Uncategorized

Kudzivirira tsaona nemota iri kukutevera

30 Jan, 2015 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Ernest Muchena
TINOKWANISA kubonderwa nemota iri kumashure kwedu kana tikasangwarira. Mumwe angati, “Zvino ndodii? Ko iye anga asingandione here?”  Mumwe otiwo, “Ko ini ndinganzi ndiite sei? Arovera ndiye ane mhosvaka.” Tsaona dzemumugwagwa dzine mhando mbiri. Kune tsaona dzinodziviririka uye dzimwe dzisingadzivirike. Tsaona nemota iri kukutevera imwe yetsaona inodzivirika newe uri kuteverwa. Mubvunzo mukuru unouya mumusoro mako semuverengi ndewekuti zvingaitike sei?

Ini ndapinda papi?
Iwe semutyairi ari mberi urimo munyaya yacho. Ndiwe unofanirwa kuudza mutyairi ari kutevera kese-kese kauchaita sezvo iye asingaone zviri pamberi pako.

Zvauchaita iwe zvinogona kuvhiringidza mota iri kukutevera. Iwe unogona kumisa mota yako nekukurumidza kudarika munhu ari kukutevera.
Kumira zvinyoro-nyoro:
Kana uine mota iri mberi unofanirwa kumira zvinyoro-nyoro kwete kungoerekana wati dzii. Iko kupomhodza mota yako kunenge kutori kudyidzana nemota iri kutevera.

Ukatsika mabhureki kune tumagetsi tunobaka kumashure kuzivisa mutyairi ari kutevera.
Ma“indicator” anofanirwa kushanda kuti ari kutevera azive kwauri kuda kuenda.

Zvino ndomudii ati name-name?
Kune mumwe mutyairi anoti name-name nemota iri pamberi pake. Ukaona zvadaro iwe rega kuti ndomutiza. Panogona kuzoita chinoita kuti ude kumira nechimbi-chimbi wobva waroverwa nekumashure.

Unozongochema nerekuti dai ndakaziva asi iyo dai ndakaziva haitungamire. Kana ati name-name newe, iwe dzora mamhanyiro iye apfuure.
Ko akasapfuura? Zvakangonaka akapfuura asi iwe unenge uri pari nani. Mota iri mberi kwako ikangoerekana yamira, iwe une mukana wekumira usina kurovera.

Zvatosiyana nekuti dai wanga uchivhetemesa. Kuri kuti waroverwa, makuvariro emota dzenyu anosiyana neapo munenge muchimhanya.
Mhedziso:

Mutyairi ari kutevera mumashure medu anofanirwa kutevera asiri pedyo-pedyo.
Asiwo, isu tinofanirwa kumungwarira nekumuzivisa kese-kese katichaita.

Tinofanirwa kuzivisana nemutyairi ari kumashure tichishandisa mawoko, magetsi ari pamota uyezve matyairiro.
Ernest Muchena ndimazvikokota wekudzidzisa kudzivirira tsaona pamugwagwa ari zvakare mutauriri weTSCZ. Pamusoro pezvo, ndiProduct Development and Marketing Manager uye anokwanisa kubatika panhamba dzinoti 0772 110 898, WhatsApp 0716 000 507 kana padandemutande [email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>