Kupenya hakusi kunyepa

09 Dec, 2016 - 00:12 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA
TIRI munguva yekumhanya-mhanya. Kutsvaga dhora, kutsvaga bond.

Tiri kunetsana nevakatikwereta mari iri madhora vave kutiudza kuti mari iri kunetsa kutora kubhengi. Kune vari kuronga kudhakwa nemari shoma yavainayo iyoyo. Pane zvizhinji zviri kuitika muhupenyu hwedu panguva ino zvekuti takafanana nechivanze chinoda mutsvairo.

Asi munguva ino yatiri, muchenjere kutadza kuona kupenya kwaMwari kuri kuonekwa nevamwe.

MuBhaibheri tinonzwa kuti “nyenyedzi” yakaita kuti vachenjeri vabve kumabvazuva vachiuya kuJerusarema. Iwe munguva yehupenyu hwemushika-shika hwatiri kurarama uhu, uri kuona chii muhupenyu hwako? Ichokwadi mari iri kunetsa, vanhu vari kunetsa uye tsaona dziri kuitika, asi ndizvo chete here zvauri kuona?

Munguva ino yatiri, nguva yemaporofita neminana, nguva yekutenga hembe nezvekudya, usarasikirwe nemukana wekuona nyenyedzi yaKristu mudenga.

Munguva ino yatiri, uchenjere kutamba nevamwe vane chipo chekushora nekuongorora zvakanyanyisa zvekuti vanotadza kuona zvakanaka zvakaita sekuzvarwa kwaJesu. Kwavari, chakakosha kunwa, kugocha nekutumira maWhatsApp.

Asi kana uri mumwe, imbozvibvunza kuti nyenyedzi iri muBhaibheri pakazvarwa Jesu yaipenya here kana kuti yainyepa?

Ko sei tisina imwe nyenyedzi yakamboita zvakaitwa nenyenyedzi iyi — kufamba, kutungamirira vachenjeri kuti vaende kuMwanakomana waMwari kunomunamata? Iwe uri kutungamirirwa nani, uye kuenda kupi? Uri kupenyerwa nei? Magetsi ako chii?

Kana kare kare kwazvo, uye kure kure kuBheterehema nyika yeVaJudha Mwari akatungamirira vatorwa kuti vaende kuna Jesu, kuti vamunamate hauone zvazviri kureva kwauriwo here?

Mwari vane simba rekuti zvinhu zviitike. Ndivo vakaita kuti kuverengwa kwevanhu kuitike panguva imwe chete yakaenda mhandara Maria kuBheterehema kuti vazadzise chiporofita chekuzvarwa kwaJesu.

Nyenyedzi dziri mudenga ndedzaMwari, dzinoteerera nekutaura naMwari. Hadzidi network kuti dzisvitse shoko raMwari kwauri.

Munguva ino yatiri, nguva yekugadzirira Kirisimasi — ngatizive kuti hushe hwaMwari hausi zvekudya kana zvekunwa, kana kutenga, kana kutengesa, kana kutengerwa kana kudzoserwa chikwereti. Nguva ino yeKirisimasi inguva yekuti pfungwa dzedu nemweya yedu zvipinde mudanga rekudenga.

Mwari vanotsvaga vanhu vanovanamata — kwete nekutaura nendimi kana kupfeka masutu, asi vanhu vanovanamata mumweya nemuzvokwadi.

Unoziva, kare kare ikako vamwe varume vatatu vane mari uye vakanga vakachenjera vakaenda kunobvunza vachiti, “Aripiko Mambo wevaJudha akazvarwa? Nekuti takaona nyenyedzi yake kumabvazuva, tauya kuzomunamata.”

Kwekutanga kwemubhuku raMateo Mwari vakanga vachiti, “Huyai muzoona,” asi kwekupedzisira kwebhuku rimwe chete iroro, vakati, “Zvamauya mukaona Jesu, mave kumuziva chiendai munoudzawo vamwe.”

Vachenjeri vakaita saizvozvo — vakaenda vakanoona Jesu. Nesu munguva dzeKirisimasi dzino, tiri kufanirwa kuti tinoudzawo vamwe.

Kwete kuti Jesu ndeweminana yemari, kwete! Tinofanirwa kuudza vamwe kuti Jesu chiedza chinodzinga rima.

Panguva yekutsvaga mari yemadhora nemabond ngatisakanganwa kuti ariko mukuru kudarika kuwana kana kushaya kwako.

Mwari havashayikwe nekuti washaya mari. Mwari havapere nekuti mari yako yapera. Mwari havashote nekuti mari yako yashota.

Nyangwe uri kubhawa ikoko, ziva kuti Mwari vakakumirira kuti utarise ugoona nyenyedzi yavo. Ipawo Mwari chanzi seyauri kupa kuverenga nekupindura WhatsApp idzo.

Usakanganwe kuti vanhu vari kunzi vachenjeri muBhaibheri vakanga vari vanhu vemapipi, vanhu vaiita zvinhu zvinopesana naMwari.

Vanhu ivavo vakanga vasiri verudzi rwaJesu. Vaive vahedheni. Vaive netsvina patsika dzechiJudha, asi Mwari akavaudza nezveMwanakomana wake.

Share This:

Sponsored Links