Kurima lettuce nemazvo

31 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Kurima lettuce nemazvo Prime Seed Co inokurudzira varimi kuti vasasiye chirimwa chelettuce chichiomerwa nekushaya mvura

Kwayedza

Clemence Mucharedzeyi

LETTUCE (lactuca sativa), chirimwa chinonzi chakabva nekumabvazuva sekuIndia, inorimirwa mashizha ayo anondyiwa ari mambishi musaradhe (salad). Ine zvinovaka muviri zvakaita seVitamin A nezvimwewo.

Mamirire ekunze:

Lettuce anowanzoda kurimwa munguva yechando kana kuti kusinganyanyi kutonhora. Kambani yenyu yePrime Seed Co panyaya dzenhondo dzemumabindu ine mhando dzembeu dzelettuce dzinorimwa gore rose.

Sezvandareva kuti lettuce inoda muchando, kudzimwaya dzinobuda kunge dziri kudzingirirana. Dzinonyanya kubuda zvakanaka pamatonhorere ekunze angaita kubva pa15°C kusvike pa25°C. Mamiriro ekunze aya anoita kuti nhondo dzibude zvakanakisa. Kana kuchinyanya kupisa, nhondo dzinokona kana kutadza kubuda.

Ivhu rakanakira lettuce:

Lettuce inoda kusimwa muivhu rakadzama kuitira kuti midzi igonyatsodzika pasi zvichizobatsira pakuwana hunyoro. Ivhu iri ringava nekutapira kungaite 6.5pH. Kurimira muivhu rine mupfudze zvakanyanya kunaka nekuti zvinoita kuti chirimwa ichi chiite mashiripiti pakukura.

Mhando dziri kuPrime Seed Co:

Kurima nePrime Seed Co kurima mari uye tine mhando dzinoti;

Saula – iyi imhando ine ruvara rwakasvibirira uye Inoiswa muchikamu chechuruchemazaya (Iceberg) idzi dzinobumba zvakanakisa. Ine dzoro bhangu izvo zvinoita kuti imhanyirwe kumusika. Pakuidya unonzwa ichiti shwakashwaka. Inoibva nemazuva makumi mashanu uye yakasimba kuzvirwere zvezaza.

Challenge – iyi inopinda mudanga rechuruchezaya (Iceberg), mutsauko uri pakuti inotora nguva yakareba isati yashata mumunda asi iyo yaibva. Inochimbidza kusvika mumazuva 40 kusvike 50. Yakasvibirira uye musoro wayo unorema nekuti wakakura zvakare wakatsindirika.

Lollo Rosa – iyi yakasiyana nedzimwe, mashizha ayo haanyatsi kufumba zvekare yakapfava semvere dzetsuro. Ine ruvara rwakatsuka kunge tsombori dzaibva. Inoyevedza kutarisa uye ukakanda mukanwa, kudya namambo. Inokasika kuibva uye iine humhizha kubva kuzvirwere.

Great Lakes – iyi mbeu yatekeshera kuvarimi vakuru. Inopinda zvakare mudanga Iceberg. Inotora nguva isati yatumbuka. Musoro wayo wakaoma pane dzose uye wakakura. Inotora nguva yakati darikei dzimwe mhando kuti iibve.

Lollo Blonda – iyi ndeimwe mhando ine musoro uri pakati nepakati. Mashizha ayo akafaranuka asi iine musoro unobumba. Ine karuvara kepfumvudza kana kuti mazhizha matsva asina kunyanya kusvibira zvinoita kuti iyevedze pakutengesa. Inochimbidza kuibva, ichikwanisa kuzvidzivirira kuzvirwere.

Laruna – musoro wayo wakaregedzera, ndiyo mazvikokota dapirakunanzva ichirimwa kutanga munaNdira kusvike Zvita. Mashizha ayo akatodza huswa, haana kunyanya kusvipira. Musoro wayo haubumbi. Izvi zvakanakira kuti mashizha ayo anoita ruvara rwakafanana kupinda mukati. Ndeyekuti chero mukaiisa mumafiriji, inogara kwenguva refu isati yashata. Inoita mazuva makumi mana nesere kuti iibve, murimi otoenda nayo kumusika. Apa ndingati Prime Seed Co yakaisa hunyanzvi nehumhizha pakuiuchika.

Kugadzirira nhondo:

Mwaya nhondo mumihomba yakanaka ine ivhu rakatsetseka. Diridzira zvishoma nezvishoma kuitira kuti nhondo dzisaroverwe pasi nemvura. Munogona kudzimwairawo mumafloating trays. Panopera vhiki nhondo dzinotanga kumera. Kwapera mavhiki matatu tinokurudzira kuti mudzinyime mvura kuitira kuti tichigadzirira kudzisima mumunda chaimo.

Kuparadzira nhondo mumunda:

Tichiti mangwana tiri kuparadzira nhondo, tinodzidiridza tomwaya mushonga unoita kuti tidzivirire kuzvirwere pazvironda zvichaitika pakusima. Tinoisa mumitsara yakapamhama 30cm dziri mumutsara asi dzakasiyana nema 25cm pakati padzo. Tinokurudzira varimi kuti vaparadzire nhondo mangwanani kusati kwava kupisa kana kuti manheru kuitira kuti dzisatsve nekudziya kwekunze.

Fetireza:

Lettuce inoda kudya kwakakwana kuti ibude zvakanaka. Pakuparadzira nhondo ndipo patinoisa fetireza yepasi. Iyi tinoisa yose pakusima – Compound C (6:28:23). Mwero wayo ndiwo unoti 600kg pandima yakakura kunge nhandare yenhabvu. Pakuisa fetireza iyi ndipo pane basa rose asi risinganetsi. KuPrime Sedd Co tinoti kana machera gomba moisa fetireza mugomba, moisa ivhu shoma kuitire kuti nhondo dzisasangane nefetireza.

Kudiridzira:

Prime Seed Co inokurudzira varimi kuti vasasiye chirimwa chelettuce chichiomerwa nekushaya mvura. Mvura inodiwa kuti mwando ugare uri pakanaka.

Kukohwa lettuce:

Lettuce yedu inokasika kuibva, izvi zvinokonzerwa nekuti maHybrids uye ane goho zvekare ruvara rwacho rwunoyevedza. Mbeu dzose dzePrime Seed Co dzinotora nguva yakareba dzaibva asi dzisati dzashata izvo zvinopawo murimi mukana wekutsvaga musika wakanaka.

Kana mava kuikohwa mumunda, munocheka achiri mangwanani apo kunenge kusati kopisa, moendesa panzvimbo inotonhorera. Bvusai ivhu rakaita semhukutu rekumunda zvinyoronyoro.

Kurima Prime Seed Co kurima mari!

 

l Clemence Mucharedzeyi murimisi wePrime Seed Co kuManicaland uye anobatika pa: 0718409761

 

 

Share This:

Sponsored Links