Kunaka kunoita madora

30 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Kunaka kunoita madora Madora

Kwayedza

MADORA kudya kunonaka uye kuchivaka muviri. Kana uine madora parwendo, usakanganwe kutakura kachigubhu kemvura kana chimwe chinwiwa kuti zviendeke.

Svondo rino VaJoseph Makonese vekuSunningdle 3, muHarare, vanotsanangudza mamwe mabikirwo emadora.

Zvinodiwa:

Madora, munyu, pani kana poto, mvura, mafuta kana dovi nemhiripiri

Mabikiro:

Fashaidza makomichi mana emvura.

Nyika madora mumvura inopisa kwemaminitsi angaite gumi.

Geza madora, uchaona achibuda mvura yakatsvukuruka.

Ramba uchiageza uchirasa mvura kusvika achena.

Chiagadza pamoto wokwatisa.

Chiisa mumvura shoma ine munyu nemhiripiri. Kwatisa mupani kana poto kusvika mvura yapera.

Wozodii?

Isa mafuta mupani woisa pamoto. Kanda madora uchiakanga kusvikira asara asisina hunyoro hwakanyanya.

Kana uchida ane dovi, kurungira dovi mumvura, wozokanda madora. Siya achikwata kusvika aita muto wakakora.

Mushure mezvo chibura uzvirume rurimi nekunakirwa nemadora. Madora anogona kudyiwa nesadza jena, remhunga kana kuti akadaro, sezvido zvako.

 

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey