KuMabvuku vonwa mvura yakachena

27 Feb, 2015 - 00:02 0 Views
KuMabvuku vonwa mvura yakachena DZIMWE nhengo dzeARF dzakamira pachibhorani chakachererwa vagari vekuMabvuku munguva pfupi yadarika. - Mufananidzo: Muchaneta Chimuka

Kwayedza

DZIMWE nhengo dzeARF dzakamira pachibhorani chakachererwa vagari vekuMabvuku munguva pfupi yadarika. - Mufananidzo: Muchaneta Chimuka

DZIMWE nhengo dzeARF dzakamira pachibhorani chakachererwa vagari vekuMabvuku munguva pfupi yadarika. – Mufananidzo: Muchaneta Chimuka

Muchaneta Chimuka
VAGARI vekuMabvuku, muHarare, avo vange vakatarisana nedambudziko rekushomeka kwemvura yekushandisa mudzimba kwenguva refu, vachabatsirikana zvikuru zvichitevera kucherwa kwakaitwa chibhorani munzvimbo iyi kuburikidza nemushandirapamwe wesangano maviri.Masangano aya ndeanoti reAfrican Rennaisance Foundation (ARF) Rotaract Club of Harare West pamwe neLiving Water.
Mukuru wesangano reARF, VaTalkmore John Chinosiyaani, avo vanove nyanzvi munyaya dzezvemitambo yemadhirama nemafirimu, vanoti vakatora danho iri nedonzvo rekubatsira vagari vemunzvimbo iyi.

“Munzvimbo yeMabvuku ndimo mandakakurira saka semunhu ari munyaya dzezvemitambo ndakaona kuti ino ndiyo nguva yekuti tibatsirewo vanhu vari munharaunda dzatinogara nekuti ndimo matinoitira mabasa edu,” vakadaro VaChinosiyaani.

“Dambudziko remvura iguru kwazvo mumusha weMabvuku, ndiko kusaka takasarudza kuchera chibhorani kuD Extension pedyo nekireshi kuti chibatsire vadzidzi pamwe neveruzhinji vari munzvimbo iyi. Chibhorani ichi chiri pachena zvekuti chero munhu anenge achidarika anokwanisa kunwa mvura,” vakadaro.

Vanoti vari kutarisira kuita mamwe mabhindauko anobatsira vanhu munharaunda iyi kana vachinge vaunganidza mari nevamwe vaimbi.
“Tiri kutarisira kuti vaimbi nevaiti vemadhirama vapinde muzvirongwa zvekusimudzira nharaunda maringe nenyaya dzekurwisa HIV, kuwaniswa kwemvura yakachena, kucheneswa kwenharaunda, kuwaniswa kwehunyanzvi hwemabasa emawoko pamwe nekurwisa mhirizhonga,” vakadaro. Mai Sanelisile Valentia Mswabuko, vanove murongi kuARF, vakati dzimba zhinji dzemuMabvuku dzinowana mvura yemupombi kamwe chete mumasvondo maviri. “Takaunganidza mari inosvika US$10 000 kuti tichere chibhorani ichi. Zvibhorani zvizhinji zviri muMabvuku zvakachererwa panzvimbo dzine matombo kana yakaoma nekuti hadzina kutanga dzaongorororwa nokudaro zvakatooma,” vakadaro.

Vanoti vari kutarisira kuzochera zvimwe zvibhorani munzvimbo iyi.
Kunze kweizvi, Mai Mswabuko vanoti vanoda kugadzirisa nyaya dzemarara kuburikidza nekufundisa vanhu nzira kwadzo dzekuarasa.
“Marara erudzi rwema’pamper’ ndiwo anetsa mumaguta mazhinji apo tinoona vanhu vachiapotsera pose-pose. Marara iwaya haawore nhando saka tinoda kuunza mabhini ekurasira marara erudzi urwu achizoendeswa kunzvimbo dzaanopiswa kuitira kuti tichengetedze nharaunda dzedu. Mimwe mishonga iri muma’pamper’ inogona kufamba nevhu yokonzera zvirwere zvemanyoka kuvanhu,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG