‘Kudzidza hakuna zera’

15 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
‘Kudzidza hakuna zera’ Sarapiya Dandara

Kwayedza

Sarapiya Dandara

Sarapiya Dandara

VABEREKI vakasiira chikoro panzira nekuda kwezvikonzero zvakasiyana nevamwe vane shungu yekudzidza vari kubatsirikana nekuwaniswa dzidzo yevakuru pachikoro cheGillingham Primary School chiri kuDzivarasekwa, muHarare.

Mai Sarapiya Dandara, avo vanova mumwe wevarairidzi vanodzidzisa vanhu vakuru pachikoro ichi, vanoti dzidzo haina zera uye kunyangwe munhu achinge achembera sei, anokwanisa kuvandudza fundo yake achizogona kuita mabasa makuru muupenyu.

“Pari zvino tine vabereki 15 vari kuuya kuzofundiswa kunyora nekuverenga uye tinofara zvikuru nekuti ndichowo chinangwa cheHurumende chekuti munhu wose ange achigona kurava nekunyora izvo zvinoita kuti dzidzo yedu irambe iri yepamusoro,” vanodaro. “Tine vamwe vakakundikana kuwana dzidzo nekuda kwezvikonzero zvakasiyana sekukasika kuroorwa, kufirwa nevabereki, hondo, nzara nehurombo. Saka chikoro chino chinovapa mikana yekuti vazadzikise zvishuwo zvavo zveupenyu kuburikidza nekuvawanisa dzidzo yevakuru.”

Mai Dandara vanoti vanoshanda zvakare nesangano reRed Cross Society of Zimbabwe vachibatsira vanhu vari munharaunda munyaya dzeutano nebudiriro kuti vasawanikwe vachiwirwa nenjodzi dzinokwanisa kudzivirirwa.

“Tinobatsirawo vanhu kuti vachengetedze marara kuburikidza nekuapisa kana kuaisa munzvimbo dzakakodzera. Tinofundisa zvakare vechidiki kuipa kwekushandisa zvinodhaka nekuvadzidzisa mabhindauko anoita kuti vawane chouviri,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links