Uncategorized

Kugadzirira rufu: Kutongwa nenyika mbiri here?

11 Jul, 2014 - 14:07 0 Views
Kugadzirira rufu: Kutongwa nenyika mbiri here?

Kwayedza

ndozvireva
CHIVANHU munochida, asi chizvino-zvino chakugarai matunduru, kukusungai mbiradzakondo chaidzo. Rufu nehurwere zvapfumisa vakawanda vakapinda mumabhizinesi okurapa nokuviga vafi zvine chiremera.  Kunyange zvazvo mafungiro nemaitiro ave kuenda achisanduka, asi mukurarama  kwevanhu zvinhu zviviri izvi zvine mutauro mumhuri kana pakati pavavakidzani, nokuti parwariwa kana kufiwa, hapashaikwe mashoko okuroiwa.

Chinoshamisa ndechokuti zvinhu zvinopa mutauro, nhasi uno vazhinji vanogara vakagadzirira vachipinda muzvirongwa zvavanobvisa mari nguva nenguva kuitira kuti kana zvaipa, hama neshamwari vanoziva pokutangira.

Vazhinji vave kuendesa mbiri yezvirongwa zvakafanana nemaMedical Aid kana kuti maFuneral Policy – zvirongwa zvokuti murwere unozoita kunge uri kurapwa pachena, kana kuti mufi anoita kunge ari kuvigwa pachena, ipo paine masangano anenge achibhadhara nokuti vakabhadharwa kare.

Parwariwa, vanhu vasati vaendesa munhu kuchipatara, vanobvunza kuti murwere ane Medical Aid here.
Amburenzi inotakura murwere inobvunza zvimwe chetezvo. Masvika kuchipatara, havatangi nokubvunza mari, kwete. Vanoda kuziva kuti pane Medical Aid here.

Kurarama kana kufa, Medical Aid inopihwa mbiri. Kuve neMedical Aid kana Funeral Policy zvinonzi akarongeka.
Vanhu vave kuti, “dai pasina kuti paive neMedical Aid, dai murwere akadzorwa kumba, kana kunorapwa kuzvipatara zvamanga-manga kusina machiremba nemishonga”. Kana parufu, chinhu chinonzi Funeral Policy ndicho chave kususukidzwa.

Vafi vave kutakurwa nemotokari dzavatorwa, hama dzavo dzichitakurwawo namabhazi, kunge vari kutakurwa pachena. Kunyange vasingadi kunochema hama yavo, vakanzwa kuti pane bhazi reFuneral Policy, vanoenda. Varimo mubhazi, vanenge vachiimba, “Ndimi makauraya, hazvina mhosva, paukama!”

Kuipa kwechimwe, kunaka kwechimwe.
Vamwe vave kuti chimanje-manje chave kuita kuti vanhu vatenge utano nokutengawo mavigirwo avachaitwa.
Zvokuroiwa zvinenge zvirimo mupfungwa, asi vanenge vachida kupedza basa guru ravanenge vakatarisana naro.

Vanozopumhana uroyi Funeral Policy yaviga munhu, vozoenda kugata.
Zvino Mukwende anobvunza kuti ko munogozoshamiswa nokuti munhu arwara kana kufa nei, ko pamunogadzirira hurwere kana kugadzirirawo rufu muchibvisa mazimari gore rega-rega, munenge muchiti kungoita musoro bedzi here kana kuti munenge muchizvikoka?
Munozopumhana huroi pamusana pei imi makatenga maMedical Aid namaFuneral Policy muri vatano? Kutongwa nenyika mbirika uku?

Tiri ipapo pahurwere norufu, kune dzimwe mhuri dzinoramba kuti kana ari mwana wavo, kunyanya mwanasikana anga ari kuvarume vake asi asina kubvisirwa pfuma, haarwari kana kufa.

Hazvinei kuti pane Medical Aid kana Funeral Policy, vanogona kuramba kuenda kunomuona kuchipatara. Kana ashaya, vanoti hatimuvige kana pasina kubviswa pfuma.

Kana tiri patsika dzechivanhu, hunhu chaihwo-ihwo hunoti vapenyu rwirai pfuma yomufi here, iye muchakabvu asati avigwa?
Hunhu hwokupi hunoda kupfuma nezvevafi, vanhu vachitadza kuviga mufi vozogara matare kana munhu achengetwa?

Hunhu ihohu hwakandipa pfungwa yokuti ndibvunze kuti nhai vanhu vokwedu makaro here kana kuti muri kutongwa nenyika mbiri, zvinobva zvaita kuti vanhu vashaye kuti vazive pamumire.

Mudzimai nemwana vakashaika achisununguka zvakashaya basa, akaita svondo rese ari mumochari hama dzake dzichiti dzinoda mari.
Vakuwasha vakaedza kuchema-chema, asi hama dzomuchakabvu dzakatonyanyoramwa, mutumbi wave mumba.

Vokunze vakasvika, munovaudza kuti ndidzo tsika nemagariro enyu iwaya? Munovaudza kuti mari nepfuma zvakakosha kupinda hama iri mumochari here?

Kana nyaya dzokuviga vafi dzave kuperera kumapurisa zvinopa hunhu nechimiro chakaita sei? Ko iro roora rinozombobvunzwa munhu ashaya, panguva yese iyi vana tezvara munenge muchityei kuti mukuwasha tipe twedu?
Madirativhange panyaya dzorufu, asi tati tionesane.

Share This:

Sponsored Links