Kurima hanyanisi zvinodakadza

26 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
Kurima hanyanisi zvinodakadza

Kwayedza

Clemence Mucharedzeyi

TINOKUKWAZISAI varimi kwese kumativi mana enyika uko kwamunobata basa muri rinoita kuti nyika yeZimbabwe igute. Vhiki rino tauya nechirimwa chinoita kuti kudya kuendeke zvakanaka, chirimwa chehanyanisi.

Hanyanisi inodiwa kuiswa muzvekudya zvakawanda. Inoita kuti zvinhuwirire uye zvonaka zvemhando yepamusoro.

Mamirire ekunze neivhu:

Hanyanisi dzinonyanyorimwa munguva yekutonhora. Asiwo kune dzimwe mhando dzamunopihwa dzakauchikwa zvemhando yepamusoro neSeed Co idzo dzinorimwa muZhizha. Hanyanisi dzinoda kurimwa muivhu rakanaka rinorasara mvura uye rakadzika. Ivhu racho rinoda kutapira kunoita 5.5 kusvika 6.5pH.

Fetereza nekudyara:

Hanyanisi chirimwa chinoda kudya kwakawanda chaizvo. Murimi anokurudzirwa kutanga aendesa ivhu rake kunoongoororwa kuti rivhenekwe kutapira nekuvava kwaro. Izvi zvakanakira murimi pakuti anobva aziva huwandu hwezvinodiwa pamunda wake. Handizvo zvoga, asi kuti zvinoita kuti ivhu rake ripombonoke pakuzarurira hudyi kuchirimwa.

Hanyanisi dzekuSeed Co dzakauchikwa zvemhando yepamusoro

Fetereza yepasi anoisa 1 000kg kusvika 1 300kg Compound C (6:15:12). Iyi inoiswa yose panguva yekudyara. Kunozouya fetereza yepamusoro Calcium Nitrate 30kg pavhiki yetatu, shanu, yechinomwe neyepfumbamwe. Fetereza yepamusoro haidi kuwanda nekuti zvinoita kuti hanyanisi iite zimutsipa rakakora iro rinoita kuti isazoomeseka zvakanaka.

Hanyanisi dzinodyarwa mumihomba yakapamhama 1.2 kusvika 1.6m dziine mitsara yakafara 20cm ukuwo hanyanisi dzakasiyana 5 kusvika 10cm mumutsetse. Pamunda wakakura senhandare yenhabvu panoda huwandu hungatangira 600 000 hanyanisi kusvika ku800 000 zvichienderana nekuti murimi anoda dzakakura zvakadini.

Mhando dzehanyanisi dziri kuSeed Co:

Seed Co inopa varimi mhando dzemahybrid idzo dzinokurumidza kuibva, dzisingaite zvirwere, dzine goho repamusoro, dzinoti kana dzaibva uye dzinogara kwenguva refu dzaoma zvekare dzichiyevedza.

Regent F1 – iyi imhando yepamusorosoro kana takatarisa mhando dzose dzehanyanisi. Regent ihanyanisi ine mukati muchena. Inoti kana yaibva inenge iine kamutsipa katete ako kanoita kuti isapindwa nezvirwere uye zvinoratidza kuti inooma zvakanaka. Hanyanisi yacho yakaomarara zvekuti haipfanyike. Inonhuwirira zviri pakati nepakati uye ichitapira chose. Yakakura zvekuti inodhingura chikero. Inokurumidza yaibva. Hanyaisi iyi inoshingirira kuzvirwere zvezaza.

Neptune F1 – iyi imhando tsvuku yehanyansi. Inoyevedzawo kuona kana ichinge yakohwewa. Mhando iyi yakakura uye inogona kugara nguva refu ichimirira kuendeswa kumusika.

Elad F1 – iyi ndeimwe yehanyanisi chena. Inotora mwedzi mitanhatu kuti iibve. Iyi hybrid yakanakawo pakuti inogara chaizvo yakamirira kuzotengeswa uye yakakura zvekuti pamusika inongozvitengesa.

Saturn F1 – iyi imhando yakanaka chaizvo uye inoitawo kudyara pamwaka muZhizha. Inoibva nemazuva 110. Ichena, uye iri hombe zvekare inoshingirira kuzvirwere.

Red Creole – iyi ndeimwe mhando tsvuku yamunopihwa neSeed Co. Hanyanisi tsvuku dzine utano hwakanaka chaizvo. Ine hukasha pakuidya. Hukuru hwayo huri pakati nepakati.

Texas Grano – iyi yakatekeshera neZimbabwe. Inonyanya kudirwa kutengesa isina kuomeswa. Yakapfawa uye iri huru chaizvo. Inewo ukasha zvekare inotosvora maziso pakuicheka zvorevawo kuti muriwo wainoiswa unenge uri machikichori kunaka.

Matambudziko ehanyanisi:

Matambudziko mazhinji anenge akatogadziriswa pakuuchikwa kwemahybrid iwaya. Asiwo zviripo zvirwere zvezaza zvinoda kunetsa. Murimi anokurudzirwa kugara achimaira munda wake nekufirita mishonga yezaza.

Kunewo zvipembenene zvinodya mashizha ehanyanisi. Naizvozvo murimi anokurudzirwa kugara aine hurongwa hwekufirita kudzivirira hudyi.

Kukohwa hanyanisi:

Hanyanisi kana dzaibva murimi anomira kudzidiridza. Ndipo hanyanisi dzinotyora mitsipa, kana dzaita izvi murimi anodiridza zvakare kuita kuti munda upfave pakudzidzura. Asiwo mvura yacho ndaisawanda kuti dzisasviba nemadhaka. Dzinodzurwa dzosiiwa dziri mumihomba kwemauzva maviri kuita kuti ganda rekunze risimbe. Mushure meizvi, munozotora hanyanisi dzenyu modziturika mumumvuri pasingasvike hunyoro. Asiwo panoda panovhuvhuta mhepo kuti dziome zvakanaka. Kana dzaoma kwava kudziisa mumasaga akana mochiendesa kumusika. Kuti Seed Co ndokuti mbeu . . . Kuti mbeu ndokuti Seed Co!

 

l Clemence Mucharedzeyi murimisi weSeed Co kuManicaland uye anobatika pa: 0718 409 761

Share This:

Sponsored Links