Kurerutsa ndima papwere

13 Jun, 2014 - 00:06 0 Views
Kurerutsa ndima papwere

Kwayedza

cathrine
ANOKUDA chaiye kana anorakidza rudo chairwo haatarise kana kushora mamiriro ako muhupenyu. Rudo rwakafanana nerutsanga ruri mumvura unorwuona nekushanduka kwezvinhu kubva pazvanga zviri mazuva ekutanga sekuti mumwe awanikwa aine utachiona hweHIV mumwe asina unoona nekusemana nekushaya hanya nemumwe, kozoti kana mumwe anga achiwana cheuviri chogumawo unoona amai kana baba vave kutaura tusingapere uye maitiro avo anobva ashanduka zvinobva zvaratidza kuti rudo urwu nderwekutengana nezvinhu sezvinoita humhutu ropa rikapera hunotaramuka.

Pane masangano asingatarise kuti chimiro chako chiri sei uye kuti unei kana kuti waimbova nei mukurarama, kana vafunga kutambanudza ruoko vanongotambanudza zvisina rusaruro ndosaka zvichinzi chenga ose manhanga hapana risina mhodzi.

VeElisabeth Glaser Pediatric Aids Foundation varatidza rudo rusina kutarisa kuti wakamira sei mukurarama kana kuti unobva kupi nekutambanudza ruoko rwekuti amai nemwana vararame zvisina mubvunzo.

Mwana anoberekwa namai vanorarama neutachiona hweHIV anenge akaiswa pamutepatepa pekuti anogona kunge akatapurira utachiona kubva kuna amai apo aive mudumbu, pakuberekwa kana pakuyamwa.

Mwana uyu anofanirwa kuiswa pamushonga wenevirapine kubva musi waanoberekwa.
Mwana anonwa mushonga uyu kwemwedzi mitanhatu apo anozonoongororwa ropa kuti haana utachiona here.

Kana mwana akawanikwa asina utachiona kazhinji kune uyo anenge asina kuyamwa mukaka wamai anobva aregedzeswa kunwa nevirapine.
Mwana anenge ayamwa mukaka waamai anoramba achinwa mushonga sezvo anenge achiri pamukaka waamai.

Maongorerwo eropa rekacheche akasiyana neanoitwa vanhu vakuru.
Mwana anotorwa ropa pachigunwe chikuru chepagumbo uye rinoiswa pabepa rakagadzirirwa izvi.

Ropa iri rinobva raoma riri papepa apa romirira kuenda kumalaboratory kwarinonoitwa DNA PCR.
Zvange zvichitora mwedzi miviri kana mitatu kuti zvakawanikwa muropa remwana rakaenda kunovhenekwa zvidzoke. Iyi inguva huru kana mwana achirwara aitogona kufa.

Ropa retucheche raiongororwa kulaboratory iri kuHarare Hospital Hospital saka mutsara wacho waibva wareba.
Zvipatara zvine mazita akafanana seMapanzure yekwaGutu neMapanzure yekuZvishavane zvaiwana tsamba dzisiri dzavo dzevana dzekwaGutu dzaenda Zvishavane.

Kuzodzosera tsamba idzi uye kuti dzavo dziuye zvaitora imwe nguva yakareba zvikuru.
Izvi zvave nhoroondo zvakare sezvo shamwari yeutano hwamai nevana veElizabeth Glaser Pediatric AIDS Foundation vakarerutsa ndima.
Zvakadaro, mutevedzeri wemukuru anoona nezveutachiona hweHIV nezvirwere zvepabonde (deputy director HIV-STI) kubazi reutano nekurerwa kwakanaka kwevana, Dr Tsitsi Mutasa-Apollo, vakazivisa kuti ropa repwere rave kutora masvondo maviri kana vhiki rimwe chete kuti ridzoke nezvakawanikwa kubva kunovhenekwa.

“Sahwira watinoshanda naye muhutano hwakanaka hwamai nemwana veElisabeth Glaser Pediatric Aids Foundation vakaona dambudziko redu vakatikuta.

Vave kubhadhara vanotakura tsamba nezvinhu veFedex mari yekutakura madry blood samples kubva kwese kwavanokwanisa kusvika kuendesa kuHarare lab.

Tangosara nedambudziko munzvimbo dziri kumaruwa anonetsa kusvika uko tine hurongwa hwekuti midhudhudhu ishande kuendesa kunosvika veFedex,” vakadaro Dr Mutasa-Apollo svondo rakapera  kuKadoma.

Chakanaka chakanaka mukaka haurungwe, ngatitambirei nemufaro ruoko rwatambanudzwa urwu nekuti hupenyu hunowanikwa kamwe chete panyika kwete kuva swera kuenda mukuwasha wezuva.

Wenyu:cathymwauyakufa@gmail.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey