Kumitisa kamwana kwamuparira

0

Muchaneta Chimuka

MURUME wekuChitungwiza wekupinda pabonde nemwana akaigochera pahutsi zvichitevera kutongerwa kwaakaitwa nedare reko kugara mujeri kwemwedzi 18.

Talent Last Rumema (20) wepanhamba 27051 Unit J Extension akabatwa nemhosva yekupinda pabonde nekasikana kane makore 15 ekuberekwa.

Mutongi Blessing Murwisi wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts akamupa chirango chekugara mujeri kwemwedzi 18 asi ndokuzomubvisira mwedzi misere pachirango ichi nechitsidzo chekuti haafaniri kupara imwezve mhosva yerudzi urwu mumakore mashanu anotevera.

Akaenderera mberi nekumubvisira mwedzi gumi yainge yasara pachirango ichi nechitsidzo chekuti anofanira kunofondoka kwemaawa 350 paUnit L Hall, kuChitungwiza kwakare.

Muchuchisi Edith Chitapa Murwisi anoudza dare kuti muzuva risingazivikanwi nedare asi muri mumwedzi waMbudzi gore rapera, Rumema akapfimba mwana uyu achibva abvuma.

Nomusi waKubvumbi 4 munguva dzemasikati, mwana uyu anonzi akaenda kumba kwaRumema kunoona amaiguru vake vainge vasiri kunzwa zvakanaka.

Mwana uyu anonzi akaperekedza maiguru ava kuchipatara asi akavasiya vapihwa mubhedha achibva adzoka kumba kuye uko akawana Rumema ari pamba ndokuita bonde.

Mune rimwe zuva risingachazivikanwe nedare zvakare asi muri mumwedzi waChikumi gore rino, mwana uyu akaenda kumba kwaRumema vachibva vaita zvakare zvebonde.

Mwana uyu haana kutaurira kana munhu nezvenyaya iyi kusvikira azobata pamuviri achibva ataurira baba vake nomusi waNyamavhuvhu 7.

Nomusi waNyamavhuvhu 22, mwana uyu akaperekedzwa kuSt Mary’s Police Police achibva anomhan’ara nyaya iyi uye magwaro ekwachiremba akabuda mudare seumboo.

Pakumira kwaakaita mudare, Rumema anobvuma kuti anodanana nekasikana aka.

Share.

About Author