Kurimwa kwedonje kwadzikira

27 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
Kurimwa kwedonje kwadzikira

Kwayedza

Kingstone Mapupu
KURIMWA kwedonje kunonzi kwadzikira zvikuru kudunhu reGokwe, kuMidlands uko kunozivikanwa nekurimwa chirimwa ichi zvichitevera mitengo yakaderera zvakanyanya kumisika.

Kwayedza nguva pfupi yadarika yakashanyira dunhu iri ndokuita hurukuro nevarimi vakasiyana avo vanoti vave kurima zvinosanganisira maringazuva, nzungu nenyimo zvinovapa mari zhinji pane kuramba vachingorima donje chete.

Mumwe wevarimi ava, VaTawanda Masikati (34), vekunzvimbo yeMasvosve kwaNembudziya vanoti vave kurima zvimwe zvakasiyana nedonje.

“Takajaira kurima donje uyewo ndicho chirimwa chinoita zvakanaka kudunhu rino reGokwe saka nekuda kwemitengo iri pasi yechirimwa ichi tave kurimawo zvimwe zvakaita senzungu neruninga,” vanodaro.

VaDouglas Makoni (51) vanobva mumusha waSabhuku Svosve kwaNembudziya kwakare vanoti vave kurima donje zvishoma pane zvimwe zvirimwa iro vanoti haribhadhare nekuda kwemutengo wakadzika zvikuru.

“Ndakaona kuti ndikaramba ndosimba nekurima donje mhuri yangu ingafa nenzara ndokupindawo mukurima nzungu dzinoita zvirinani. Ndinodzura dzungu idzi ndodzitengesa dziri nyoro kana kuti dzaoma uyewo nekukuya dovi ndichitengesa. Handizoshaya mari nechirimwa chenzungu,” vanodaro.

Murimi uyu akawanikwa neKwayedza achitodzura nzungu idzo anoti kune vamwe vanhu vainge vakadzimirira kudzitenga kana vatanhaura avo vaizoenda nadzo kwakasiyana vachinotengesa dzakabikwa.

VaMakoni vanoti vanorimawo zvimwe zvirimwa mubindu ravo vachitengesa.

“Ndakarima nzungu hekita imwe chete, donje ndinaro ishoma zvakare,” vanodaro VaMakoni.

VaMidzi Gundani (31) vemumusha waSabhuku Takwidibigwa mudunhu rimwe chete iri vanoti vakarima mahekita maviri edonje iro vakakohwa vatomirira kunotengesa.

Kunze kwazvo, vakarimawo zvimwe zvinosanganisira nyimo, matomatisi, muriwo nenzungu.

“Kurima donje chete unofa nenzara saka tave kusanganisa uye nerumwe rutivi tave kupfuyawo zvipfuyo zvakasiyana kuti tirarame,” vanodaro VaGundani.

Vanoti vanotsutsumwa zvikuru nekuita kwemamwe makambani anonyengedza varimi kuti varime donje asi achizoritenga nemitengo yepasi.

“Tine makambani mashanu anotenga donje muno asi vanongoguma vave kuita mari yakafanana pakg redonje. Tinoshaya kuti torima zvirimwa zvipi pane donje, tine vamwe varimi vakatorega kurima chirimwa ichi,” vanodaro.

VaMaxwell Siamupunga (30) vekwaChireya vanoti vakatosiyana nekurima donje uye vave kurima maringazuva.

“Ndinopfuya zvipfuyo zvinosanganisira mbudzi, hanga, hwai, mombe, nguruve, huku dzechibhoyi nemabroiler. Ndinogadzira kudya kwazvo kubva mumaringazuva ndichisanganisa nechibage saka ndinozotengesa zvipfuyo zvangu kune vemabhucha nevamwe vakasiyana,” vanodaro.

Zvakadai, mwaka wapera makambani akasiyana anotenga donje aitenga Grade A ne$0,50c pakg, Grade B $0,30c pakg kuchitiwo Grade C raitengwa ne$0,15 pakg.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>