‘Kupotsa ndafira EcoCash’

24 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa
MUMWE mukadzi anoti murume wake anogara achimushungurudza nekuda kwemari yake inenge iri muEcoCash uye akatomboda kumudzika demo mushure mekunge ashandisa mari iyi zvisina mvumo yake.

Victoria Dongorembudzi akamhan’arira Tapiwa Dinner kudare reHarare Civil Court achimupomera mhosva yekumushaisa rugare.

“Mambo wangu, uyu murume wangu asi pari zvino hatisi kugara tose. Ndakatiza kumba nekuda kwemhirizhonga yake saka iye zvino ndiri kuvabereki vangu,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Anondirova nekundituka uye akamboda kunditema nedemo mushure mekunge ndatora mari yake ndichida kunotora gwaro rekuzvarwa kwemwana. Zvakare ane tsika yekunyepa kuvanhu achitaura zvakaipa pamusoro pangu.”

Achipawo divi rake, Dinner anoti haasi kushungurudza mukadzi wake.

“Uyu handizive kana achiri mukadzi wangu nekuti akatiza kumba, handimushungurudze asi kuti ane tsika yekutora mari yangu muEcoCash. Pane imwe nguva ndakamubvunza ndashaya $50 asi haana kundipindura ndakazoenda kuEconet ndakawana ari iye ainge atora mari ndikangomubvunza kwete kumurova.

“Ane tsika yekusarara pamba kana iri weekend, hameno kuti anenge aendepi. Ini handizvitsvage nekuti ndingatofa nechirwere cheBP,” anodaro.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Dongorembudzi gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links