‘Kupfuya nyuchi kune mari’

11 May, 2018 - 00:05 0 Views
‘Kupfuya nyuchi kune mari’ VaErnest Marumahoko vachitaridza humwe hwehuchi hwavanomora mumikoko yavo.

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUDZIDZISI wepachikoro chepaSt Alberts High kuCentenary oita zvinorova kuburikidza nebhindauko rekupfuya nyuchi achitengesa huchi uyewo nekugadzira zvinhu zvakasiyana kubva muhuchi.

VaErnest Marumahoko (52) – avo kumusha vanobva kwaSabhuku Marumahoko mudunhu raMambo Bepura kwaMudhindo, kuGuruve – vari kuita basa iri vachibatsirwa nevashandi vavo vaviri sezvo nguva zhinji vanenge vari kubasa ravo rehurairidzi.

“Ndakatanga basa iri mugore ra2008 nedonzvo rekuzvibatsira kuwana mari kuwedzera yandinowana kubva kubasa kwangu.

“Kubva ipapo handina kumbodzokera kumashure, ndine mikoko 41 iyo ndinomora huchi kaviri pagore pamwedzi inoti Chivabvu, ndichizomorawo muna Zvita,” vanodaro.

VaMarumahoko vanoti vane chinangwa chekuti mikoko yavo idarike zana.

“Mikoko yangu ndakaisa musango riri pamusha pangu iyo ndakagadzirisa nemiti kune vane unyanzvi hwekuita basa iri.

“Musango iri ndinodyara maruva kuitira kuti nyuchi idzi dziwane maruva ekugadzirisa huchi uyewo vashandi vangu vanogara vachicheka huswa nekuisa mvura padyo kuti dzisaende kure sezvo nyuchi dzichida mvura nguva dzose,” vanodaro.

Pamukoko woga-woga pavanomora, vanoti vanowana huchi hunokwana marita 20.

“Pamikoko yangu yose pandinokohwa ndinowana huchi hwakawanda marita 820 zvichireva kuti mugore rose pandinokohwa huchi hwangu kaviri ndinowana marita 1 640 kana kudarika kazhinji kacho. Makasitoma angu anouya achitengera kumusha vanongotenga mabhaketi akadaro, kune vamwewo vanodawo hushoma.

“Vamwe vanotenga huchi uhu vanobva kuChinhoyi kana kuHarare nekuBindura,” vanodaro VaMarumahoko.

Murimi uyu anoti anoshandisa masefa pakusvina huchi uhwu izvo zvinononoka zvikuru nekudaro ane hurongwa hwekutsvaga michina yekusvina huchi kuti basa rikurumidze kufamba.

“Ndinobatsirwa nevanhu kusvina huchi uhwu avo ndinohaya panguva yandinopedza kukohwa uyewo ndinobatsirwawo nenyanzvi dzekumora nyuchi. Izvozvi ndine hurongwa hwekutsvaga muchina wekusvinisa huchi kubva pahwati kuti tisashandise masefa.

“Zvatinosvina zvacho zvinoraswa nevamwe zviya hatirase tiri kugadzira makenduru, mafuta ekuzora nepefumu tichibatsirwawo nenyanzvi,” vanodaro.

VaMarumahoko vanoti vane hurongwa hwekutenga rori yekutakurisa huchi hwavo kuendesa kune vanenge vachihuda kunzvimbo dzakasiyana munyika muno.

“Ndine sango randinoshandisa kuturika mikoko yangu nekudaro ndiri kutsvaga imwe nzvimbo yandinodyara mimwe miti sezvo sango iri richapera saka ndinoda kuva nerimwe idzva kuti basa rangu rirambe richifambira mberi,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links