Kuipa kwechimwe, kunaka kwechimwe!

01 Jan, 2016 - 00:01 0 Views

Kwayedza

BHAIBHERI shoko raMwari rinotipa kukosha kwezviratidzo kana micherechedzo, zvatingati pachiRungu ma”symbols”.

Zviratidzo izvi zvine zvazvinoreva. Muenzaniso wemimwe yemicherechedzo ine zvawaireva ndewenyeredzi unowanikwa kubhuku raMateo, chitsauko chechipiri, apo vachenjeri vokumabvazuva vanoenda kunoshumira Mambo Jesu Kristu pavakazvarwa muguta reBheterehema kuJudhea.

Zvanzi naMateo: “Jesu akati aberekwa muBheterehema reJudhea, pamazuva amambo Herodhi, tarira, vachenjeri vakasvika Jerusarema vachibva mabvazuva vakati, ‘Aripiko Mambo wavaJudha akazvarwa? Nokuti takaona nyeredzi yake kumabvazuva, tauya kuzomupfugamira.’”

Kuuya kwaMambo Jesu nemucherechedzo wenyeredzi zvinei nedzidzo yandiri kuda kupakura? Zvizhinji!

Humambo hwakauya mugore 1980, hwakauya kubudikidza nokuvhota kwavanhu, uyewo hwakange kuine micherechedzo yako. Tinoziva kuti mapato ezvamatongerwo enyika, makambani vane mifananidzo yavanoshandisa kuti vazivikanwe kuti ndivo.

Kupera kwesvondo rapfuura, ndakaenda kuNational Archives ndikasangana nezvinhu zvingatorwe nhando navamwe, asi zvisingazivikanwiwo noruzhinji.

Gwaro randakaverenga rinoti pakanzi mapato anoda kukwikwidza ngaauye anyorese nokupa mucherechedzo unozoita kuti vanoda kuvavhotere vazive, bato reZanu (vasati vabatana ne PF-Zapu kuti vanzi Zanu-PF) rakanonyoresa, mucherechedzo wavo uri wegidi kana chigwagwa – AK47.

Zvinonzi dare rakafanana neElectoral Commission yaveko nhasi uno, kubudikidza nevaive Gavhuna panguva iyoyo, Lord Soames, vakati hazviite kuti Zanu ishandise gidi semucherechedzo wayo.

Pakange pari kuramba Lord Soames, nguva yakange ichidyanana, nokuti vakaramba musi wokunyoresa.

Vana Cde Edison Zvobgo vakamhanya-mhanya kuti vawane rumwe rupawo.

Ndipo pakabuda mucherechedzo wejongwe, rakanzi neveZanu riri kureva kuti kukuridza kwaro kuti kwayedza muZimbabwe, vanhu ngavachiziva kuti mabhunu dzave ngano, nyika yave yavo.

Vanhu pavakazovhota muna Kukadzi 1980, mufananidzo wejongwe wakatora mukombe, ukaunza nyika. Zvakaita senyeredzi yakaperekedza vachenjeri vokumabvazuva vakauya kuzoona mambo Jesu vakagukuchira zvipo zvemhando yapamusoro kusanganisira goridhe.

Vamwe vanoti dai pakaiswa mufananidzo wegidi, raikwanisa kukwezva vatsigiri sezvakaitwa nejongwe here, kana kuti zvaienda napamwe, kana kuti mavhoti acho aitozowandisisa sezvo vanhu vakange vachiziva kuti rusununguko rwuri kuuya mushure mehondo? Saka kuipa kwechimwe, kunaka kwechimwe!

Asiwo, pakazosvika nguva yokusandurwa mucherechedzo uyu, mushure mokunge mapato eZanu neZapu abatana muchibvirano cheUnity Accord chave namakore 28 apfuura chasainwa, musi wa22 Zvita, 1987.

Bato idzva reZanu-PF rakatanga kushandisa ravanoti “dura” kana kuti rupawo rwamasvingo eGreat Zimbabwe.

Kana mucherechedzo wenyeredzi yakatungamira vachenjeri vokumabvazuva ichiri kungoyeukwa nokutaurwa nezvayo, ko masvingo akavakwa nehumhizha kwakadai, anoshamisa vanhu pasi rese, vamwe vachikambira kuti ndivo vakaavaka nokuti vanhu vatema havana unyanzvi hwakadai, angatadza nei kuramba achingopa bato riri kutonga reZanu-PF mikana yakawanda yokugara panyanga? Nokuti haisi pfuti yavakamborambidzwaka iyi, uyewo pfuti dzinosandurwa-sandurwa. Mhando yeAK47 yakashandiswa pahondo yatopindwa nezvimwe zvitsva!

Share This:

Sponsored Links