Kumachechi kuri kuitika zvikukutu

28 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
Kumachechi kuri kuitika zvikukutu

Kwayedza

SVONDO rino tine nyaya inorovesa hana nekusuwisa zvikuru, nyaya yekuMhondoro yemitumbi miviri inoti wababa newemwanakomana wavo — iyo inonzi yakaworera mumba mushure mekunge mumwe wevashakabvu asiya ataura kuti vasavigwe kumakuva achiti vaizomuka vose kubva kuvafi nekufamba kwenguva.

Mutumbi wemwanakomana unonzi wakagara mwedzi mitatu wakavharirwa mumba uyuwo wababa ndokugarawo masvondo maviri.

Semabudiro enyaya iyi, zvinonzi mwanakomana uyu — uyo ange achizviti muporofita — akasiya ataura kuti kana iye nababa vake vakafa, vaisafanira kuvigwa kumakuva.

Mwanakomana uyu anonzi akasiya ataura kuti iye aizomuka kubva kuvafi, ozomutsawo baba vake — anove mashoko akatendwa nevemumhuri yake avo vakaita sekutaura kwake.

Kunze, kwekuchengeta mitumbi iyi, vemhuri iyi vanonzi zvakare vakasiya vanzi nemuporofita uyu vaifanira kutsanya kwemazuva 90 uye vorega kugeza kuitira kuti chiporofita chake ichi chinge chichizadziswa.

Nyaya iyi inonzwisa hasha zvikuru nekuti inoratidza kunyengedzwa nekupofomadzwa kukuru kuri kuitwa vamwe vanhu kumachechi kwavanopinda.

Mitumbi miviri iyi yakasvika pakuwora kuita honye apo vemhuri iyi vairamba vakaichengeta vachiti ichamuka sekutaura kwaive kwaitwa nemwanakomana uyu.

Nyaya iyi zvakare inoburitsa pachena kuti kune zvinhu zvikukutu zviri kuitika kune mamwe machechi uye zvimwe zvacho hazvisi kuburistwa pachena.

Chechi kubvira kare yakagara ichitorwa sebako reutiziro asi nhasi uno zvasiyana sezvo kune mamwe machechi kwazara dzidziso yehunyengeri, hupombwe nekutorera vanhu mari kuburikidza nenzira dzechikiribidi.

Mutungamiriri wenyika President Mugabe svondo rapera vakamhura mamwe machechi ari kubira vatendi mari achishandisa zita raMwari.

Vachitaura pamhemberero dzezuva rebhavhadhe remuramu wavo, Mai Junior Gumbochuma, President Mugabe vanoti vanoshushikana zvikuru nemamwe machechi ari kutora mari kuvatendi nenzira dzechikiribidi.

“Kune mamwe machechi vanokopa zvese kubva kuna vanaMoses. Hatidi zvekunyeperwa zvekuti ah tiri mapastor, asi hupastor zvichireva kuunganidza mari dzinobva kuvanhu nguva nenguva. Mari dzevanhu? Kungotora Bible kuna Corinthians kwakuparidza kuvanhu kutoita mari, kupfuma nemazuva matatu,” vanodaro President.

Tinotsigirana zvikuru mashoko aPresident Mugabe aya nekuti kune mamwe machechi kwazara vanyengeri vari kutsautsa vanhu vaine chido chekunamata.

Senyaya yemitumbi miviri yakaworera mumba kuMhondoro iyi, inoratidza simba rine vamwe vakuru vemachechi uye kuti zvose zvavanotaura zvinotevedzerwa nevatendi vavo.

Semaonero edu, zvakakosha kuti vakuru vemachechi akasiyana pamwe neHurumende vaise misoro pamwe chete maringe nematanho akasimba angatorwe kune machechi anotsautsira kana kubira vanhu mari achinyepera kuparidza shoko raMwari.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey