pa13%. Asi hunyoro hunodiwa kumisika yekutengesa huri pa12.5%. Nokudaro, chibage chinozoda kuomeswa kuti chisvike ipapo.

Cherechedzai kuti mbeu iri kuratidza here hunhu hwembeu yasvika tichipa muenzaniso wechibage tinoona kuti chinoita kakofa katema patsanga ako kanoratidza kuti mbeu yaguma kukura. Uye chirimwa chinotanga kusanduka ruvara nokuoma mashizha. Ngwarirai kuti kumwe kuoma kunokwanisa kunge kuri kwechirwere.

  1. Ndedzipi nzira dzekukohwa dzingashandiswa nevarimi ?

Kukohwa nemaoko vachikanda muchikochikari, tarakita ichifamba zvishoma kuti vanhu vakande chibage. Iyi nzira inoda kuti vanokohwa vasawandise kuti vakande chibage chichisvika muchikochikari. Kana kukohwa nemaoko vachikanda mumasaga kana dhiramu vozokuturira muchikochikari. Chibage chinozoiswa muSheller kana kuchokonyorwa nemaoko. Ngwarirai kusiya chibage mumunda uye tarisai kuti Sheller haiburitsi marara pamwe chete nechibage nekuti izvi zvikaitika zvinoderedza goho.

Chibage chese chinenge chadonha chinofanira kunhongwa.

  1. Ndedzipi nzira dzingashandiswa nevarimi kuomesa chibage?

Hunyoro hunotenderwa kumisika inotenga chibage i12.5%. Kana chibage chiine hunyoro hwakapfuura apa, varimi vanokwanisa kuita zvonotevera:

Kuisa chibage padara rakakwirira uye rakagadzirwa newaya kuti chiwane mhepo yekuoma zvakanaka. Vamwe vanowaradzira paruware kana patende. Musayanika chibage pasi chaipo musina chamawarira nokuti chinozotora hunyoro kubva pasi chononoka kuoma kana kuora.

  1. Varimi vangachengetedza sei chibage?

Kana varimi vachida kuchengeta chibage kwenguva refu, vanokwanisa kushandisa mishonga inodzivirira zvipfukuto sechiya chinonzi Larger grain borer (chipfukuto chemusoro mukuru). Mishonga iriko yakasiyana-siyana inosanganisira Actellic Gold Dust, Chamboko neSuper Max. Zvakakosha kucherechedza mazuva akatarwa pamushonga kuti mumire musati madya chibage. Mushonga unoiswa chete kana chibage chave nehunyoro hwe13%.

Vamwe vanoshandisa mapiritsi asi ane njodzi yakanyanya nokuti mweya waanoburitsa unouraya vanhu kana zvipfuyo.

Pakushandisa mishonga, chibage chinoda kutanga chapepetwa kuti chisare chakachena uye mushonga unoda kunyatsosanganiswa nechibage chisati chaiswa mumasaga. Zvakare, zvakakosha kuverenga mirairo inenge yakatarwa kuti mushonga ushande zvakanaka.

Vamwe vanoshandisa nzira dzechivanhu vachiti dzinovashandira asi hatina humbowo hwekuti zvinoshanda zvakadii. Nzira idzi dzinosanganisira kuisa dota remashizha emupuranga kana kusanganisa ndove yemombe nedota remiguri yapiswa kana madzinde emasunflower anenge apiswa. Asi nzira idzi hadzina anoziva kuti dzinoshanda nguva yakadii nokudaro tinokurudzira kuti mushandise mishonga.

  1. Chibage chingachengeterwa pai?

Chokutanga panguva inotanga basa rekukohwa, zvakakosha kuongororo nzvimbo inoda kuchengeterwa chibage kuti yakachena here. Kana paine pakatsemuka, panoda kunamwa nokuti imomo ndimo munogara zvipfukuto. Kana muine chibage chemwaka wapfuura, chinoda kuonekwa kuti hachina kupfukutwa here kana kuchiburitsa imomo.

Nzimbo dzokuchengetera chibage dzinosanganisira:

  1. i) Dura – dura iri rinobva ranamwa pagonhi, asi rinoiswa buri rinovhurika nekuvharika rekuburitsa chibage kana chave kuda kushanda.

Zvakakosha kushandisa chibage chakatanga kupinda mudura muchisiya chakapinda pekupedzisira.

  1. ii) Dura re simbi – dura resimbi rinokwanisa kushandiswa kuchengetera chibage kwenguva refu nokuti rinoshanda nokushaisa mweya wekufema kune zvese zvingada kurarama mudura irori.

Kurudziro yedu ndeyekuti ngatiregei kuputsa chirongo tasvika. Zvakakosha kuti chibage chikohwewe zvakanaka uye kuti takohwa tochichengetedza nemazvo takamirira kuchiendesa kumisika yakasiyana-siyana kana kuzochishandisa pamusha.

RANGARIRAI KUTI VARIMI VANORASIKIRWA NEGOHO ZVIRI PAKATI PE25% KUSVIKA PA 30% NOKUDA KWEKUTADZA KUCHENGETEDZA GOHO RAVO ZVAKANAKA!

 

Wendy Madzura murimisi kana kuti mudhumeni kuSeed Co. Anobatika panhare dzinoti 0713 270 080 / 0773 270 080

AC

Share This:

Sponsored Links