Kudya kune utano

16 Jun, 2017 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga —
MISHONGA yose yotowana muzvipatara mazuva ano inobva mumakwenzi ari mumatunhu atinogara kunyanya mumaruva. Nokudaro kurwararwara kwaiva kushoma nekuti vanhu vakare vaigara vadzivirira zvirwere nekuda kwezvavaidya.

Mimwe miriwo kana usavi hwaiwanikwa zvaiita kuti utano hugare hwakaringana. Kubva mukuwana ruzivo rwakakosha kudai pamusoro pekudya kwedu kunotibatsira pakuchengetedza utano hwedu.

Makarekare kwaisadyiwa chingwa nesvutugadzike rungwanani asi kuti vanhu vaidya manhanga kana kuti matikiti pamwe nemapudzi voswera matumbu akati shaku kuzara. Manhanga iwaya nhanhasi achiri kunwiswa svutugadzike kunyanya mumaruwa uye anowanikwa ari mumhando dzakasiyana.

Kune nhanga rinonaka samare riine mavara mavara. Nhanga irori rinenge rakaomarara uye richiita zvekumepfuka pakuridya. Nhanga iri rinonzi nzunzu kana kuti ndodo. Kunewo nhanga rinonzi ditimanga rinova jena risina ruvara. Nhanga iri rinokura kuita mutumba chaiwo kana rawana pakaorerera.

Mangachena imwe mhando zvakare yemanhanga inoita mukati muchena nemhodzi huru richiita munyepfu mushoma pane ditimanga. Kunowanikwawo mapudzi ayo anoda kudyiwa asati akomba. Ndiwo aya anoti kana akomba ogadziriswa hosho,mikombe nemagavhu.

Mashamba kana kuti mafere anoda kufanana nemanwiwa asi asingadyiki kunze kwekunge chete aitwa nhopi.

Muchikamu chakapfuura takambotaura nezvekurimwa kwemupunga mumatoro. Mumatoro imomo zvakare munorimwa tsenza. Tsenza idzi dzinogona kudyiwa dzakabikwa kana dzisina. Kutsenza tinowana sasamwe negombwa dziri idzo dzine mukurumbira kupfuura dzimwe dzese. Kunowanikwawo zvakare mvumvu, ndurwe, nziye nezananda. Tsenza dzinoparwa makanda adzo nekuti anovava. Dzinozivikanwa zvakare nekutindivadza mazino.

Mumasango imomo mhando dzeusavi dzaisazivana.

Kwaimerawo derere remhando dzakasiyana, nhasi uno rimwe derere tava kuita rekurima asi rimwe rinongomera rega musango souswa. Mhando yederere ine mukurumbira inonzi chipudzi kana kuti nyanhanda. Ndiro derere riri kurimwa mumakandiwa nepazvuru mumaruwa. Iri derere rinodyiwa zvana zvaro zvine mhodzi dzinoputirwa muganda rechipudzi. Rinogona zvakare kunanikwa rozodyiwa semufushwa.

Derere rechijonga rinocherwa midzi yacho yozotswiwa yobikwa. Derere rechijonga rinoita dzvuku kana rabikwa. Hambakachere rinongocherwa midzi yobikwa pasina kutswiwa.

Nyenje iderere rinomera roga mumakura uye rinotanhwa mashizha aro obikwa. Samwenda rinotekeshera musango marinomera roga. Mashizha aro ndiwo anotemwa nokubikwa. Vazhinji vanoziva derere sezvuva mukonde nekuti panopazwa mikonde wesadza nekuda kwaro. Derere harina zvakawanda zvarinoda pakubikwa kunze kwekukwatiswa mumvura ine munyu nemuchorwa.

Muchorwa ingava hundi inobva mukupiswa kwemaguri kana kuti madota chaiwo ehuni. Imwe mhando yemuchorwa isoda yava muzvitoro mazuva ano. Nekuuya kwakaita mafuta ekubikisa, mazuva ano tava kuona vamwe vachiisa derere mumafuta richitochekererwa mapuno nehanyanisi.

Mumasango imomo zvikomana zvaisweroputitsana nechokochiyana nenhunguru apo zvaifudza mombe. Asiwo mukutsvaga michero iyi maiva nemibairo nekuti kurumwa nemago kwaisava kwenhamo. Zvikomana zvaibva zvati zvapedza kukavira michero mumatumbu zvaibva zvaenda mujecha kunonwa mvura yemumufuku swerei matumbu akati kan’an’a.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey