Kurima Fine Bean nePrime Seed Co

30 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Kurima Fine Bean nePrime Seed Co Bhinzi reFine Bean rinokwanisa kupundutsa varimi.

Kwayedza

Elizabeth Benjamin
PRIME Seed Co ikambani inotengesa mbeu dzemiriwo (vegetables) dzakasiyana-siyana pamwe chete nembeu dzemafuro ezvipfuyo. Prime Seed Co inozivikanwa nekutengesa mbeu dzakauchikwa zvemhando yepamusoro, aya anodaidzwa kuti ma “hybrids”.

Mahybrids akanakira varimi nokuti anopa goho repamusoro uye riri remhando inoyevedza (good quality) zvokuti mutengi pamusika anotomhanyira iwo mahybrids.

Goho rinobva pambeu yemahybrids rinogara nguva yakareba risati rakanganisika. Izvi zvakanakira murimi nokuti kana miriwo yacho yakawandisa pamusika, murimi anokwanisa kumbomira kutengesa zvichizomupa mukana wekutengesa kana mitengo yakwirira.

Prime Seed Co inokurudzira varimi kuti pese pavanoda kutenga mbeu dzemiriwo, ngavatange vabvunza nezvehybrid yembeu yacho. Kune vamwe varimi vanowanza kumhanyira kutenga mbeu nokuda kwekuti dzinenge dziine mutengo uri pasi kudarika mahybrids.

Aiwa varimi, akupanga zano ndewako. Zvakachipa zvinogona kuzokudhurira kumunda nokuda kwekuti zvinenge zvoda kufiritwa rusingaperi.

Vhiki rino tichakurukura nezvembeu ye “fine bean” (vamwe vanoiti green beans). Fine bean imhando yemuriwo iyo inodyiwa mapods achiri green uye asati ava nemhodzi mukati.

Prime Seed Co inonzwa manyukunyuku nokuda kwembeu yefine bean yavanotengesa. Fine bean chirimwa chiri nyore kurima uye chinokasika kuibva zvokuti mushure memwedzi miviri murimi anenge ava kutotengesa. Fine bean chirimwa chinokwanisa kurimwa gore rese kunzvimbo dzisinganyanyi kurova chando.

Prime Seed Co ine mhando mbiri dzembeu yefine bean yavanotengesa dzinoti Salima neVolta. Varimi vazhinji vajaira Volta asi zvakakoshawo kuti vaedze zvitsva.

 

Fine bean Salima:

Salima imhando yefine bean yakatanga kutengeswa nePrime Seed Co mugore ra2017. Inopa mapods ane ruvara rwegirini rwakasvibira uye ichipenya. Izvi zvinoyevedza pamusika. Mapods acho anokura akatambanuka (straight) asina kugonya akareba zvekuita 12-14cm uye akatetepera zvekuita 6-8mm.

Salima inoibva mushure memazuva makumi matanhatu (60 days). Chakanyanya kunaka paSalima ndechekuti inononoka kuita mbeu mumapods. Izvi ndizvo zvinodiwa pafine bean nokuti kana dzikangoita mbeu mukati, dzinenge dzisingachatofarirwi pamusika nokuti dzinenge dzakurisa.

Salima inochengeteka zvakanaka chaizvo mumafiriji mune chando chinoomesa. Izvi zvinoita kuti fine bean idzi dzizokwanisa kudyiwa chero nguva ipi zvayo uye dzichiramba dzine kunaka kwadzo.

Fine bean Salima inoshingirira pakubatwa nezvirwere zvakaita seRust neBean Common Mosaic Virus pamwe chete nechirwere cheAngular leaf spot. Nokudaro kana warima Salima, dambudziko rekufirita rinoderera.

 

Fine bean Volta:
Volta imbeu yefine bean yava nemakore mazhinji ichitengeswa. Volta inofarirwa nevazhinji nokuda kwegoho guru rainopa uye inoenderera mberi ichingofadza varimi. Kana wairima zvakanaka, Volta inogona kupa murimi goho ringasvika 12-14 tons/ha. Volta inopa bhinzi dzine mapods akareba zvinoyevedza uye asina kugonya achisvika 13-14cm uye akatetepera zve8mm.

Bhinzi dzeVolta dzine ruvara rwegirini rwakasvibira uye dzinopenyerera. Volta inokasika kuibva zvokuti mushure memazuva angaita makumi mashanu kusvika pamakumi matanhatu (55-60days) murimi anenge ava kutotengesa. Volta inoshingirira pazvirwere zvakaita seRust neBean Common Mosaic Virus.

Bhinzi dzeSalima pamwe chete neVolta dzinoita zvakare kutengesera kunze kwenyika. Kare nyika yeZimbabwe yairima fine beans chaizvo, zhinji dzacho dzichitengeserwa kunze kwakaita sekuEurope.

 

Marimirwo eFine beans:
Fine beans dzinokwanisa kurimwa gore rese kunzvimbo dziya dzisingarovi chando. Kunzvimbo dzinorova chando, fine bean dzinoda kurimwa mwaka wakunenge kusina chando. Nokudaro, fine bean inokura uye kupa goho rakanaka kana kunze kuchidziya zvekuita 15-280C.

Kana kunze kukatonhora zvekuita pasi pe4 degrees Celsius kana kupisa zvekudarika 35 degrees Celsius, kubereka kwevana kunokanganisika. Fine beans dzeSalima neVolta dzinokura zvakanaka mumunda wakarimwa zvakanaka uye muvhu rinorasa mvura zvakafanira.

Kuvava kana kutapira kwevhu kunofanira kuva pakati pe5.5 kusvika 6.5. Kana varimi vasina idzi nezviri muvhu ravo, zvakakosha kuti variendese kunovhenekwa kuti vagorigadzirisa.

Fetireza yepasi tinokurudzira Compound High C ine huwandu hwe400-500kg/ha zvichienderana nevhu. Fetireza yepamusoro inofanira kuiswa Ammonium Nitrate ingaita 200kg/ha kubva pavhiki yechipiri kusvika pavhiki rechina kubva padzinomera. Kureva kuti fetereza iyo inoiswa muzvidimbu zviviri kana kupfuura.

Varimi vanozoisa zvakare Muriate of Potash (MOP) kana kuti Sulphate of Potash (SOP) ingasvika 200kg/ha kubva panotanga maruva kusvika panotanga kuonekwa vana. Fine beans dzeVolta neSalima dzinodaira zvakanaka kana dzikaiswawo mafetireza ekufirita.

Fine beans dzeSalima neVolta dzinodyarwa dzichitodonhedzwa mbeu mumunda. Hadzizoiti seimwe miriwo iyo inoda kuti mbeu imbotanga yakura iripa nesi. Vasati vadyara, varimi vanokurudzirwa kuti vatange vadiridza minda yavo kuitira kuti mbeu igomera nekukura yakaenzana. Pahekita imwe chete, panoda mbeu ingasvika 60kg.

Pakukura kwadzo, mbeu dzeSalima neVolta dzinoda kudiridzirwa zvakafanira. Kana mvura ikawandisa kana kuita shoma maruva anogona kudonha zvoita kuti goho riderere.

 

Udyi nezvirwere zvinobata fine bean:
Fine beans dzinonyanya kudhererwa netupembenene tunonzi bean stem maggot. Varimi vanokurudzirwa kusanganisa mbeu yavo nemushonga weApron star vasati vadyara kana kuzofirita nemushonga weDiazinon kana dzamera. Makonye ecutworm anova dambudziko bhinzi dzichangomera. Mared spider mites, inda pamwe chete nemamwe makonye anoruma mashizha zvinoda kungwarirwa.

Chirwere chinonyanya kubata bhinzi iRust. Kana murimi achinge arima Salima kana Volta haanyanyi kubatikana nacho nokuti mbeu idzi dzinoshingirira kuchirwere ichi. Zvimwe zvirwere ndozviya zvakaita seAnthracnose nezvimwe zvinoitisa mavara matema pamashizha. Zvakakosha kuti murimi agare ari muhurongwa hwekufirita nemishonga yakaita seCopper oxychloride, Bravo neDithane kuitira kudzivirira.

Kana chirwere chatopinda kuchirima kunenge kwava kuda mishonga inorapa yakaita seFolio Gold, Ridomil Gold neAmistar Top.

Kuti varimi vazive zvakawanda pamusoro pefine bean Salima neVolta kana dzimwe mbeu dzinotengeswa kuPrime Seed Co, batai madhumeni edu ayo ari kumatunhu ose enyika.

Nembeu dze Prime Seed Co unoita mari!

 

l Elizabeth Benjamin murimisi kuPrime Seed Co

 

Share This:

Sponsored Links