Uncategorized

Kupindira imwe mota nemazvo

05 Feb, 2015 - 13:02 0 Views

Kwayedza

Ernest Muchena
VATYAIRI vazhinji vane dambudziko pakupindira imwe mota kana vachida kumhanya zviya.

Vamwe vanotozowira muna taisireva asi vamwe ndivo vanosiya vakonzeresa tsaona ivo votofunga kuti ndivana tsuro magen’a. Vazhinji vanoona nhamo kana vopindirwa nedzimwe mota.

Heinoi dzidziso ine ruzivo nehunyanzvi.

Ati rima ati udye uye akubayira zanhi ndewako.

Sei ndiri kupindirwa?

Ukaona mota dzose dzichivavarira kukupindira pane nyaya. Zvichida hazvo uri kufamba uchinyanyawo kunonokera. Kutyaira pamugwagwa kunenge kuimba navamwe mumakwaya. Pakuimba haumhanyeka kudarika vamwe kana kunonokera kusiyana neruzhinji.

Ndizvo zvimwe chetewo pakutyaira mota mumugwagwa.

Mota inonanaira vamwe vachifamba inoita kuti mota dziungane mumashure mayo.

Zvadaro, vamwe vatyairi vanosvotwa vobva vapindira dzimwe nguva zvakanaka asi kazhinji nehasha nekugumbuka mukati.

Ndosaka mitumba yemotokari ichizombotsauka kuti mota dziri kumhanya dzidarike hadzo.

Ukapindirwa neimwe mota unenge uchitozviyanika kunjodzi dzakasiyana-siyana.

Kupindirwa kunogona kuunza tsaona.

Kana ukapindirwa neimwe mota unogona kukwesherwa, kungoerekana mupindiri adzokazve pamberi pako kana kumbunyikidzwa kusvika wabuda mumugwagwa wega.

Iwewe kana uriwe uri kupindira unokwanisa kukonzeresa. Unokwanisa kuita tsaona nemota iri kubva kwauri kuenda (head-on). Zvichida unokweshera wauri kupindira kana kuzongobuda mumugwagwa waona kuti pakaipa.

Unowanei mukupindira?

Kupindira kunokwanisa kuvhiringidza mafambiro emota pamugwagwa.

Unogona kupindira zvinoda kupinza vamwe munjodzi vagokutsamwira.

Naizvozvo unofanira kupindira zvine hunyanzvi, zvakanaka uye zvinotaridza kuti unofunga.

Hapana chaunowana nekugaropindira-pindira zvisina shumo. Mota yako inotopera mabhureki iyo peturu ichiperera pasina.

Kupindira kwemandorokwati:

Pane zvinhu gumi nezviviri zvidiki-diki zvakakosha zvaunofanira kutevedzera pakupindira.

Chekutanga zvibvunze kuti zvakakosha here kuti upindire.

Kana zvisina siyana nazvo. Famba nevamwe imomo ugova muchechetere mvura yemuguvi. Chechipiri, sara nechemumashure pane kubva wati name name newawuri kuda kuti umupindire. Ukatevera uri pedyo unogona kuzongoerekana mota yemberi yati dzii-i.

Chechitatu, chitarisa kuti hapana here mota iri kubva mberi ingazobonderana neyako. Kana kune ari kubva mberi ave pedyo ibva wasiyana nazvo nekuti munobonderana.

Chechina, tarisa kuti hakuna here mota iri kubva kumashure. Mota iyoyo inogona kunge yave kuda kutokupindira iwe neari mberi mose.

Wadaro, ndochechishanu, taridza kwauri kuenda nema“indicator” anoti aya n’adzi-n’adzi.

Wagutsikana kuti hapana ari pedyo ibva waenda kurudyi. Ingava mota kana mudhudhudhu ipa mukana wekusakwesherana nekungoenda kurudyi.

Chechinomwe, pamhidzira mafuta kuti ukurumidze kubva pauri ipapo. Paunonga usisaonekwe muma“mirror” emota yauri kupindira ita kabhera de-e kana zvakakodzera.

Dzimwe nguva ungangoti magetsi emberi n’aa kamwe chete kumuti hokoyo.

Ukasadaro anogona kungoerekana auya kwauri mukabonderana zvakaipa.

Kana wamupfuura chiisa ma“indicator” ekuruboshwe zvichireva kuti ndave kudzokera.

Unozodzokera zvadii?

Unodzokera kana wave kuona mota yawapindira mufafitera riya rinotaridza zviri shure irimo yakazara.

Zvadaro, chibva wadzima ma“indicator”.

Apa haidzime yega asi kuti ndiwe unotodzima. Zvadaro, wochifamba hako nemamhanyiro ako akadzikama emazuva ose.

Mhedziso:

Aya ndiwo mapindiriro anoitwa dzimwe mota. Mutyairi woga-woga akadaro hatifi takazonzwa zvekuti pane vakwesherana vachipindirana.

Munhu wese akapindira nenzira iri pamusoro tingazodada semhuri yeZimbabwe.

Tingatozofamba tichizvirova dundundu kuti vatyairi vemuno vanopindira zvemandorokwati.

 Ernest Muchena ndimazvikokota wekudzidzisa kudzivirira tsaona pamugwagwa ari zvakare mutauriri weTSCZ. Pamusoro pezvo, ndiProduct Development and Marketing Manager uye anokwanisa kubatika panhamba dzinoti 0772 110 898, WhatsApp 0716 000 507 kana padandemutande rinoti [email protected]

Share This:

Sponsored Links