Kupepa varwere vave panhowo

08 Sep, 2017 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Busi Mashiri —
NOMSA (12) (handiro zita rake chairo) aigarononoka kuenda kuchikoro. Nguva zhinji mwana uyu airovha kuchikoro uye pamazuva aainge ari mukirasi, ainge asina mufaro.

Murairidzi wake akanetsekana nazvo ndokumushevedza kuti amubvunze zvaiitika muupenyu hwake. Nomsa akatsanangurira murairidzi wake kuti amai vake vari kurwara, asi havasi kunorapwa kuchipatara.

Mwana uyu anoti ari kutyiswa zvikuru nekuda kwekuti amai vake vari kunzwa marwadzo akanyanya zvekuti dzimwe nguva vanombochema. Murairidzi wake akakumbira mvumo kune mukuru wechikoro kuti ashanyire amai vaNomsa.

Pavakasvika kumba, murairidzi uyu akarwadziwa zvikuru kuona kuti amai vaNomsa – avo vanonzi Sihle – vaiyuwira nemarwadzo egomarara.

Semunhu akawaniswa ruzivo pamusoro pemachengeterwo evarwere vemudzimba nesangano reIsland Hospice & Healthcare (Island), murairidzi uyu akaona kuti Sihle ane chirwere chakaipisisa chegomarara uye anoda rubatsiro chimbi-chimbi. Murairidzi uyu akatsanangurira amai vaNomsa nezvemashandiro anoitwa neIsland achibva avakurudzira kuti vaende kunobatsirwa.

Murapi weIsland, Busi paakashanyira Sihle kumba kwake, akaona kuti ane gomarara reKaposi Sarcoma. Gomarara reKaposi Sarcoma rinokonzerwa neutachiona hunodaidzwa kunzi Human Herpes Virus type 8 (HHV8) uhwo hunowanzowanikwa kuvanhu vanorarama neutachiona hweHIV.

Sihle ainge apera muviri uye angova murwere wepanhovo. Aigara akavhara ronda rake iro range zvino rokanda mweya unonhuwa.

Ainge asisakwanise kusimudza gumbo rake uye asisade kuti vanhu vamubate. Pakatariswa magwaro ekuchipatara aSihle, pakaonekwa kuti akamboshanyira kiriniki yeKaposi Sarcoma nekuzvipatara zvakasiyana munyika muno uko airapwa maronda.

Ari pakiriniki, akadura zvakare kuti anorarama neutachiona hweHIV. Sihle akataurira Busi kuti ari kushungurudzika zvikuru nekuda kwehurwere saka haana hanya nekunorapwa.

Ainge arasa tariro mushure mekuonekwa aine zvirwere zviviri izvo aifunga kuti zvinoreva kuti adongorera rufu.

Apo maronda akaramba achikura, Sihle haana kuzombowana hama kana shamwari dzaimushanyira.

Akanogara kunzvimbo iyo aisashanyirwa kana nehama ndokusvika padanho rekuchinja kunyangwe nhamba dzenhare yake.

Sihle akange akakomberedzwa nematambudziko mazhinji nekuti aive nherera, chirikadzi uye akarasikirwa nebasa nekuda kwehurwere.

Pakutanga, Island yakamubatsira kuti akwanise kuderedza marwadzo epanyama nekuti apihwe mubhedha muchipatara pamwe nekurapwa, kupangwa mazano nekuwaniswa mishonga yemaAnti-Retroviral Drugs.

Pachipatara pakare, aiwaniswa shoko raMwari nevaparidzi. Paakange ari kupangwa mazano, Sihle akati airwadziwa nemwana wake uyo akanga asara ari oga kumba apo iye aiva pamubhedha muchipatara.

Hama yake yaive kuSouth Africa yakachairwa nhare ikauya kuzomuona ndokuvimbisa kuti yaizomubatsira mukuchengeta mwana wake.

Mukomana wake ari kuSouth Africa akamutsigirawo nemari apo akaziviswa nezvehurwere hwake nevashandi veIsland.

Sihle akagara muchipatara kwemwedzi mitatu ndokuzoburitswa ave nani uye ave kushandisa madhondoro pakufamba. Maronda ake akange ave mashoma.

Island ine vashandi vemunharaunda, avo vakadzidziswa kubatsira varwere vepanhowo mudzimba kuburikidza nekuvatsigira mumabasa epamba nekushongedza maronda. Muvakidzani waSihle akazvipira kumubatsirawo mukutora kwaanoita mishonga nekuenda kukiriniki yeKaposi Sarcoma.

Busi pamwe nevashandi veIsland vakaramba vachishanyira Sihle nemwana wake vachivapa rutsigiro kuti vasashungurudzike mupfungwa uye murairidzi wake aimubatsirawo. Mukoma wake akazoenda naye kuSouth Africa uko ari kumubatsira kuti arapwe nemachiremba eko uye ari kuita zviri nani. Uyuwo Nomsa ari kuenda kuchikoro zvakanaka.

Chii chinonzi Palliative Care?
Palliative Care inzira yekubatsira varwere vanenge vachitambudzwa nezvirwere zvakakomba nemhuri dzavo kuti upenyu hwavo hunge huchisimukira. Inobata vanhu vane zvirwere zvakasiyana – vakuru nevana.

Zvimwe zvezvirwere zvinonyanya kushungurudza vanhu kutadza kufema zvakanaka kana kuti zvemapapu, AIDS, shuga, itsvo, gomarara, arthiritis, zvemuuropi, rurindi, kuzvarwa nehurema hwakanyanya nezvimwe.

Island inobatsira vanhu munyaya dzeutano, kupanga mazano nekunyaradza avo vanenge varasikirwa nevadikani vavo nekuda kwehurwere hwakadai.

Kuti munzwe zvizere, batai Island Hospice & Healthcare padandemutande rinoti: <http://www.islandhospice.care>

Busi Mashiri anoshanda saPalliative Care Nurse kuIsland Hospice & Healthcare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey