Kurima magaka ePrime Seed Co

06 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
Kurima magaka ePrime Seed Co

Kwayedza

Elizabeth Benjamin —
PRIME Seed Co ikambani inotengesa mbeu dzemiriwo (vegetables) dzakasiyana-siyana pamwe chete nembeu dzemafuro ezvipfuyo. Kambani iyi inozivikanwa nekutengesa mbeu dzakauchikwa zvemhando yepamusoro, dzinodaidzwa kuti mahybrids.

Mahybrids akanakira varimi nokuti anopa goho repamusoro uye goho racho nderemhando inoyevedza (good quality), zvokuti mutengi achida kutenga pamusika anotomhanyira iwo mahybrids. Goho rinobva pambeu yemahybrids rinogara nguva yakareba risati rakanganisika. Izvi zvakanakira murimi nokuti kana miriwo yacho yakawandisa pamusika, murimi anokwanisa kumbomira kutengesa goho rake zvichizomupa mukana wekutengesa kana mitengo yakwira.

Prime Seed Co inokurudzira varimi kuti pose pavanoda kutenga mbeu dzemiriwo dzakasiyana-siyana, ngavatange vabvunza nezvehybrid yembeu yacho. Kune vamwe varimi vanowanza kumhanyira kutenga mbeu nokuda kwekuti dzinenge dzakaderera mutengo kudarika mahybrids. Aiwa varimi, akupanga zano ndewako. Zvakachipa zvinogona kuzokudhurira kumunda nokuda kwekuti zvinenge zvoda kufiritwa rusingaperi.

Vhiki rino tinokurukura pamusoro pembeu yemagaka (cucumber). Prime Seed Co inotengesa mbeu dzemagaka akasiyana-siyana, kusanganisira anorimwa mumunda kozoti anorimwa mugreenhouse. Anorimwa mugreenhouse ndiwo aya anodaidzwa pachirungu kuti maEnglish cucumber.

Muchinyorwa tichakurukura pamusoro pembeu yemagaka anorimwa mumunda anoti Ashley, Poinsett, Olympian neStonewall. Semazuva ose, vePrime Seed Co vanokukurudzirai kuti musarudze mahybrids anova ndiwo Stonewall neOympian. Magaka aya akanakira varimi nekuda kwezvinhu zvakati wandei zvinotsanangurwa pazasi.

STONEWALL:

Stonewall ihybrid yemagaka anorimwa mumunda uye anowanikwa kuPrime Seed Co chete. Magaka aya anokura zvinoyevedza uye anotanda zvakanyanya. Izvi zvinobva zvareva kuti goho rinokura nekuti pese patunga pachitanda panoitawo maruva ayo anozova magaka acho.

Magaka eStonewall anokasika kuibva mukati memazuva makumi mana nemashanu (45 days) chete. Izvi zvoreva kuti murimi unokasika kubata mari pamusika kana akaarima.

Stonewall inopa magaka akanyatsosvibira uye achibwinya izvo zvinoita kuti afarirwe nevanotenga pamusika. Mushure mekukohwa, magaka eStonewall anogara nguva yakareba asina kukanganisika uye asina kusanduka ruvara sezvinoita mamwe.

Gaka reStonewall rinoreba zvekusvika 19-22cm uye rakakora zve6cm. Magaka eStonewall anoshingirira pakubatwa nezvirwere zvakaita seanthracnose, angular leaf spot nepowdery mildew. Nokudaro, izvi zvinoita kuti murimi asarasikirwa nemari yakawanda achitenga mishonga uye zvinoderedza mari yekubhadhara vaya vanofirita.

OLYMPIAN:

Magaka eOlympian ihybrid zvakare achirimwa mumunda uye anowanikwa kuPrime Seed Co chete. Magaka aya anotandawo zvinoyevedza uye anopa goho repamusoro. Magaka eOlympian anoibva pakati pemazuva makumi mashanu kusvika pamazuva makumi mashanu nemashanu (50-55days). Magaka acho akasvibirawo zvinoyevedza. Anoreba kusvika 22cm uye akakora zve 5cm.

Chakanyanya kunakira magaka eOlympian ndechekuti magaka acho ese akada kundoenzana (uniformity), saka murimi haazonyanyi kuona magaka akasiyana-siyana pakukura kwawo.

Marimirwo emagaka ePrime Seed Co:

Magaka ekuPrime Seed Co anoda kudyarwa pakarimwa zvakanaka uye muvhu rinorasa mvura zvakanaka. Magaka anoda kurimwa kunze kuchidziya (20-25 degrees Celcius). Kana kukatonhora zvekuti kudziya kunodzika pasi pe16 degrees celcius, anomira kukura zvachose.

Magaka anorohwa nechando saka varimi vanofanira kungwarira izvi. Pakudyara magaka, mitsara inosiyana ne1-1.2m uye kubva pambeu imwe kuenda pane imwe 50cm-80cm. Magaka anokwanisa kumisikidzwawo nematanda netambo kana nemaneti (trellising). Izvi zvinoita kuti ave emhando yepamusoro nekuti anenge asina kugara muvhu uye haakombami. Zvinoitawo nyore pakukohwa uye zvirwere zvinoita zvishoma.

Pamafetireza, varimi vanokurudzirwa kuti ivhu ravo ritange raongororwa. Varimisi vePrim Seed Co vanokurudzira kushandisa fetireza yeCompound D inosvika 600-750kg/ha. Fetireza yepamusoro yeAmmonium Nitrate inokurudzirwa kutanga kuiswa mushure memavhiki maviri kubva magaka amera inoita 50kg/ha. Mushure mazvo, AN inoramba ichiiswa mushure memavhiki maviri ega ega kusvika panotanga kubereka magaka.

Kubva apa, AN inoramba ichiiswa pamwe chete neMuriate of Potash 35kg/ha pamavhiki maviri ega ega. Potassium inodiwa kuitira kuti magaka agobuda akasvibira uye akanyatsosimba.

Manyowa pamwe chete necompost zvakanakawo nekuti zvinovandudza goho uye kupa magaka emhando yepamusoro anoyevedza. Varimi vanofanira kungwarira kudzivirira chipembenene chefruit fly icho chinokonzera dambudziko kubva magaka paanotanga kuita maruva. Kana varimi vakavarairwa vakarega kufirita nguva yakafanira, vanozongoona magaka avo obuda akatorumwa kare. Dambudziko iri rinogadziriswa chete nekufirita mbesa nguva inenge ine maruva.

Magaka anoda kudiridzwa zvakafanira asingaomerwi kunyanya paanotanga kuita maruva achizoita vana. Kukohwa kunotanga mushure memazuva makumi mana nemashanu kana murimi akashandisa mhando yePrime Seed Co inonzi Stonewall.

Nguva yekukohwa inogona kureba zvekusvika mavhiki gumi nemashanu (15 weeks) zvichienderana nekugona kuchengetedza mbesa kubva kuzvirwere zvakasiyana. Nokudaro mbeu dzekuPrime Seed Co dzemahybrid dziya dzatakurukura nezvadzo dzinoshingirira kubva kuzvirwere zvakawanda ndidzo dzinokurudzirwa kuvarimi kuti vagoita mari yakanaka nekurima magaka.

Tinokurudzira kuti murimi atsvake humboo hwakakwana maererano nemibvunzo yemagaka ePrime Seed Co kubva kumadhumeni ePrime Seed Co akatekeshera nenyika yose.

Nembeu dzePrime Seed Co unoita mari!

… Elizabeth Benjamin murimisi kuPrime Seed Co.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey