Kurimwa kwemuriwo kosimbaradzwa

10 Apr, 2015 - 00:04 0 Views
Kurimwa kwemuriwo kosimbaradzwa

Kwayedza

HURUMENDE yakazvipira kusimudzira pamwe nekusimbaradza mabasa ekurimwa kwemiriwo yakasiyana munyika.

Izvi zvakataurwa nemunyori mukuru mubazi rezvekurima nekusimudzirwa kwemadiridziro, VaRingson Chitsiko, mumashoko avo avakaverengerwa naVaClemence Bwenje (director in the department of economics and markets) pamusangano wevarimi vemuriwo vemumaguta nePeri-Urban uyo wakaitwa muHarare munguva pfupi yadarika.

“Varimi vemuriwo inosanganisira matomatisi, mbatatisi, hanyanisi, maruva nezvimwe vanofanira kusimudzirwa nekuti pachine mukaha mukuru wekuti vange vachiisa zvirimwa zvavo mumagaba nemapakiti kuti zvionekera mumisika mukuru. Pamusoro peizvi, vanofanira kutsvaka nzira dzekuti mitengo yezvirimwa zvavo inge yakafanana kuitira kuti vasadzikisirane pamitengo kana kuvhiringa vatengi,” vakadaro.

VaChitsiko vanoti bazi ravo rakavamba chirongwa cheHorticulture Development Policy Strategy nedonzvo rekubatsira varimi verudzi urwu.

“Bazi redu riri kushanda nemamwe masangano akazvimiririra kuitira kuti varimi vemuriwo vange vachibatsirwa muzvigozhero zvavari kusangana nazvo zvakadai sekushaya misika yakati kwesere, nzvimbo dzekutengesera, ruzivo uye kurwisa dambudziko remvura nenyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze. Tiri kushanda nesangano reAdventist Development Relief Agency (ADRA) Zimbabwe nevamwe mukutsigira zvirongwa zvevarimi,” vakadaro.

Vanoti kuburikidza nechirongwa cheHurumende cheZimAsset, vari kutungamidza pamberi mabhindauko ekurima, kuchengetedzwa kwechikafu chine utano, kurwisa nzara nekumutsiridzwa kwemabasa kuti nyika isimukire muupfumi hwayo.

“Tinokurudzira varimi kuti vaite mushandirapamwe mukuita madiridziro nekutsvaka zvekushandisa zvakadai sematarakita nezvekukohwesa nekuti hakuna murimi angazviita ari ega sezvo zvinomudhurira,” vakadaro.

Vachitaura pachiitiko chimwe chete ichi, mukuru weADRA Mai Judith Musvosvi vakatenda Hurumende nekutsigira kwairi kuita kurimwa kwemiriwo.

Mai Heylee Muringisi avo vanove Marketing and Focal Person kusangano rePeri-Urban Vegetable Producers vanoti vane miriwo yemhando yepamusoro asi dambudziko nderekushaya misika yavanotengesera nemari inovapa pundutso.

Share This:

Sponsored Links