Kufa uri imbwa

22 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA
NHAIWE, kufunga kwako mumakore makumi mashanu ari kutevera, nyika yeZimbabwe ichange yave nevanhu vakaita sei? Ndiri kurwadziwa nemarize echiporofita ari kufamba muchechi achiruma mweya yevanhu ichibva yafa. Ndiri kutya nezera revana vave kuita chipfambi vasingamborohwa nehana, asi vachitoshamisira nazvo. Ndiri kunetseka nevanakomana vasisatye kushinha nemusikana wavasina kuroora.

Kana ndikavabvunza, vobva vati, “Mudhara, vasikana mhandara havachawanikwa mazuva ano.”

Ichokwadi, vakomana vacho mazuva ano vave nerudo rwunenge kukwira nekuburuka mukombi. Rudo rwe20 minutes.

Naivowo vasikana vacho vave kuti kuchata ndekwepaWhatsApp, kwaMwari kunonetsa nekuti kunonditadzisa kuramba munhu mushure mesvondo.

Ndiri kutambudzika nekuda kwevanhu vasisatye kuuraya munhu. Ndave kunetseka nevanhu vanotongogara vakashatirwa, vachivira nehasha zvekuti havanonoke kupopota, kutuka nekurwa.

Ndinozviziva kuti upenyu hwakaoma, uye vazhinji vedu havasi kushanda.

Vamwe havasi kudzosera zvikwereti, vamwe vari kurambwa, vamwe vari kutiza mhuri dzavo. Nyika yaita ronda riri kubuda ropa.

Asi kuomerwa neupenyu hachisi chitupa chekuti uite zvinhu zvisina musoro. Hunhubu nehundururani hwatekeshera nekutambarara sembambaira.

Kusatya kwave kusvitsa vana vadiki mumatambudziko ane zvimbi. Vana vadiki vave kuenda kun’anga nekumaporofita kunobvunzira asi vobvako vatakura misengwa inouraya mweya.

Ndiri kudyika moyo nevana vadiki vandiri kuona vachimedza Broncho zvekuti kana vadhakwa vanenge vangoti undundu kunge ndove iri kumharwa nenhunzi isingagone kudzidzinga!

Saka mumakore makumi mashanu achauya, nyika ichange yave nyika inokoshesa zvipi?

Vechidiki nyangwe vachichema kuti vari kuda mabasa, vacho vanenge vapinda mabasa havana basa nebasa zvekuti unoona munhu achitengesa muchitoro achimbomira kusevha makasitoma kuti adaire foni yake kana kuenda paWhatsApp. Unoshaya kuti mumakore makumi mashanu ari kutevera, vanhu vachange vave kudzorana pane zvipi zvacho, nekuti zvave kuita sekuti kana uri nhinhi, ndiwe wakapenga.

Asi nguva yega yega ine vanhu vayo vainetsa, vakanga vasingaite, asi vanhu ivavo kana vasina kuzosiya hunhu hwavo, havana kwavakazomboenda. Vakafa!

Vanhu vari kunyanya kundinetsa ndevechidiki vave kuzvipinza muchiSatani. Pane mukomana akabuda muKwayedza yesvondo rapera paseri wekunotsvaga mishonga yekupfuma kuSouth Africa. Kupfuma kunobva pakushanda. Chinouya wakagara ihope.

Ini chandave kuona nevechidiki mazuva ano ndechekuti mari inongoerekana yauya vanoida zvakanyanya. Vasikana vave kuita chipfambi nekuda mari, mafoni, fashoni nemaTablets. Vakomana vave zvikorobho zvedoro, asi hakuna chinobuda kana wakaguta doro.

Zvino iko zvino nemhaka yekuti vadiki vazhinji havachadi kuterera, vave kufunga kuti vanoziva zvose pamusoro peupenyu, vazhinji vavo vari kufa vari vadiki.

Vamwewo ndivo vari kubva vamhanyira kunombundira chiRungu zvekuti tsika nehunhu hwavo ave marengen’ya. Nyaya yekuti mazuva ano vana vave kurarama upenyu hwemufirimu yave kuita kuti vasakoshese kuroorana, kuchengeta nekukudza vana vavanozvara vari pamwe chete. Kurambana kwave kuita sefashoni, asi mukurambana ndimo munofira vana vazhinji nekuti vana vanokura vasina anovadzidzisa zvinoita nezvisingaite.

Saka munhu anowanei kana awana zvinhu asi ofa ari imbwa?

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>