Kurima Broccoli zvine hunyanzvi

06 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Kurima Broccoli  zvine hunyanzvi

Kwayedza

Clemence Mucharedzeyi—

NHOROONDO yechirimwa chinonzi Broccoli (Brassica Oleracia Var Italica) yakabva nekuItaly. Ichi chirimwa chinozikanwa nekuva nekudya kunodzivirira muviri zvakanyanya.

Broccoli inoda kurimwa munguva yekutonhorera, asi inoita zvayo kana dai kunopisa.

Pakudyara, chirimwa ichi chinoda ivhu riri pakati nepakati pane iya inozi kutapira kwevhu 6.5. Mhando dzeBroccoli dzinowanikwa kuPrime Seed Co:

Kune inonzi Cigno F1. Mbeu iyi inokasika kuibva zvakanyanya. Pamazuva 55 kusvika 60 inenge yatoita uye Broccoli yacho iri pakati nepakati. Kuritarisa rakaita semusana wenzou.

Imwe mhando iCorato F1. Ichi ndicho chikakarara chaicho, kunyanya kuisima nguva yekunaya kwemvura. Inoibva pamazuwa 70 asi mwana wacho akakura chaizvo, zvekurema 425g.

Kune imwe inonzi Montop F1 iyi yakasvibira uye yakaenzana vana vayo vose. Vana vacho vanoremawo kuita kana 400g kana ikanyatsa kusvika. Inoibva pamazuva 60.

Kana pari pambeu isaruraudze kuPrime Seed Co, pane imwezve inonzi Formoso F1. Aka kanoibva pamazuva 60. Iyi mbeu ine chimiro chemusana wenzou ichirema 425g.

Yekupedzisira iDainty F1. Iyi ndimupedzazvose, inoibva pamazuwa 90 kusvika 100. Inotapira pakuidya uye ine chimiro chekunge musana wenzou.

Marimirwo eBroccoli:

Inoda kurimwa muivhu rakanaka, rinotanga rarimwa negejo, kwava kuzoisa hara.

Nguva yekusima Broccoli:

Rinoda kusimwa muchando kazhinji, ndipo parinonyatsa kubuda zvakanaka. Saka kutanga munanaKubvumbi varimi vanenge vototanga gadziriro dzekurima. Rinorimwa gore rese asi muchando ndimo marinonyanya kuita zvakanaka.

Kumwaya nhondo:

Mhondo dzechirimwa ichi dzinobuda mushure memazuva manonwe dzadyarwa. Kana dzava nenemavhiki matatu, dzinenge dzava kunyimwa mvura muchigadzirira kudzisima mumunda.

Fotereza:

Panoda 600kg dzeCompound C iyo inoiswa yese pakusima. Fotereza dzepamusoro dzinodiwa mhando imbiri, AN 300kg inoiswa pamasondo matatu madyara kozoita Sulphate of Potash 300kg inoiswa kutanga pamasondo mashanu kusvika manomwe madyara.

Zvirwere:

Mbeu dzeBroccoli dzekuPrime Seed Co dzine hushingi hwakakomba saka hadzibatwe nhando nezvirwere. Asi dzinongodawo kufiritwa nemishonga inonzi mafungicides. Mishonga iyi inoda kufiritwa kamwe pamavhiki mairi.

Kutengeswa:

Nhondo dzePrime Seed Co dzinongotora mazuva mashoma kuti dzisvike pakuibva nekuti maHybrid. Kozotiwo kana yaibva inomboramba yakanaka iri mumunda muchimirira mutengo wakanaka. Mahybrid ane matambudziko mashoma muzvirwere, misoro yeBroccoli yacho yakakura uye ichirema. Saka inobva yaita nyore kutengesa kumusika. Munocheka misoro yacho monyatsa kuirongedza zvakanaka mozoendesa kuzvitoro kana kumusika.

. Clemence Mucharedzeyi murimisi wePrime Seed Co kuManicaland uye anobatika pa: 0718 409 761

Share This:

Sponsored Links