Kudzivirira tupukanana

07 Nov, 2014 - 09:11 0 Views
Kudzivirira tupukanana

Kwayedza

Chii chinonzi Intergrated Pest Management (IPM) ? Iyi inzira yekurwisa hudyi kana kuti tupukanana muzvirimwa kuburikidza nekutora matanho anozivikanwa.

Apa panenge pachishandiswa ruzivo pamusoro pemaitiro anoita tupukanana pamwe nemararamiro atwo munharaunda. Nekudaro IPM inoshandiswa mukupedza dambudziko retupukanana nenzira iri nyore, isina njodzi kuvanhu pamwe nenharaunda.

Inokwanisa kushandiswa zvakare mumba, mubindu kana panharaunda yekubasa.

IPM inoshanda sei?

IPM haisi nzira imwe chete yekurwisa dambudziko retupukanana asi kuti mubatanidzwa kweongororo dzakadzama dzakasiyana.

Pane matanho anofanirwa kutevedzwa pakushandisa nzira iyi mukupedza dambudziko retupukanana ayo anosanganisira anotevera:

— kuona kana tupukanana twave kuwanda zvekuve nenjodzi

— hatuzi twose tupukanana tungade kurwiswa sezvo tumwe tuchitobatsira murimi

— kudzivirira kwakanaka pane kumirira kuti dambudziko retupukanana muzvirimwa kana mumba rikure. Kana pari pakurima zvirimwa zvinogona kusiyaniswa pazvinorima mwaka nemwaka sezvo izvi zvichibatsira mukuderedza dambudziko retupukanana tunokanganisa goho

— kana ongororo ichinge yataridza kuti panofanirwa kutorwa matanho izvi zvinofanira kuitwa nekuchimbidza kuburikidza nekushandisa mishonga yakakodzera.

Varimi vakawanda vanoshandisa nzira yeIPM here?

Varimi vakawanda vanotanga vaziva mhando yetupukanana vasati vatufirita asi kune vamwe vanongoshandisa mishonga yose-yose yavanenge vawana nekuda kwekushaya ruzivo rwakakwana. Zvakakosha kuti murimi atevedzere matanho anotevera mukurwisa tupukanana mupurazi rake:

1. Ziva mhando yetupukanana pamwe nemushonga wacho unoshandiswa uye kana usina ruzivo bvunza kune veArex vari pedyo newe

2. Ona kuti panoda kushandiswa nzira ipi mukupedza dambudziko retupukananana utwu.

3. Kana tupukanana tusingakwanise kupedzwa pasingashandiswe mishonga, firita nemishonga yakakodzera uye iva nechokwadi nezvaunenge uchiita.

Nguva dzose edza kushandisa mushonga usina njodzi huru kuvanhu pamwe nekukanganisa nharaunda asi uchishanda zvine simba.

Kana dambudziko retupukana ragadziriswa, chishandisa dzimwe nzira pasina mishonga kuitira kuti tusadzoke zvakare.

Share This:

Sponsored Links