Uncategorized

Kupupura nhema . . .

17 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
Kupupura nhema . . . MADZIBABA HAMUNORWA KADOHWATA

Kwayedza

‘maporofita ari kutenga vanhu’
— ‘Vodzidziswa zvekuita kumasowe’
—‘Inyaya yekutsvaga mukurumbira’

Muchaneta Chimuka —
NYAYA yemabhidhiri — yevanhu vanonzi vanobhadharwa nemaporofita, maprophets nen’anga vane mukurumbira muZimbabwe kuti vereurure kana kupupura zvemanyepo — yave nepamwe.

Zvinonzi vanhu vanotengwa kuti vazviiti varoyi, ipfambi, mbavha kana kuva nemishonga yakaipa sezvikwambo vanotodzidziswa kunyebera izvi vasati vaita mapipi aya kuchechi kana kumasowe..

Zita rekuti mabhidhiri rinobva pakuti munhu anopihwa mari yekuti azoita seanogarwa nemweya apo anenge ari pamasowe, muchechi kana kun’anga, otanga kubhidhirika achireurura zvenhema sekuzviti muroyi wemakoko, ipfambi, ane zvikwambo kana mimwe mishonga yakaipa.

Kwayedza svondo rino yakakurukura naMadzibaba Chamunorwa Kadohwata vekereke yeKenani YavaIsrael pamuzinda wavo wekunamatira uri panhamba 14660 Zengeza 3, kuChitungwiza avo vanofumura nyaya dzekupupura zvenhema gumi nefararira.

“Mabhidhiri ariko zvedi, makareke ari kungonyuka zvisinei nekuti kune masangano anoona nezvekunyoreswa kwevarapi vechivanhu nevemakereke seTraditional Medical Practioner’s Council (TMPC),” vanodaro.

Madzibaba Kadohwata vanoti vane nzvimbo dzakatsaukana dzavanoziva dzinodzidziswa vanhu nemaporofita kunyebera kuve varoyi kana mamwe mabasa akaipa.

“Vazhinji vari muno muChitungwiza, Mufakose, Glen View, Waterfalls nekuEpworth. Tinotovaziva nemazita vakomana nevasikana vanobhadharwa kuti vaite zvemabhidhiri uye mukuru wavo ndiMurehwa.

“Vanotopihwa mari yekuita izvi. Kudzidziswa kwemabhidhiri kunowanzoitwa musi weChitatu neChishanu zvekuti kana tikaenda tose, munogona kuwana vanhu vari mushishi.

“Dambudziko riri mumakereke anhasi nevarapi vechivanhu nderekutsvaga mbiri yavasina. Vari kuita izvi vachitaura zvinhu zvinotyisa asi ari manyepo. Vanhu vari kupupura zvenhema,” vanodaro.

Madzibaba Kadohwata vanoenderera mberi: “Unonzwa munhu achiti akarapwa AIDS ikapera zvinova zvisina kana sainzi dzati dzabvuma kuti AIDS yava kupedzwa neminamato kana mishonga. Isu maporofita tisu tava kuumba makuva munyika nekunyepera vanhu nekuti vamwe vanotenda zvavanenge vanzwa.”

Madzibaba Kadohwata vanoti vaimbopinda dzimwe chechi dzinoita zvekubhadhara vanhu kuti vareurure nhema vasingazvizive asi vakazobuda mushure mekuziva chokwadi.

“Vamwe vakambodawo kutiitisa izvi panguva yatainamata navo tikaona kuti hazvisi munzira yaMwari tichibva tasiya. Hakuna chivi chakakura sekunyepera Mwari nevanhu vake nepamusaka pemakaro emari nekuti zvose izvi zvine magumo azvo.

“Pane varume maRasta vemuno muChitungwiza avo vave kuda kutengerwa bvudzi ravo nemuporofita (zita tinaro) mushure mekunge vabhadharwa kuti vagerwe, vagopupura nhema pasowe vachinzi vatendeuka. Asi nenhau yekuti havana kuzobhadharwa mari dzavainge vavimbiswa, pakamuka hondo pasowe pakatomboda kurwiwa varume ava vachironda chikwereti chavo.

“Machechi aya ari kuita zvemabhidhiri kutaura chokwadi ari kuzara vanhu nekuti vamwe vanenge vauya kuzonamatirwa vanofunga kuti ndezvechokwadi, vanhu vanototanga vapasa kupupura zvenhema. Kune vamwe vanotofoira,” vanodaro Madzibaba Kadohwata.

Vanoti mamwe emaporofita aya anonyepera vanhu kuti anouchika madzimai ane dambudziko rekubata pamuviri asi ivo vachizomitisa vakadzi vevanhu.

“Ndinonzwa tsitsi nevamwe varume avo vari kuchengeteswa vana vanamadzibaba. Madzimai iwayo anoenda nedambudziko rembereko asi vanodzokera kumba vava nemimba, vakapupura mukereke tichiona asi taiziva hedu kuti madzibaba ndiye aishinha nemadzimai iwayo. Vamwe vanasikana vari kumitiswa kumasowe mimba dzichizobviswa apo vanopihwa zvinwiwa zvakaiswa mapiritsi ekubvisa mimba nekuti vanenge vave kunetsa vachida kutizira.

“Vazhinji vavo vanozorojerwa dzimba asi wanano hapana sezvo mamwe makereke acho asingatenderi chipari.”

Madzibaba Brighton Makutakuona vekereke imwe chete iyi vanoti mabhidhiri ari kudzidziswa munzvimbo dzakaita seEpworth.

Vanoti vari kudzidziswa kuita izvi vanosanganisira chembere, mapofu, vanoita zvechipfambi nevakomana kana vasikana vasiri pamabasa.

“Ndinoona sekuti nhau yeurombo ndiyo imwe inosunda vanhu kuita gundamusaira pane zvose. Nzara inoita kuti munhu arase hunhu. Unotoona chembere ichibvuma kuti inoroya uye yakadya vanhu zana nekuti inenge yatengwa nemari.

“Nyaya dzemabhidhiri dzinoita kuti vanhu vaende panyatwa yekubatwa chibharo, kubiwa apo vanongotakurwa vachiendeswa kunyangwe kunze kwenyika asi vasina mari dzekuzodzokesa. Tine muenzaniso wemumwe murume (zita tinaro) akanosiiwa kuBulawayo nemumwe muporofita akazopedzisira ava kunyepera kurapa vanhu kuti awane mari yekudzoka,” vanodaro.

Madzibaba Makutakuona vanoti panodzidziswa vanhu ava kuita zvemanyepo izvi, vanotonzi vataure mazita avo nematambudziko chaiwo kuitira kuti vasazokanganwa.

“Muporofita kana n’anga ndiyo inozowedzera matambudziko pane anenge ataurwa nemunhu. Vamwe vanonyepera kuva nemadhimoni nezvikwambo zvavasina. Mhuka dzakadai senyoka, kamba, mipurwa, mazizi nezvimwe zviri kushungurudzwa apo zvinoiswa mumabhegi zvichinoshandiswa kuchechi kana kumasowe,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>