Uncategorized

Kunzwisisa mutemo

14 Sep, 2018 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Zvinoitwa kana kunogara mumwe kusingazivikanwi

Danai Chirawu

KURAMBANA hakusi nyore asi zvinhu zvinoitika zvisinei nekuti kune miripo inobviswa pamutemo kuti zvinge zvichifamba uye kunorwadza.

Kurambana kune matambudziko anouya kuvana uye munyaya dzemari nekugoverana kwemidziyo.

Kana danho iri richinge ratanga, mumhan’ari anofanira kuudza dare zvaanenge achida kuti zvichiitwe mukurambana ikoko uye kugoverwa kwemidziyo nezvichange zvichiitwa kuvana.

Kuti izvi zvinge zvichiitwa, panotumirwa masamanisi anoendeswa kumushandi anofambisa mashoko wedare guru reHigh Court (sheriff) kuti aaendese kumunhu waari kuda kurambana naye anova mumhan’arirwi. Kuti magwaro aya ange achiendeswa, sheriff anofanira kuziva kunenge kuchigara mumhan’arirwi.

Kufambiswa kwemashoko uku kwakakosha nekuti kunotaura kuchinjwa kuchaitwa zita remumhan’ari achishandisa rekumhuri kwake apo remuchato rinenge richibviswa nezvimwe zvainge zvakasandurwa.

Pane dzimwe nguva apo vanhu vanongosiyana asi vasinganodimburisi muchato zvinozoita kuti vazokundikana kuziva panenge pave kugara mumhan’arirwi apo vanenge vava kuda kurambana zviri pamutemo.

Pane zvinoitwa pamutemo kuti munhu iyeye ange achitsvagwa kana kuendeserwa magwaro kuburikidza nekushambadzwa mumapepanhau munyika inenge iri kugara mumhan’arirwi kana kuatumira kubasa kwake.

Dare rinogona kupa mutongo zvichifambirana nezvinenge zvashambadzwa richipa zvikonzero zvekuti rinenge rakundikana kuwana munhu uyu patsvakurudzo dzinenge dzaitwa nasheriff.

Mumhan’ari anofanirawo kutsanangura chikonzero chekuti sei ari kuda kuti wanano iyi iparare.

Nekuda kwekuti kune nyaya dzehuwori idzo dzinoitwa nevamwe vamhan’ari apo vanonyepa kuti muman’arirwi ari kunze kwenyika kana kuti ashaikwa zvachose munyika muno, dare rinopa mutongo wekuti mamwe magwaro ese ange achiendeswa kuhama yemumhan’arirwi kuitira kuti asazoshamisika kuona atorerwa dzimwe kodzero dzewanano dzaanenge ainadzo semidziyo kana vana.

Kana dare richinge rapa mutongo uyu, unopa mvumo kuti izvi zvinge zvichiburitswa mumapepanhau uye rinopa mukana wemazuva gumi ekuti mumhan’arirwi ange achipindura. Kana achinge apindura panenge pasisina chikonzero chekuti arambe achishambadzwa mupepanhau nekuti anenge ave kuzivikanwa kuburikidza nekupindura kwaanenge aita.

Asi, kana asina kupindura shambadzo idzi pakazoitwa shambadzo dzekugumisira, dare rinenge rava nekodzero yekupa mutongo waro uye panenge pasisina mukana wekupindura.

 

* Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemutande rinoti [email protected], kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900 kana dzetoll-free 08080131. Munogona zvakare kutibata paWhatsApp inoti 0777 828 201.

Share This:

Sponsored Links