Kurima baby marrow nemazvo

08 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
Kurima baby marrow nemazvo Pudzimwongo (Baby marrow)

Kwayedza

PUDZIMWONGO (Baby marrow) kanhanga kakatekeshera neZimbabwe yose. Kagara kanorimwa pasi pezuva. Kanodyiwa zvakanyanya pakudya kwemangwanani uye kwemasikati. Kanhanga aka kane kudya kunovaka muviri uye kanonaka. Zvinonzi pudzimwongo rinoita kuti munhu asakasira kuchembera.

Mamirire ekunze:

Chirimwa ichi chinoda kurimwa kwava kudziya. Panguva yechando haribude zvakanaka. Asiwo, takatarisana nenyika yeZimbabwe, kune nzvimbo dzakaita sekwaHonde nekuSave Valley uko kusingaite chando chakanyanya rinokwanisa kurimwa.

Kutonhorera kana kupisa kwekunze kunodawo kuva pakati nepakati 18°C kusvika pa27°C, kukazonyanya kutonhora chirimwa chinosvodze vana.

Ivhu nemafetereza:

Pudzimwongo rinoda kudyarwa muvhu rine kudya kwakanaka. Ivhu rinorasa mvura ndiro rakanyanya kunaka kuita kuti midzi isagare mumvura. Ivhu remunda rinofanira kutapira kuri pakati pe5.8 kusvika 6.5pH kana taisa pachikero chinoona kuvava nekutapira kwevhu. Asiwo mumunda macho munoda kuiswa mupfudze wakanyatsa kuibva, uya unenge watonhora.

Pamafetireza, chirimwa ichi chinoda 400kg Compound C pahekita. Iyi fetereza ndeye pasi uye inoiswa yose pakudyara. Fetereza yepamusoro tinoisa Ammonium Nitrate iyo inoiswa pavhiki yekutanga kusvika pavhiki rechitatu mbeu yamera.

Imwezve fetereza yepamusoro inonzi Sulphate of Potash inoiswa pavhiki reshanu kusvika pavhiki rechinomwe.

Tikadai tatopedza kuisa mafetereza. Mbeu dzedu tinodyara dzakapatsanurana 60cm kubva pamutsara kuenda pane mumwe tozoti 40cm kubva pambeu imwe kuenda pane imwe mumutsetse. Mitsetse iyi ngaive yakarurama chaizvo.

Mhando kubva kuSeed Co:

Amanda: Iyi imhando yebaby marrow yakauchikwa zvemhando yepamusoro. Iyi ihybrid inoita vana vakareba, vakasvibirira uye vakaenzana. Pamazuva makumi mana nemashanu rinenge ratoibva. Rinoreba 19cm richiyevedza kutarisa.

Sunburst: Aka kambeu kakanaka. Kanoyevedza nyangwe kungokatarisa. Kakaita sezuva asi murutivi macho muchiita sekakadyiwa zvishoma. Kane ruvara rwakafanana nezuva. Pudzizuva kanonaka uye kanoita kuti zvidyiwa zvidadise kutarisa kana zvapakurwa.

Gem Squash Rolet: Aka kamhando kebudzi kakada kuita sedamba asi kasinganyanye kupenya sedamba.

Mwana wacho akakura achirema kusvika 200g. Rinoitawo mazuva 75 kuti riibve. Rinodyiwa panguva yemangwannani kana masikati. Munhanga iri mune kudya kwakanaka kunoita kuti tisakasira kuchembera.

Caserta Courgette: Iri ibudzinhanga rakareba asi kumberi kwaro richizoita serakatetepa. Rine mavara zvishoma akada kuita sedombo uye rakareba 19cm. Inhanga rinonaka chaizvo kudya.

Matambudziko:

Zvirwere zvezaza ndizvo zvinonetsa asiwo nekuti mbeu idzi ndedziya dzakauchikwa zvemhando yepamusoro, hazvizonyanye kubatwa. Kunewo tumbuyi twunoda kuchenjererwa twunouya budzinhanga rava kuita maruwa. Saka murimi anokurudzirwa kuti agare achimaira mumunda make.

Kukohwa:

Kana mapudzi edu aibva, tinoacheka nebanga rakarodzwa. Tinobvisa anenge aibva chete achiri madiki tosiya ari pana amai vacho. Mapudzimwongo haadi kugarisa mumunda kana aibva nekuti anoda kudyiwa achakapfawa chaizvo. Mbeu idzi hadzinetse kutengesa kana waenda pamusika nekuti dzinozvitengesa dzoga nekuti mbeu dzeSeed Co ndedzechokwadi uye dzine goho rakanaka.

Kuti Seed Co ndiko kuti mbeu!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey