Uncategorized

Kuita chipfambi uine pamuviri, kacheche

10 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Kuita chipfambi uine  pamuviri, kacheche Mbuya Alice Kwenda Soko

Kwayedza

Kingstone Mapupu
NYANZVI dzezvechivanhu dzinoti mudzimai akaroorwa akangoita chipfambi iye aine pamuviri, ozorega kureurura, anosangana nematambudziko makukutu pakusununguka kana kuti mwana waanobara anofa zvisinganzwisisike.

Mashoko aya anotevera nyaya yemukadzi akaroorwa iyo yakapinda mudare raSabhuku Chitate, kwaSeke, nguva pfupi yadarika uyo akataura pajekerere kuti anodanana nevarume vakawanda vemubhuku raakaroorwa uye anonzi akaita zvechipfambi aine pamuviri zvikazokonzera rufu rwemwana waakabara.

Marshia Mukwada (21) — uyo anova mudzimai waMadzibaba Foster Karikoga (26) uye anopinda chechi cheJohane Masowe eChishanu — anonzi akabata mimba asi ndokuzoita chipfambi icho asina kureurura kumurume wake zvikazokozera rufu rwemwana waakabara.

Murengwa Gotami

Vachitaura pamusoro pezvinoitika kana mukadzi ane mimba akasareurura chipfambi, Mbuya Alice Kwenda Masoko (59) vekuLochnivar, muHarare, vanoti kana mudzimai aine pamuviri kana mwana mucheche, haafanirwe kuita gumbo mumba gumbo kunze.

“Izvi zvinosanganisira vanhurume, baba vanokwanisa kurwarisa kana kuuraisa mwana wavo nechipfambi.

“Hakuna chipfambi chinobvumidzwa kuitwa mumba, vangava baba kana amai. Kana amai vakazvitakura, zvine ngozi kuti vaite chipfambi nekuti pamuviri panogona kubva kana kuzvara mwana akafa kana ivo amai vacho kufa napo.

“Zvimwe chete nababa, havafanirwe kuita chipfambi mudzimai aine pamuviri kana kuti vaine mwana mucheche, mwana anogona kurwara akatofa,” vanodaro.

Vanoti kana murume atadza kuzvibata opoya mumba mwana obva arwara, baba ava vanogona kuuya nezviyo vopfumbatisa mwana amai vasingazvione. Vanozozvitora vozvikanda muchoto uye panguva iyoyo mwana anobva asunungurwa kubva pahurwere hunofanirwa kunge huchimubata. Vamwe vanonzi vanopfumbatisa mwana kamuti kadiki sekamuchisi kana vachinge vashereketa kunze.

“Murume akauya nezviyo izvi, kana kamwana kari kacheche, kungokagumisa paruoko ozokanda mumoto zviyo zvacho achitaura kuti ndine hurombo mwana nemutupo wake. Anotaura achiti, ‘Ndini baba ndanga ndangopoyawo.’ Kupfungaira kunoita zviyo izvi mwana anobva atorapika,” vanodaro Mbuya Soko.

Vanoti kumadzimai kana vaita chipfambi vaine pamiviri kana kuti mumba muine mwana mucheche, vanofanirwa kureurura zvinoita kuti zvifumuke mwana orega kuzorwara.

Amina Liwonde

“Munoona kuti vamwe vana vanotadza kuyamwa kusvikira amai vareva kuti vakashinha nani. Zvikasangodaro, mwana anorwara zvekuti munotadza kuzvinzwisisa,” vanodaro.

Mbuya Soko vanotiwo imwe nyaya inokonzera kuti nhumbu itadze kusunungukwa zvakanaka ndeyekuti mudzimai anenge aita makunakuna, obata pamiviri. Anofanira kureururawo.

Mashoko avo anotsinirwa naVaMurengwa Gotami (44) vekuTengwe, kuKaroi, vachiti mudzimai ane pamuviri akaita chipfamba anogona kusangana nematambudziko pakusununguka.

“Mudzimai akaita chipfambi aine pamuviri anogona kutadza kusununguka zvakanaka, ndipo paye pamunonzwa kuti avhiiwa mwana akafa kana ivo amai kufa. Zvinoyera pachivanhu,” vanodaro.

Amina Liwonde (36) wekuKaroi kwakare anotiwo: “Mudzimai akaroorwa anenge aine pamuviri akaita chipfambi, zvinokanganisa mwana kusvika pakuti mwana iyeye afe kana kuita chirema.”

 

Share This:

Sponsored Links