Kupfuya tsuro ngakuve bhizimisi

08 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
Kupfuya tsuro ngakuve bhizimisi JAMBAYA NE KEY HOLDER

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VARIMI vanopfuya tsuro vokurudzirwa kuti vatore basa iri sebhizimisi rakangofanana nemamwe mabasa sezvo vachikwanisa kuwana pundutso kubva mariri. Kurudziro iyi yakapihwa nemurimi ane mukurumbira munyaya dzekupfuiwa kwetsuro VaGift Jambaya — avo vanozivikanwa nezita rekunzi “Mr Tsuro” — vanowanikwa mumusha weMt Hampden, muHarare.

“Ndakura zvikuru mubasa iri rekupfuya tsuro zvandipa upenyu husingashoreke uye imwe nguva kutodarika vanhu vanoenda kumabasa. Ikurudziro yangu kuvarimi vose vanochengeta tsuro kuti vasangomirira chete mukutengesa tsuro idzi, dzingava dziri mhenyu kana kuti vauraya nyama, sezvo pane zvakawanda zvinobva mutsuro zvinokwanisa kutopa murimi mari inodarika kutengesa nyama yadzo chete,” vanodaro.

Murimi uyu anoti anochengeta tsuro dzinodarika chiuru panguva yoga-yoga.

“Kunze kwenyama, tine matehwe chaiwo etsuro anopa mari yakawanda zvikuru kumurimi kuburikidza nekuatengesa kana kugadzira zvinhu zvakasiyana kubva maari. Tsoka chaidzo dzetsuro vamwe vanorasa nekusaziva asi pane zvakawanda zvinogadzirwa kubva padziri zvinodhura zvikuru, tine bhutsu dzevana nedzevanhu vakuru dzinogadzirwa kubva mumatehwe etsuro,” vanodaro.

Vanoti tsoka dzetsuro dzinogadziriswa zvibatiso zvemakii (key holders) epamisha ayo anonodiwa zvikuru neshoroma kuburikidza nekunaka kwaanenge akaita.

Vanoti bhutsu dzinogadzirwa nematehwe etsuro dzinodhura zvikuru uye dzinofarirwa kune dzimwe nyika nekudaro varimi vanokwanisa kuzviwanira mari yekunze neyemuno.

“Kubva mutsuro tinowana iyo nyama inodiwa zvikuru ichidhura zvakanyanya, kg yenyama yetsuro inotangira pa$15 kusvika $20. Iyowo tsuro pachezvayo inogona kuita mari inotangira pa$20 kusvika $30 kana $40. Chionai, tauraya tsuro tasara nematehwe edu, togadzira mabhandi ekusunga, masikavha emuhuro nekuda kwemvere dziya uye togadzira bhutsu nemakey holders. Pamusoro pezvo, kune mabhachi chaiwo ekupfeka anogadzirwa nematehwe etsuro,” vanodaro Mr Tsuro.

Vanoti weti yetsuro inokwanisawo kuchingamidzwa nevarimi nekutengeswa sezvo ichigadziriswa zvakasiyana zvakadai sefeteraiza nemimwe mishonga.

Mhando dzetsuro dzinowanikwa munyika muno dzinosanganisira New Zealand White, New Zealand Black, New Zealand Red, California White, Flemish Giant, Zika, Chinchilla Grey neAngola.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey