Kupemberera kune musiyano

20 Apr, 2018 - 00:04 0 Views

Kwayedza

NEMUSI weChitatu svondo rino, zvizvarwa zveZimbabwe zvakabatana mukupemberera makore 38 Zimbabwe yawana kuzvitonga kuzere. Chokwadi ndechekuti rwendo rwafambwa rwurefu kubva mugore ra1980 kusvika pari zvino. Mhemberero dzegore rino dzine musiyano mukuru nedzemamwe makore sezvo dziri kuuya panguva iyo nyika iine Hurumende itsva — iyo iri kutungamirirwa naPresident Mnangagwa.

Hurumende iyi iri kuita basa sebasa uye chinangwa chayo chikuru ndechekusimudzira upfumi hweZimbabwe.
Nyika ino yange yakatarisana nematambudziko makukutu munyaya dzeupfumi kwemakore akawanda adarika.
Mhemberero dzekuzvitonga kuzere dzegore rino dziri kuuya panguva iyo zvakare nyika ino iri kuvandudza hushamwari hwayo nenyika dzekumadokero dzakaita seUnited States of America neBritain.

Hukama hweZimbabwe nedzimwe nyika dzekumadokero idzi hwange huri hwegonzo nekitsi, husina kumira zvakanaka nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

Zvisinei, zvinofadza kuona matanho ari kutorwa neHurumende ekuti inge ichidyidzana nepasi rose izvo zvinove zvakakosha mukusimudzira upfumi hwenyika.

Zvakakoshawo kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvizive kwakabva nyika.
Nhoroondo yezvakaita kuti vanhu vatema varwe hondo yekusunungura Zimbabwe inofanira kuramba ichirovedzerwa, zvikuru kune vechidiki sezvo vari ivo vatungamiriri vemangwana.

Vechidiki vanofanira kuziva kuti kune zviuru nezviuru zvemagamba akafa achirwira rusununguko rweZimbabwe.
Kune vamwe nhasi uno vasati vavigwa zvine mutsigo avo vakafira munyika muno pamwe nekunze vachirwira kuzvitonga kuzere kwenyika kubva kuhutongi hwemabhunu. Dzidziso iyi inofanira kuramba ichitondedzwa kuzvizvarwa zveZimbabwe kuitira kuti vasakanganwe chezuro nehope.

Hondo yerusununguko yakarwiwa nekuda kwezvikonzero zvine chitsama zvinosanganisira hutongi hwehudzvanyiriri hwaiitwa nevachena.

Vanhu vatema vaibatwa senhapwa munyika yavo yechipikirwa.
Kunyangwe panyaya yeminda chaiyo, vatema vaigariswa kudurunhuru vachena vachirima ivhu rakakorera pamwe nekudya huchi nemukaka hwenyika.

Kunyangwe mumaguta chaimo akaita seHarare, kune dzimwe nzvimbo idzo vanhu vatema vairambidzwa kusvika vasina mvumo yevachena.

Ndizvowo nemumabasa, vachena vaibhadharwa kudarika vatema zvisinei nekuti vaiita mabasa api. Nhasi zvose izvi zvakapera nekuda kwevakazvipira kurwira nyika yavo. Ivhu rakagoverwa kuruzhinji uye chasara chete kushanda nesimba mukurima kuti nyika igute.

Hondo huru iripo muZimbabwe pari zvino ndeye kusimudzira upfumi hwenyika uye kana zvizvarwa zvenyika zvikabatana, hapana chinokona.

Asi nyika haingabudirire kana kuine dzimwe nhunzvatunzva dzinenge dzichiita huwori. Tinogamuchira nemowoko maviri matanho ari kutorwa neHurumende ekurwisa huwori ayo anosanganisira kuzivisa mazita emakambani pamwe nevanhu vakaita chikiribidi chekuburitsa mari nemidziyo kunze kwenyika zvisiri pamutemo. Tinotarisira kuti vose vachabatwa nemhosva yekuita huwori vacharangwa zvakafanira maringe nemutemo.

Tinofanira kupemberera kuzvitonga kuzere nemabasa anosimudzira upfumi hwenyika kwete nehuwori.
Tinoti makorokoto Zimbabwe nekutsvitsa makore 38 ekuzvitonga kuzere!

Share This:

Sponsored Links