Kupfuya nyuchi, huchi muhomwe

12 Sep, 2014 - 09:09 0 Views
Kupfuya nyuchi, huchi muhomwe

Kwayedza

VARIMI vakakurudzirwa kupfuya nyuchi pamusoro pemamwe mabasa avo ekurima sezvo izvi zvichigona kuvapa pundutso kuburikidza nekuzviwanira mari yakawanda zvikuru nemabhindauko akadai.
Munyori mukuru kusangano rinoona nezvekupfuiwa kwenyuchi munyika, reBeekeepers Association  of Zimbabwe (BKAZ), Mai Jacqui Gowe, vanoti varimi vanofanirwa kutora kupfuya nyuchi semamwe mabasa ekurima ose.

“Nyuchi hadzifanirwe kuva mhandu kwatiri isu varimi asi kuti dzinofanira kuita kuti tikwanise kuwana mari zhinji,” vakadaro Mai Gowe. Sangano ravo rinobatsira varimi nekuvadzidzisa kugadzira mikoko yenyuchi nekutsvaga misika yekutengesera huchi.

“Tine zvikwata zvevarimi vakawanda zvikuru vanopfuya nyuchi, kusanganisa ini ndakatobva kuEngland kwandaiva ndakurudzirwa nasekuru vangu kudzoka kuzoita basa iri kunyange ndakanga ndisina tarisiro yekudzoka. Izvozvi ndinopfuya nyuchi ndiri kupurazi kwangu kwaRusape uko ndine mikoko yenyuchi inokwana makumi mana iyo ndinoda kuti isvike 70 kana 100,” vakadaro. Vanoti vane zvikwata zvabudirira zvikuru munyaya dzekupfuya nyuchi zvinowanikwa kuUzumba, Chimanimani, Nyanga, Honde Valley,  Hurungwe neGokwe.

Zvimwe zvirimwa zvakaita semaringazuva, peas, bhinzi, mabanana, apples, hanyanisi, muriwo, nemimwe michero zvinonzi zvinofambirana nekupfuya nyuchi sezvo dzichida maruva kubva kwazviri.

Mai Gowe vanoti kusvika parizvino kune varimi vakanyoresa kupfuya nyuchi vanokwana 1 100 asi huwandu uyu hunogona kusvika pa5 000 sezvo kune vamwe vasati vanyoresa asi vachiita mabhindauko akadai aya. Vanoti nyuchi dzinomorwa kaviri pagore apo mukoko mumwe chete unokwanisa kumorwa huchi hune huremu hunosvika 20L.

Vakakurudzira varimi kuisa mikoko yavo panzvimbo dzakaderera kwete mumiti chete vachiti nyuchi zvakare dzinoda panzvimbo dziri padyo nemvura.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey