Uncategorized

‘Kuratidza kuti midzimu yakagumbuka’

28 Nov, 2014 - 09:11 0 Views

Kwayedza

KUDUNHU rekwaSaunyama kuNyanga, kwakaitika manenji apo zidombo raiva pamusoro perimwe gomo reko, iro rinonzi rinoyera, rakakoromoka rega ndokunogumira murwizi urwo rwunonzi mvura yacho yakabva yasanduka ikatsvuka zvekuita seropa.

Vagari veuku vanoti chiitiko ichi chine chekuita nechivanhu sezvo pakafamba nezidombo iri pakakurwa mugwagwa zvekusara pasina kana muti.

Asi hapana ari kuziva kuti rakazomedzwa nei parakanoguma murwizi.

Zidombo iri rakakoromoka kubva mugomo reMozi, umo munoitirwa chivanhu nevedzinza rekwaSaunyama kana vachipira midzimu kana masvikiro edunhu iri. Sadunhu venzvimbo ine gomo nerwizi uko kwakaitikira mashura aya – yekwaMushonga – VaFungai Mushonga (39), vakatsinhira nyaya yekukoromoka kwezidombo iro vakati rakanowira murwizi rwaMwenje “mvura ikabva yatsvuka kuita ropa”.

“Kuno kwakaitika chishamiso, dombo guru rakakunguruka kubva pamusoro pegomo reMozi ndokunowira murwizi rwaMwenje. Pose pakafamba nedombo iri pakabuda mvura tsvuku inenge ropa, mvura yose yemurwizi marakanogumira ikabva yasanduka kuita ropa. Isu zvakatityisa,” vakadaro Sadunhu Mushonga.

“Mvura iyi yakatsvuka zvikaita kuti tifambe kunobvunzira kumasvikiro edu ayo akaburitsa pachena kuti kune zvinhu zvakawanda zvakakanganiswa zvinova zvakakonzera kuti dombo iri ribve mugomo umu. Ishungu dzemidzimu.

“Ropa iri kunonzi kuratidza kutsamwa kwevari pasi nemidzimu. Takazokumbira kuti mvura iyi idzikame iyo yave kuchena zvishoma asi ichiita semvura yakaiswa mukaka,” Sadunhu Mushonga vakaudza Kwayedza.

Vanoti zvimwe zvakakanganiswa zvacho kukandwa kwemutumbi wemunhurume uyo anonzi akapondwa ndokunorasirwa mune rimwe remakomo anoyera aya.

“Muno hamudi kudeurwa ropa. Pakauraiwa mumwe murume uyo akanokandwa mumakomo anovigwa madzishe, ndipo pakabva paitika mashura aya. Kune zvimwewo zvakakanganiswa muno asi iyo nyaya yemurume akapondwa iyi ine chekuita nekusanduka kwemvura ichiita ropa.”

Sadunhu ava vanoti chiitiko ichi chinoshamisa sezvo kumusoro kwepakanowira zidombo iri murwizi urwu, zvose nekusazi kweparakanowira, mvura inoyerera yakabva yasanduka kuita ropa. Rwizi rwaMwenje rwakatevedza makomo anoyereswa nevanhu vekwaSaunyama anosanganisira Mozi, Nyaunguzvi, Muchena, Nyagota naTuro.

Mvura yekusanduka murwizi urwu inonzi yaiyerera yakatsvuka kunge ropa dakara kunosvika kurwizi rwaNyamombe, kudzamara yanodirwa munaGairezi naRwenya.

“Takaenda kumhondoro yedu, VaMagodo Nyaruvembera, avo vanobva kuMozambique, zvikanobuda kuti vanhu vari kukanganisa zvinhu zvakawanda,” vakadaro.

Mukati memakomo aya vanoti ndimo mune ninga yakaradzikwa madzishe avo. “Mumakomo aya munoyera, ndimo mune madzishe edu anoti Nyarume, Mbera, Samukambwa, Kanyandu, Kanyuru, Mudzinganyama, Dahwa naSaunyama,” vakapedzisa vachidaro.

Pakasvika Kwayedza kwaSaunyama, yakangoona “mugwagwa” usina kana miti apo pakafamba nezidombo iri asi murwizi marakanowira harina kuonekwa kunze kwemvura ichine mabvondwe. Vanotaura vanoti gomo iri rakamera makumbo!

Share This:

Sponsored Links