Kuita kwaMwenje

30 Nov, 2018 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
TSANANGURA zvinhu zvishanu zvinoitwa naPastor Gift Mwenje mukuedza kuvanza mhosva yavo yekupa Sarah pamuviri muna Kereke Inofa. [25]

Pastor Mwenje vanozama kuvanza pamuviri paSarah pavanoti vaive vakuda kuenda nemunhu mumwe chete kuUK pakati pake naZebra. Tinozviona mushure mesvondo yavanosara muchechi naZebra naSarah vamwe vanhu vaenda kudzimba. Vanovaudza kuti vakanga vakuda kuenda kuUK nemunhu mumwe chete pakati pavo.

Izvi zvinoita kuti Sarah azokwanisa kuenda navo kuUK nekuti Zebra akanga asina mazuva akawanda abvako.

Pastor Mwenje vanoedza kuvanza pamuviri paSarah nekumuudza kuti vaifanira kuenda vese kuUK. Izvi zvinoonekwa pavanenge vari kuMufakose mumotokari yavo manheru vachimuudza kuti vaifanira kuenda vese kuUK kunonyatsoronga nezvenhumbu yake pasina zvizhinji zvaizovakanganisa. Izvi zvinoita kuti Sarah arambe akashinga kuudza Zebra kuti aida kuendawo kuUK.

Imwe nzira inoshandiswa naPastor Mwenje kuedza kuvanza pamuviri paSarah kurambidza Mary kuenda naSarah kwachiremba. Tinozviona pavanenge vari mumba mavo kuna Coventry kuUK, vachimurambidza kuti aende naSarah kwachiremba kunovhenekwa pamuviri vachiti Sarah aisave mwana mudiki uye vaisafanira kuzvinetsa nezvake. Izvi zvinoita kuti vazokwanisa kupiwa mukana wekuperekedza Sarah kuchipatara ndokuruka zano rekushandisa chiremba Ayub Kanu kunyepera Mary kuti Sarah aisave nenhumbu.

Pastor Mwenje vanoronga naSarah kuti anyepedzere kurwara kuri kuvanza pamuviri pavakanga vamupa.

Izvi tinozviona pavanoenda kubasa kwake kunoronga zano rekuti agonyepera kurwara zvakanyanyisa paaizoonekwa nachiremba Ayub Kanu.

Tinozomuona achigomera nekuchema akarara pamubhedha akabata mudumbu ari kumba kwaMary naPastor Mwenje kuUK. Izvi zvinoita kuti chiremba Kanu vazokwanisa kuudza Mary kuti Sarah akanga asina nhumbu asi yaive mweya yekumusha kwake yaiita kuti adaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey