Kunyora tsamba

24 Jun, 2016 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga

CHIKAMU chino tinoda kuchishandisa sehwaro hwekupendera nyaya yepepa repiri rerondedzero nenzwisiso. Hatingati tapedza rondedzero tisati tataura nezvetsamba. Muchirongwa cherondedzero ndimo makatsvetwa tsamba nevakuru vakuru vanoona nezvedzidzo nekurongwa kwebumbiro rechiShona.

Tsamba dzinowanikwa dziri paviri, kune tsamba dzeushamwari dziri dzekukwazisana sevanhu vanozivana kana kukokana kumabiko nezvimwe zvakadaro. Kunozouyawo tsamba dzebasa.

Mazuva ano kunyorwa kwetsamba kwava kushoma mukurarama nekuda kweshanduko yemidziyo yakazoti kuuya asi mupepa rebvunzo tsamba inotouya chete. Chinofanirwa kudzidzwa ndechekugona kuona kuti tsamba iyi inoenda bandiko ripi.

Waona mubvunzo muine tsamba wotoziva kuti bvunzo riya razobooka nekuti ukangogona kutevedzera zvinoda tsamba unokohwa pakuru. Ndinodaro nekuti tsamba ine gwara rayo rakasimwa kuti ritevedzerwe uye kungotevedza gwara iroro kune mwero wako wegoho (marks). Nokudaro iwe unozongokandawo pfungwa dzako pano neapo kuti ungozadzisa mukombe.

Tsamba yekutanga yeushamwari yakasimirwa mutaro wekuti inofanirwa kunyorwa kero imwe chete inotangira pakati pepepa uchienda kurudyi. Vamwe havo vanogona kungonyora kero kwakatangira pepa hazvina hazvo mhaka.

Kero iyoyo ngainyorwe zvakaringana ichidzika pachizodarikwa mutsetse kana ponyorwa zuva ranyorwa tsamba. Wapedza zuva retsamba wodarika mutsetse woenda kwakatangira pepa wonyora kwaziso. Wapedza kwaziso wotanga tsamba yako uchinyora zvikamu zvinokamurwa nekusiya mutsetse. Wapedza mutumbi wetsamba wozoenda kuonekano iyo inoda udarike mutsetse wozonyora zita rako.

Kana yava tsamba yebasa masamba asiyana pakuti pava kudiwa kero mbiri, kero yemunyori uye kuri kuenda tsamba. Kero yekutanga inotangira pakati pepepa ichienda kurudyi. Kero yepiri inotangira panotangira pepa pari pazasi peyekutanga.

Yapedzwa kero wonyora donzvo rauri kunyorera tsamba. Donzvo iri rinonyorwa nepaviri. Kana wanyora donzvo nemavara madiki unofanirwa kutara mutsetse pasi pacho. Kana wanyora mavara makuru hauchatara mutsetse pasi.

Mutumbi wetsamba unofanirwa kutakura chete zvine chekuita nedonzvo retsamba. Mutumbi iwoyo unopatsanurirwa zvikamu nekudarika mitsetse wozonyora zita rako rizere.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey