Kurima mavise nemazvo

30 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
Kurima mavise nemazvo Kurima mavise (watermelons) zvemhando yepamusoro.

Kwayedza

Bright Musakanda
MAVISE kana kuti manwiwa akatangira kurimwa kumatunhu ekuSouthern Africa pasichigare, chipo chemakore 5 000 adarika.

Mavise ari mumhuri imwe chete nemagaka (cucumbers) nemanhanga (pumkins) inonzi cucurbitaceae.

Kambani yePrime Seed Co ine mhando dzembeu dzemavise dzinosanganisira Cremson Sweet, Charleston Grey, Congo nemhando yepamusoro (hybrid) inonzi Kito.

Regai ndibate zvakanyanya nezveKito F1 rinova vise ranetsa pakutengwa nekuda kwemakuriro, kubereka nemunakiro waro.

Kito F1 ivise rinoshingingiri zvirwere zvakawanda.

Kito F1 rinobereka zvakanyanyisa zvekuita vana vashanu padzinde roga-roga uye rinonakisa rakatsvuka kuti piriviri mukati maro.

Vise iri rinobereka vana vanorema 8-12 kgs. Pahekita imwe unowana gohwo rinoita matani 150 uye rinotora mazuva 70-80 kuti riibve mumunda. Kito rinodyarwa kubva muna Nyamavhuvhu kusvika kutanga kwaChivabvu.

Mavise chirimwa chisingawirirane nechando nekudaro chinoita zvakanyotsonaka munguva yekupisa. Chirimwa ichi chinoda kudziya kwekunze kuri pakati pe18 oC ne35 oC. Asiwo pane nzvimbo dzakaita seMiddle Sabi dzinogara dzichidziya nguva yechando, dzinokwanisa kudyarwa mavise.

Ivhu rinodiwa:

Ivhu rinokuridzirwa kurima mavise nderiya rinofamba mvura nemhepo zvakasununguka (well drained soils) uye richichengetedza mvura zvakafanira. Rinofanira kuva nekakuvavirira nekakutapirira pH 6.5-7.0.

Fetireza:

Varimi vanokurudzirwa kutanga vaongororesa ivhu ravo kunanamazvikokota vevhu kuti vagoziva mhando nehuwandu hwemafetireza angadiwa nechirimwa mumunda. Pakudyara panodikanwa fetireza yepasi (Compound C) inoita iyo 300kgs pahekita. Kana ari manyowa, panodiwa 50t pahekita. Panozodiwa Ammonium Nitrate inoita 200kgs pahekita.

Upamhu:

Kana uchidyara mavise unoisa mhodzi mbiri kana nhatu mugomba. Mazuva ano vamwe vanotanga vaita zvenesari vozodyarurura kuenda mumunda mushure memavhiki matatu mbeu yava nemashizha matatu kana mana. Upamhu (spacing) hwemavise mumunda hunofanirwa kunge huri pakati pe60cm kusvika pa100cm mumutsara ne150 kusvika pa200cm pakati pemitsara.

Kudiridza:

Mavise anoda mvura kuti akure zvakanaka asi isina kuwandisa. Mushure mekupedza kuasima, anofanira kudiridzwa kaviri pasvondo asi nekufamba kwenguva munoderedza kusvika kukamwe chete pamasvondo maviri.

Murimi anofanira kugadzirira mishonga yekuuraya nhata netumwe twumbuyu twunonzi white fly kana pumpkin fly. Murimi anofanirwa kugara achibvisa masora mumunda mogara makachena muchingova nemavise oga. Izvi zvinoita kuti fetireza nemvura zvinyatsoshandiswa nechirimwa pasina kukwikwidzana nesora.

Kukohwa:

Zvimwe zvezvatinogona kuona nazvo kuti mavise aibva kusanduka ruvara paanenge agara napo muvhu. Mavise anofanira kukohwewa paanenge ava kuda kuibva kuitira pakuzoendesa kumusika achiri akanaka. Kana tava kukohwa mavise tinofanira kuita zvekucheka rutambo rwunobva kuna mai tisaita zvekukakata nekuti zvinokonzera kuti muromo wevise uzoora.

Varimi ndinokukurudzirai kuti mutenge mbeu dzingava dzemavise kana dzemugadheni kubva kukambani yePrime Seed Co nekuti dzakauchikwa zvemhando yepamusoro uye dzinopa goho repamusoro soro. Kana mune zvimwe zvamungada kuziva pamusoro pemavise kana dzimwe mbeu, batai varimisi vePrime Seed Co vari kumatunhu enyu.

Mari iri muvhu, uye goho rakanaka rinotangira mumbeu dzePrime Seed Co.

l Bright Musakanda murimisi wePrime Seed Co kuMasvingo. Anobatika panhare dzinoti: 0731 306 020 kana 0777 306 020

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey