Kukaringa muswe wemombe

15 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
Kukaringa muswe wemombe Nyama yemuswe wemombe

Kwayedza

ZVIRI MUGAPU NAMUCHANETA CHIMUKA
NYAMA yemuswe wemombe machikichori chaiwo kana ikakaringwa zvine hunyanzvi.

Svondo rino Tatenda Shuro wekuMarondera anorondedzera mamwe mabikirwo eusavi uhu.

Zvinodiwa:

Chikari, poto kana pani, mugoti, chipunu, banga, nyama yemuswe wemombe yakachekwa, hanyanyisi, makerotsi, munyu, mafuta nematomatisi akagaiwa zvipunu zviviri (tomato puree).

Mabikiro:

Gadza chikari kana poto pamoto.

Chiisa zvipunu zviviri zvemafuta. Kana apisa isa nyama yemuswe imomo wokanga kusvikira yatsvukira mativi ose.

Chitora mvura yakawanda wodira mupoto imomo, isa pamoto wakawanda wochekera makarotsi, matomatisi nehanyanisi. Rega zvikwate kwemaawa mashanu uchipamhidzira mvura kusvikira nyama yava kubva pabhonzo.

Chiisa munyu nematomatisi akagaiwa woraidza kuti zvaringana here.

Chibura usavi hwako.

Munogona kudya nemupunga kana sadza remhando yamunoda.

 

Share This:

Sponsored Links