Uncategorized

Kupumha huroyi handidi: Mambo

31 Oct, 2014 - 09:10 0 Views
Kupumha huroyi  handidi: Mambo

Kwayedza

30102014KWA-MAI-HAR-02MAMBO Chundu vekuHurungwe vari kutsidza kuti havachadi zvachose kuona n’anga kana maporofita vanofamba vachiti vanopumha huroyi nekuchenura misha mudunhu ravo nekuda kwekuti vanhu ava vari kusiya vakonzera nyonga-nyonga muvanhu uye vachivarozva upfumi hwavo.

VaAbel Mbasera (44), vakataura mashoko aya nguva pfupi yadarika pamusangano wavakaita nen’anga, maporofita, masabhuku nemafundisi panzvimbo yemabhizimisi yeNyamakate.

Mukuru wesangano reZimbabwe National Practioners’ Association, VaFriday Chisanyu, vakange varipowo pagungano iri pamwe nevamwe vamiririri vemasangano evanhu vanorapa zvechivanhu.

Mambo Chundu vakati maporofita nen’anga vanodaidzwa kuti anaTsikamutanda ava vakananga kubira vanhu zvinhu zvavo nechikiribidi chavanoita.

“Ndakashevedzera musangano uno nekuona kusagadzikana kwezvinhu muno zvichikonzerwa nanaTsikamutanda.

Saka ini handidi kuvaona muno, ndosaka maona mapurisa ari pano aya nevesangano reZINPA. Muno tine svikiro redu Mubaiwa, uko vese vanopinda muno vachiti vanobatsira pachivanhu vanoongororwa natateguru wedu zvopedzerana,” vakadaro.

Pamusangano uyu pakawanikwa vanaTsimutanda vaviri vakabuda pachena vakabva vatsiurwa ipapo kuti vasiyane nebasa ravo iri sezvo mutemo wenyika usingatendere zvehutsikamutanda.

Musangano uyu unotevera kuwanda kwen’anga nemaporofita vari mudunhu reHurungwe, kusanganisirawo mumwe anonzi akaburitsa bhokisi raanoti raiva ravigiswa mufi iro rakawanikwa pamusha weimwe mhuri. N’anga iyoyi yakakonzerazve kuti mumwe murume aponde muvakidzani wangu mazuva mashoma adarika apo akamupumha huroyi.

“Masabhuku ndimi munounza vanhu ava mumisha yenyu muchivahwandisa, vaendesei kunashe wenyu kana kuti muchida kubatsirwa ngavashandire imi chete morega kuunganidza misha, imhosva. Madzimai munobatwa chibharo muchipfavirira nevanhu ava, mhan’arai nyaya dzakadai idzi,” vakadaro Mambo Chundu.

Vachitaurawo pagungano iri, VaChisanyu vakayambira vanaTsikamutanda ava kuti vasiyane nekatsika kavo kekufamba vachipumha vanhu huroyi nekuita zvimwe zviri kunze kwemutemo.

“Isu sesangano ravanachiremba vechivanhu, hatibvumidze hutsikamutanda, tikangokunzwa chete tinokusungisa ipapo, unomira neni mubhokisi kwete nemumwe munhu. N’anga nemaporofita vakauya kuzoponesa kwete kurwisanisa nekupunza,” vakadaro.

Vakati inyaya inorwadza zvikuru kuti vanaTsikamutanda ava vanotorera vanhu mombe zvounza hurombo munyika.

“Chionai nyaya iri pano, mbuya vatorerwa mombe dzavo zvichaguma zvaita kuti vana vatadze kuenda kuchikoro voguma vanasikana vave kuita chipfambi, vanakomana voita matsotsi, Aids yopinda mudzimba, muminda hamucharimwa, nzara tekeshe munyika nekumwe kutambura kwakawanda,” vakadaro VaChisanyu.

Vakakurudzira varapi vechivanhu kuti vatore magwaro anovabvumidza kuita basa ravo zviri pamutemo.

Mutevedzeri wavo, VaItai Bakasa, vakazoyambirawo varapi vechivanhu kuti vasaparadze zviwanikwa apo vanenge vachitsvaga mishonga mumasango uyewo nekuti vadyare miti kutsiva iyo yavanenge vachiparadza.

Pamusangano uyu, n’anga nemaporofita vakakurudzirwawo kuti vasarambidze vanhu kuenda kuzvipatara sezvo iri kodzero yavo yekunorapwa.

 

Share This:

Sponsored Links