Kurima mapfunde neSeed Co

15 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
Kurima mapfunde neSeed Co

Kwayedza

Charles Munyoro —
MAPFUNDE chirimwa chinotivirira kushaikwa kwemvura nekupisa kwezuva zvakanyaya. Nekudaro, chirimwa chinokurudzirwa zvikuru kuti chirimwe kunonaya mvura shoma nekunopisa.

Mapfunde anokurudzirwa kuti arimwe munatural region 3, 4 ne5 yemuZimbabwe. Mapfunde anoshandiswa kubika sadza nekuitwa chikafu chemombe. Haadi kudzokororwa kurimwa mumunda maanenge amborimwa nokuda kwekuti anozobatwa neutachiona huri muvhu hunonzi manematodes. Chinjanisai minda (rotate) nekurima zvirimwa zvakaita seSoyabeans kana nzungu kwete chibage.

IVHU REKURIMA MAPFUNDE:
Mapfunde anogona kurimwa muvhu rakasiyana-siyana asi haakure zvakanaka muvhu dete. Ivhu dete (sandy soils) ndirozve rinowanikwa riine hutachiona hwema nematodes hunosveta muto wemidzi yemapfunde zvotadzisa kukura kwemapfunde zvakanaka. Ivhu rinorimwa mapfunde rinofanira kunge riine kuvava kana kutapira kuripakati pe5.0 kusvika pa5.5 p H.

FETEREZA PAKURIMA MAPFUNDE:
Mapfunde anoda fetereza shoma pane chibage. Zvakakosha kuongororesa ivhu renyu kunana mazvikokota kuti mupihwe mupimo unoenderana nevhu renyu. Munogona kuisa fetereza yeCompound D (7.14.7) ine huwandu hunosvika 250kg pahekita. Fetereza yepamusoro inogona kuiswa inoita iyo 200kg pahekita.

MHANDO DZEMAPFUNDE:
Seed Co ine mando mbiri dzemapfunde dzakauchikwa zvemandorokwati. Kune mapfunde machena anonzi Sc Sila neyematsvuku inonzi Sc Smile.

SC Sila:- Iyi imhando yemapfunde inoibva pakati pemazuva 108 kusvika 130 zvichibvira kuti yarimirwa kupi. Kana ikarimirwa kunopisa (natural region 5) inoibva nemazuva mashoma (108 days). Mapfunde aya mapfupi chaizvo uyezve kana aita musoro, anenge akaenderana pakureba. Mapfunde aya haadonhe kana arimwa (lodging). Anozvidzivirira muzvirwere zvakawanda zvemapfunde. Anokurudzirwa kurimwa kunatural region 3,4 ne 5 yeZimbabwe. Inopa goho rinosvika 8t pahekita kunonaya mvura yakawanda ne 4t pahekita kunonaya mvura shoma.

SC Smile:- Iyi imhando yemapfunde matsvuku. Inotora mazuva ari pakati pe105 kusvika 120 kuti aibve. Anokodzera kubikiswa doro. Ane janga rakasimba rinoita kuti asadonhe (lodging) kana akura. Unogona kuwana goho rinosvika ku6t pahekita kunonaya mvura yakawanda ne3t pahekita kunonaya mvura shoma.

NGUVA YEKUDYARA MAPFUNDE:
Tinokurudzira kuti mapfunde adyarwe kubva kupera kwaMbudzi kusvikira kupera kwaZvita. Mukakurumidza kudyara, mapfunde enyu anosangana nemvura iwo aibva obva akanganisa mbeu yenyu. Mbeu inodiwa pahekita inobva pa8 kusvika pa15kg. Tinopesanisa maraini edu 60cm kubva paraini kusvika pane rimwe raini. Kubva pagomba kuenda pane rimwe gomba tinofanira kupesanisa ne10cm. Tinofanirwa kudyara takatarisira huwandu hwemapfunde hunoita pakati pe200 000 kusvika pa250 000 madzinde pahekita.

Varimi munokurudzirwa kuchengeta minda yenyu yakachena isina sora. Pakushandisa mishonga yesora, bvunzai vagadziri vemishonga nekuti mapfunde haadi kuiswa mishonga yesora kana ivhu renyu risina kukora kunodarika 25% (clay content).

ZVIPEMBENENE ZVEMAPFUNDE:
Mapfunde anosangana nezvipembenene zvakawanda pakukura kwawo.

Nhata (Aphids):- Nhata dzinowanzowanikwa kana kukapisa zvakanyanya kusinganaye. Dzinowanzowanikwa nguva yemaruva nenguva yekutanga kuita musoro wemapfunde. Dzikawanda nhata idzi, dzinogona kutadzisa kubuda kwemusoro zvakanaka. Shandisa mishonga inokurudzirwa nemakambani anoita zvemishonga mofirita mapfunde enyu.

Makonye (Heliothis Bollworm):- Aya makonye anodya musoro wemapfunde apa mapfunde abva mukufurura. Munoda kuafirita kubvira musi wa1 Kukadzi zvichienda mberi.

Rukonye (Stalk borer):- Rukonye urwu rwakafanana nerwunoita pachibage. Ngatifambe-fambe (scouting) miminda yedu kwapera mavhiki matatu mapfunde amera tichatsvaga umbowo hwekuti rukonye rwava kupinda mukudya mapfunde here. Pane mishonga inoiswa muburi reshizha repamusoro kana makonye aya aoneka. Munogona kutsvagawo mishong yekumwaya. Aya makonye anogona kukonzeresa chirwere chinonzi Fusarium stalk rot (kuora kwegunde remapfunde), kudonha kwemapfunde (lodging) uyezve goho rinodzikira zvikuru.

Shiri (Birds):- Shiri dzinouya apo mapfunde anenge oibva. Mapfunde matsvuku (Sc Smile) haadyiwe neshiri nekuti anovava. Anodakudzivirirwa mapfunde machena (Sc Sila). Nzira yekudzivirira shiri idzi, kudzinga shiri dzacho nekudyara mbeu dzenyu varimi makawanda nguva imwe chete. Varimi munokurudzirwa kukohwa mbeu yenyu nekukurumidza kana yaoma kuitira kuti shiri dzisaderedze goho.

VATENGI VEMAPFUNDE:
Mapfunde anotengwa nemakambani akaita savanna Delta, Toogart and Hullet nana GMB. Hurumunde yedu inokurudzira zvikuru kurimwa kwemapfunde kunzvimbo dzisinganaye mvura yakawanda kuti tive nefood security munyika.

KUTI SEED CO NDOKUTI MBEU, KUTI MBEU NDOKUTI SEED CO!

— Wenyu murimisi Charles Munyoro – 0772 243 480.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey