Uncategorized

‘Kurera mhuri ikodzero yemunhukadzi’

23 Nov, 2018 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
SANGANO reUnited Nations Population Fund (UNFPA) nguva yadarika rakabatana neZimbabwe National Family Planning Council (ZNFPC) mukupemberera zuva rekushandiswa kwemishonga yekurera mhuri, reWorld Contraceptive Day apo vakawana mukana wekukurudzira kutsigirwa kwezvirongwa zvine chekuita nekurera mhuri kuitira kuti madzimai nevanasikana vabva zera vakwanise kuwana rubatsiro.

Zuva reWorld Contraceptive Day rinogarocherechedzwa nomusi wa26 Gunyana nedonzvo rekusimudzira kuwaniswa kwenzira dzekurera mhuri kune vakakodzera pamwe neruzivo.

Gore rino mhemberero idzi dzakaitwa pasi pedingindira rinoti “Upenyu Hwako, Ibasa Rako”.

Dr Munyaradzi Murwira vanova executive director weZNFPC vanoti kunyangwe Zimbabwe yave nebudiriro yakakura munyaya dzekurera mhuri kumadzimai nevanasikana, pachine basa guru rekuona kuti nzira dzakasiyana uye dzinoendererana navo dzawaniswa kuvanhu, zvikuru vanogara kumaruwa kunova kune zvipatara kana makiriniki ari kure.

“Kutorwa kwemishonga yekurera mhuri muZimbabwe (Zimbabwe Contraceptive Prevalence Rate (CPR) pakati pemadzimai nevanasikana vane makore 15-49 okuberekwa kuri pa67 percent inova budiriro huru kubva pa59 percent yaiveko mugore ra2010. Madzimai nevanasikana vekumaruwa ndivo vari panyatwa yekukundikana kuwana mishonga yekurera mhuri. Kusawanikwa kwemishonga yekurera mhuri kumadzimai akaroorwa kune chikamu che10 percent apo kumaruwa kuine mukaha we11 percent kuchizoti kune vechidiki paine mukaha we12.6 percent,” vanodaro.

Dr Murwira vanoti panofanira kutorwa matanho akasimba ekuona kuti vechidiki nevamwe vasati vapinda muwanano – asi vari vanhu vave kuita zvepabonde – vange vachiwaniswa nzira dzekurera mhuri.

“Kuwaniswa kwemishonga yekurera mhuri munyika (CPR rate) kwakanyanya kuwanda kunzira dzakadai sekushandiswa kwemapiritsi kana tichienzanisa nenzira refu semaImplants nokudaro pachine basa guru rekuona kuti paitwa ongororo yekuti nzira dzekurera mhuri idzo dzinoshandiswa kwenguva refu dzinge dzichiwaniswa kumadzimai kuti vave nesarudzo yakavanakira, zvikuru kumadzimai nevanasikana vekumaruwa,” vanodaro.

Dr Esther Muia vanova country representative kusangano reUnited Nations Population Fund (UNFPA) vanoti kurera mhuri kwakakosha zvikuru nekuti kunobatsira mukuderedza nyaya dzenzara sezvo zvichizodhurira mhuri kuti dzinge dzichiriritira vana vanenge vakawanda uye kuchiita kuti madzimai ange achisimukira munyaya dzeutano.

“Kurera mhuri ikodzero yemunhu uye kunobatsira mukuchengetedza upenyu, zvikuru mukuderedza ndufu dzevana nemadzimai panguva yekubara. Kuita pamuviri kunofanira kuitwa nesarudzo kwete kuti munhu angoerekana ava nemimba pasina kurongeka,” vanodaro.

“Pari zvino, tichine nzvimbo shomanana dzisiri kunyatsowana mishonga yekurera mhuri, zvikuru kune vechidiki nedzimwe dziri kumaruwa. Nyika ichiri kushungurudzwa nekuwanda kwevanasikana vari kumitiswa apo musikana mumwe chete pakati vatatu – avo vari pasi pemakore 18 – ari kuwanikwa achiita pamuviri nekudaro tinoda kuona kuti nzira dzekurera mhuri dzawanikwa kumativi ose.”

Vanoti nzira dzekurera mhuri dzinofanira kuwaniswa kumadzimai nguva dzose kuitira kuti vanhu vaite huwandu hwevana hunoenderana nekuwana kwavo uye kuti vange vakasiyaniswa nemakore akakodzera.

“Madzimai avo vanoita pamuviri pane utano vane mikana yekusununguka zvakanaka zvichibatsira mukusimukira kweupfumi hwenyika uye vanokwanisa kuendesa vana vavo kuchikoro,” vanodaro Dr Muia.

Gore rino, pachirongwa che50th Anniversary ye1968 International Conference on Human Rights ndipo pakaonekwa zvakakodzera kuti kurera mhuri kutorwe sekodzero yevanhu kekutanga pasi rose. mugore ra2016 uye chichapera muna2020 chiine dingindira rinoti, “Kusimudzira zvatakawana”.

Chichasimudzira vana vanotambura uye vanosangana nerusarura, zvikuru vakaremara.

Zvichaburwa nechirongwa cheEDF 11:

Chikamu che50 percent chevana vane makore 3-5 ekuberekwa vave kuita zvinhu zvinobatsira mukugadzirira dzidzo yavo.

  Kuwedzera kwechikamu che10 percent chekupasa padzidzo yepuraimari.

Vana 100 000 vachakwanisa kuitiswa mibato yemaoko.

Chikamu che15 percent chevana vane makore 15-19 vachawaniswa ruzivo maringe neHIV.

Kusimukira kwekufambiswa kwezvirongwa zveHurumende zviine umboo hwezvinyorwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey