Uncategorized

Kukangira mupositori nyama yenguruve

14 Sep, 2018 - 00:09 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa

KUFAMBA naJesu kwakanga kusina kuchipa, uye nyangwe nanhasi hakuna kuchipa. Jesu akaudza vanhu vazhinji vaimutevera kuti, “Mweya ndiye anoraramisa, nyama haina maturo; mashoko andakataura kwamuri, ndiwo mweya noupenyu.”

Pamavhesi matatu anotevera, tinobva tanzwa kuti, “Ipapo vadzidzi vake vazhinji vakadzokera shure, vakasazofamba naye. Jesu akati kuna vane gumi navaviri, “Nemi munoda kubvawo here?” Simoni Petirosi akamupindura, akati, “Ishe, tichagoenda kuna aniko? Ndimi muna mashoko oupenyu husingaperi.”

Kana Jesu achiti nyama haina maturo, ari kureva kuti haina chainobatsira. Ndine nguva dzandaingofunga kuti nyama iri kutaurwa pano ndeyangu chete. Asi ndakazoti ndaona musikana akanga achiraramira make-up, nzara refu dzine twunhu twunopenya, tsiye refu dzinenge makumbo ezongororo nehembe dzinonyebudza nyama yake kune vanoona, ndikapepuka.

Nyama haina maturo, zvese yangu kana yako nerunako rwako. Runako rwako haruna maturo nekuti rwuri kunze. Nyama yako hairaramise vanokutarisa vachikuchiva.

Nyama yangu haindiraramise nekuti ndakuona hana ikarova. Jesu ari kuti chinoraramisa mweya. Ndinobva ndafunga pamwe paakati kuVaRoma, “Urayai nyama nekuchiva kwayo.”

Saka kana nyama isina chainobatsira, uye tichifanira kuiuraya, sei ichitituma kuiteerera? Kudyisa, kuita chipfambi, godo, hasha nekunwa doro zvekusara wave bhuku rawira mudhishi remvura?

Sei nyama ichitituma kuti tipfeke zvekufamba tichishambadzira nekutengesera vanhu ruchiva? Sei tichitiza vakadzi vedu vatakachata navo kuti tinofadza nyama nenyama yevakadzi vevamwe?

Bonde chipo chatakapihwa naMwari pachavo. Bhaibheri haritaure kuti bonde pachezvaro kutadza, asi nyaya iri pakuti unoriita nani.

Ichokwadi variko vamwe vanoti zvebonde ndezvetsvina uye hazvisi zvaMwari. Mafungiro nemaonero akadai anobva pamashambadzirwo ave kuitwa bonde pese pese. Vanoimba nevanoita mafirimu, nevamwe vane mukurumbira ndivo vave pamberi mukudzidzisa vanhu kutsvaga bonde.

Kupfeka kwevasikana nevanhukadzi kwave kwekupakurira mupositori nyama yenguruve yanyatsokangwa ikasara yatsvukirira uye ichinhuhwirira zvekuuraya.

Mafirimu mazhinji ari kuratidzwa mazuva ano, kunyanya anoperekedza mimhanzi ari kuregedzera nyama dzakawanda muvanhu. Zvave kuita sekuti bonde chinhu chisingafanire kushayikwa nemunhu.

Bonde rave kufananidzwa nekunzwa nzara. Kana tikanzwa nzara tinotsvaga zvekudya, kana tikanzwa nyota tinotsvaga zvekunwa nekuti ndizvo zvinenge zvichidiwa nekuchemerwa nemuviri.

Saka nyama yatakaudzwa naJesu kuti haina maturo yave kutichovha sebhasikoro.

Nhasi uno ukataura zvekusaita bonde kusvikira waroora kana kuti waroorwa, uye kana waroora kana kuroorwa ugoriita newawakachata naye unonzi wakasarira sebhazi reAVM riri kutevera mumashure meYutong.

Asi kutaura kwaJesu, kutaura kweMusiki anoziva zvakanakira nezvakafanira vanhu vaakasika. Mwari vakaita kuti bonde rishande sesungano kana chibvumirano chewanano. Bonde ndere vanhu vakaroorana chete chete. Pese parakaitwa kunze kwewanano pane zvakafa nekuti nyama hairaramise.

Bonde harisi revakomana nevasikana nekuti paunozosara woroora kana kuroorwa unenge wapedzwa. Kana uchida bonde, riite sekutaura kwaMwari.

Riite nekuti wakaroora kana kuti wakaroorwa, asi woriita newawakaroora kana wawakaroorwa naye chete chete.

Ndinozviva kuti mashoko angu anogona kusakufadza, asi ndiri kukubatsira kuti uzive kuti nyama haina chainobatsira.

Nyangwe pono yaunotumirwa nekutumira vamwe hairaramise. Iwe hausi wako, uri waMwari saka teerera Mwari kwete vanhu. Une simba rekusarudza nyama kana mweya. Jesu, kwete vanhu ndiye ane mashoko ehupenyu husingaperi.

Share This:

Sponsored Links