‘Kupa vana vechikoro zvekudya kunobatsira’

03 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
‘Kupa vana vechikoro zvekudya kunobatsira’

Kwayedza

Daphne Machiri

CHIRONGWA cheHurumende chekupa vana chikafu muzvikoro zvepuraimari chiri kurumbidzwa uye kune kurudziro yekuti chiitwewo kusvika kusekondari sezvo chiri kubatsira zvikuru mukusimudzira dzidzo munyika.

Kurudziro iyi yakaitwa naVaGardiner Chikoore, avo vanove mukuru wechikoro cheMbizi Secondary School chiri kuHighfield, muguta reHarare, apo vaikurukura neKwayedza.

Vanoti zvakakosha kuti vana vadzidze vakaguta.

“Isu sechikoro, tiri kuita zvidzidzo zvekurima, ndiko kuri kubva chikafu chedu cheSchool Feeding Programme. Pachikoro chedu tiri kurima zvakaita sebhinzi nechibage izvo zvatinopa vana vedu vechikoro kuti vadye.

“Vamwe vakambotanga vachinyara kudya sevana vati samhukei, asi mazuva ano vave kudya uye tinovapa kamwe chete pavhiki,” vanodaro VaChikoore.

Vana vepaMbizi Secondary School vachipiwa chikafu nguva pfupi yadarika

Vanoti chirongwa cheSchool Feeding Programme chiri kubatsira zvakanyanya munyaya dzedzidzo nekudaro chinofanira kuenderera mberi.

“Mwana wechikoro akadzidza akaguta hatitarisire kuti adofore kana kuti ange achirara mukirasi kana kurovha chikoro izvo zvinobatsira kusimudzira dzidzo munyika zvakare nekupasa kwevana. Zvinoitawo kuti Zimbabwe irambe iri padanho repamusoro muAfrica pakuve nevanhu vanogona kunyora nekuverenga,” vanodaro VaChikore.

Zvisinei, vanoti zvakavatorera nguva kuti vana vechikoro vafarire chidzidzo chekurima.

“Mazuva ekutanga, vana vaiona sevanonetswa kana vachinzi vatimbe, kudiridza kana kusakura. Asi iye zvino vabereki vari kutenda kuti vana vavo vave kuitawo magadheni kudzimba vachitodiridza,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links