Kuita semuonde wakatukwa!

28 Apr, 2017 - 00:04 0 Views

Kwayedza

RIMWE zita ramai vaMukwende ndiMharidzo. Nokuti vakazvarwa panguva yakange ichipararira chiKristu muZimbabwe. Ndokusaka mune zvimwe zvinyorwa pachinge pane kakuparidza, nokuti vokwedu vanoti, “Chosiya huyo, chokuya nei”, vamwe vachiti, “Kufana bambo kunge kurima”.

Svondo rino ndati titarise zvimwe zvezvinhu zvatinochengetedza muupenyu, asi zviri zvinhu zvisina maturo, zvinhu zvinotipedzera mari, nguva pamwe chete nokutishaisawo mufaro chaiwo.

Pane zvinoitwa kuzvinhu zvisina basa muupenyu. Muenzaniso ndewomuti womuonde wakange usingabereki uri mushoko raMwari wakatukwa naJesu Kristu ukaoma zvachose. Asiwo, zvimwe zvinhu zvingasatukwa kusvika pakadai, asi zvinogona kupfuudzwa kune vanhu vanokwanisa kuzvishandisa, vanoshaya kana vanowana.

Kubhuku yaRuka chitsauko 13, ndima yechinomwe zvinonzi, “Zvino ava makore matatu andanga ndichiuya kuzotsvaka  muchero pamuonde uyu, uye handisati ndambowana chinhu. Utemere pasi! Seiko uchishandisa ivhu pasina?” Kune rimwe bhaibheri zvinonzi, “uteme, unotadzireiko pasi?”

Kubhuku yaMako, chitsauko 11, zvinonzi: “. . . Pavakanga vachibva Bhetani, Jesu akanzwa nzara. Akaona muonde uri kure una mashizha, akaenda kundoona kana wakanga une muchero. Akati asvika pauri, haana chaakawana asi mashizha bedzi . . . Ipapo akati kumuti: ‘Kusava nomunhu anozodya michero pauri nokusingaperi’.”

Vadzidzi vake vakazvinzwa. Mako anoenderera mberi achiti parwendo rwavo vachidzoka, vakapfuura nenzvimbo iyoyo zvakare “vakaona muonde waoma kubva kumidzi. Petro akarangarira, akati kuna Jesu, ‘Rabhi (mudzidzisi), tarirai! Muonde wamakatuka waoma!’”

Chasaka nditore muenzaniso womuonde ndechokuti kubhuku yaRuka unonzi pamusana pokutadza kubereka kwawakange uri kuita, muonde uyu uri waitadzira pasi kwazvo kana kushandisa ivhu mahara. Zvinoreveiko izvi, kuti muti wawadyara kana wamera woga wonzi unotadzira pasi kana kushandisa ivhu mahara?

Mundangariro dzangu ndakazviudza kuti kana chinhu chamiswa kuti chiburitse zvinhu zvine musoro, zvinofanirwa kuita saizvozvo. Muti wemuchero kana wadyarwa, kunyanya uyu wakanga uri mumunda wemuzambiringa, waitarisirwa kuti muzambiringa uchiita zvibereko, naiwo uchiberekawo maonde.

Asi chakavepo ndechokuti waingoonekwa mashizha gore negore, vanhu vachitarisira zvibereko, asi poshaikwa chinhu.

Zvoreva izvo kuti midzi, hunde nemashizha omuti zvaidya chikafu chiri muvhu kusanganisira mvura, uyewo chimwe chikafu chinobva muzuva pasina chaizobuda.

Uku kwaive kupedzera mimwe michero inobereka chikafu, saka zvaive nani kuti utemwe, kana kungotukwa nokuoma kubva kumidzi sezvawakazoitwa.

Ndatanga ndichiti kune vanhu vanoita basa rokututa nokuunganidza zvinhu mudzimba dzavo vachifunga kuti zvine basa, asi wozoona munhu achifa asina kumboshandisa chinhu chaakatenga makore makumi matatu apfuura.

Kana change chiine basa, wakarasirei mari uchitenga chinhu chausingazoshandisi, kunyanya zvinhu zvakaita semidziyo? Chinopedzerei nzvimbo mumba, icho chisingashandi?

Tikapinda mudzimba dzakawanda, tinosangana neungwanda-ngwanda hwezvinhu zvinotengwa, zvinongorongedzwa, zvisingashandi. Handisi kutaura midziyo yekushongedza mumba, asi ndinoda kusvika pakuti kana mumba mave nomurwi wendiro, mapoto kana makapu, basa razvo nderei? Pamba kana pachiita motokari gumi nembiri dzinenge dzichida kufambiswa sei?

Mumawadhirobhu embatya zvimwe chete! Mumwe muzere mbatya dzisingapfekwi, dzimwe dzichitori namapepa okuratidza kuti hadzisati dzatombovhurwa. Munhu anenge achitengerei kana achiziva kuti ane zvakawandisa?

Kutenga uku kunotusvwa nokuti munhu ari kuda chinhu chaari kutenga here, kana kuti kutenga kworuchiva rwomunhu ane maziso azere nokukwereta chese chese chaaona?

Munhu anonzwa zvichimuomera kupa, asi zvosave dambudziko kuita muunganidzwa wezvinhu zvaasingambofa akashandisa.

Tikaenda kumastendi edzimba haikona kutaura. Patave nhasi uno hapana munhu anoda kuitwa roja iye achigona kumira-mirawo achitenga sitendi yake nokuzvivakira imba nemhuri yake.

Makanzuru aive nemutemo wokunyoresa vanoda dzimba nemasitendi, asi nhasi ma”waiting list” ashaya basa nokuti variko vanogona kuti mumusha mumwe nemumwe vanenge vaine masitendi, kwete sitendi imwe chete. Nyika ino yose, hapana kusina mazita avo, nenzvimbo dzinonzi ndedzavo.

Umbimbindoga hwakadai hwozovei, kana munhu achiti ndiye bedzi akakodzera?

Muchidimbu variko vanhu vanenge muonde uyu wakapedzisira watukwa. Unovaona vachizvirova matundundu, asi vari mionde isingabereki, vanoita basa rokupedzera zvimwe zvirimwa chikafu.

Tosangana paChina chounogara, asi ndooneka ndichikorokotedza vashandi veZimbabwe neInternational Workers’ Day yemusi weMuvhuro.

Nhasi uno, ndiwe woga wave kusarudza kuti uri mushandi here kana kuti kwete, uyewo kuti uri mushandi wemhando ipi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey