Kudetemba nezverudo

10 Nov, 2017 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza —

Enderero mberi:

Kusuma midzimu, p.49 – idetembo rinotaura nezvemhuri yava kuda kutama nekuda kwemuvengi uyo ari kunzi, “. . . mhunzamusha” aita kuti mhuri ipere kufa panonzi, “Mhuri yapera kumokoteka.” Munobuda pfungwa yokuti pane zvose zvinenge zvarongwa navapenyu, vaitanga vaudza midzimu. Yaiva mhosva kungotama midzimu isina kusumwa, uye kupirwa netwudoro.

Nyaya huru yaiva pakuzivisa madzitateguru mafambiro ose avaizoita sepanonzi, “Nokunge tasvika tinenge tichikuzivisai mafambiro atinenge taita nemhuri.” Uku kuratidza kukosha kwekusumwa kwemidzimu navapenyu muzvirongwa zvavo.

Munobudawo kuwanda kwemadzitateguru ayo aizobatsirana kuchengeta mhuri mukufamba kwayo kuenda kunomisa bango kumwe panonzi, “Muudzanewo mese mese kuti ndozviri kureva macheche.” Munobudawo nyaya yekuzvidukupisa kwevapenyu sekuti, “. . . macheche” kuratidza kuzvininipisa kuti vabatsirwe.

4. Tsanangura zvinobuda mumadetembedzo okupfimbana kubva mubhuku iri. [25]

Nhetembo dzokupfimbana yaiva nzira yokuradanura nayo mazwi orudo yaiitwa nevakomana vachinyenga vasikana, votodanana kana kuti vatoroorana. Vasikanawo vanodetembera vakomana vavo sokuvafunga kwavanoita kana chimiro chavo.

Munobuda tsananguro yechimiro neunhu hwemusikana ari kudetembwa nezvake, semudetembo rinonzi Tsvarakadenga apo nyanduri anoyemura runako rwemusikana nekushandisa mazitaumbiridzwa sepanonzi, “Mwana aiva ari shongarunako ruva rebani, Riri dzveteramatadza nzungu dzechinanzvirwa” kureva runako rwemusikana uyu waakapfimba nokugona kumurovera nyn’ambo netsome, matandi nenhorimbo kuti adiwe.

Munoshandiswa zvirungamutauro senzira yokujekesa runako nechimiro chemusikana ari kudetembwa nanyanduri sepaanoti, “Uso hwake riri guvi rakarimwe mupunga”. Enzaniso iyi inoburitsa kuenzanirana kwekumeso kwemusikana akanaka. Nyanduri anoshandisawo fananidzo sepaanoti, “Chiuno chake chaitinginika somukonikoni” kureva kutetepa kwechiuno chemusikana ari kudetemberwa. Munobudawo pfungwa yokuzvikuza semudetembo rinonzi Mhezi yomumwe wangu, apo nyanduri anodonongodza chimiro chomudiwa wake Mandireva achizvikuza sepaanoti, “Ini ndinonzi sakunaka — muuyauya asina kanango.” Uku kuzvirumbidza kuti vanhu vagoti anokodzerana nerunako rwaMandireva.

Munoshandiswawo gudziramukanwa/wedzeredzo semudetembo rinonzi, Mhezi yomumwe wangu sepanonzi, “Musoro uchinge nhanga rokumambure” zvichireva kuti musoro wake wakakurisa. Uku kushonongora kunoratidza kudemwezeka kwanyanduri achitsanangura chimiro chomusikana wake chinomufadza zvokuti anozviita achiwedzeredza.

Vanababamukuru vaigonawo kupfimba varamu vavo kuti vazotora zvinzvimbo zvavanamukoma vavo semudetembo, Rutendo muramu apo babamukuru vanodetembera muramu wavo, Rutendo kuti avade agovapodza marwadzo emupfungwa pamwe nokuvavaraidza. Nyanduri anoshandisa mibvunzonhando kuti anzwirwe urombo nemuramu wake sepaanoti, “Chandakatadza kwauri chiiko muramu chinokupa kundikanganwa serengenyn’a?”

Izvi zvinoratidza kupererwa kwanyanduri nokushayiwa zvikonzero zvokurambwa nomuramu wake.

Munhetembo idzi munobudawo zvakare pfungwa yokuti rudo rwunogona kurwadza chose kana munhu akasarupiwa nemunhu waanenge akatarisira semudetembo rinonzi, Mudiwa wangu warova apo nyanduri anodemba mazuva ekare mudiwa wake achiri mupenyu achimupa rudo rwose panonzi, “Nhasi ndozvionepi, iwe wava kutsi kwevhu?”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey