Uncategorized

Kugona ngozi kuiripa: N’anga

24 Jul, 2014 - 09:07 0 Views

Kwayedza

NYANZVI mune zvechivanhu dzinoti mushonga wengozi kuiripa bedzi asiwo imhosva kuripa nemwanasikana.
VaFriday Chisanyu vesangano ren’anga, reZimbabwe National Practitioners Association (ZINPA), vanoti ngozi hainzvengwe kana kutandirwa sezvinoda kuitwa nevamwe asi kuti inoda kuripwa.

“Ngozi mweya unorwisa kuuraiwa kwemunhu nemumwe munhu kana kukanganisirwa kwemitowo yakasiyana.

Handi munhu akauraiwa chete anomuka ngozi asi kuti munhu akafira mumusha ari mufudzi wemombe asina kubhadharwa mari yake anogona kumuka ngozi zvakare,” vakadaro.

Vanoti vamwe vanhu vanogona kumuka ngozi mushure mekunge vafa vaine shungu dzakaita sekudyirwa kana mari yavo uye vamwe vanhukadzi vanogona kumukira ngozi vana vavo nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

Vakayambira vachiti pasi pemutemo wemashandiro avo sen’anga, kuripisa vanasikana ngozi imhosva. “Isu sevatungamiri vechivanhu nemachiremba ose echivanhu, hatibvumidze kuti ngozi iripwe nemunhu, angave murume kana musikana nekuti imhosva,” vakadaro.

Vobvunzwa kuti sei vanhukadzi vari ivo vanonyanya kuripiswa ngozi, vakati zvinoitirwa kuti vanonobereka mhuri kune vanenge vakaparirwa mhosva izvo zvinoita kuti shungu dzengozi yacho dzidzikame. Vakati: “Kune marudzi aishandisa vanhurume pakuripa ngozi, mwanakomana ainzi kana vemhuri yake vakapara ngozi anoendeswa kumhuri yakaparirwa ngozi ochinjwa mutupo zvose nezita remhuri. Aiitwa wekumhuri inenge ichiripwa uye kana azoroora vana vake vose vanopihwa zita remunhu ane ngozi inenge ichimuka.

“Semuenzaniso, toti akapondwa kana ainzi Chimuti Changu, mukomana anoenda kunoripa ngozi aisvikopihwa zita iroro oita mhuri yake ichishevedzwa zita iri zvinoreva kuti mufi uyu anenge amuka.”

VaGeorge Kandiyero, avo vakafanobata chigaro chemukuru werimwezve sangano ren’anga, reZimbabwe National Traditional Healers Association (Zinatha), vakatsinhira kuti kugona ngozi kuiripa.

“Inyaya inorwadza zvikuru kuti unonzwa vamwe vanhu vachinzi imhuri yengozi nekuti yakaberekwa kuvanhu vakanga varipiswa ngozi.

“Nekufamba kwenguva mhuri idzodzo dzinowanikwa dzisingadiwe madzinenge dzave kugara,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>