Kurunga chiShona netsumo dzakadzama

27 Jul, 2018 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga

NARWO narwo rwiyo rwedu rwekukodza mutauro wedu kuitira kuzadza matura edu pakupera kwegore. Tinoda kugara takazara neruzivo kuitira kana rwodiwa tinenge tongoita kuodzvora nekuti tinenge tiinazvo.

Ngaave manenji kuwana mwana anotadza kupasa chiShona iye akakomberedzwa nezvese zvakafanira kumupasisa sekuti tine vadzidzisi vakaringana muzvikoro, kotiwo bepanhau renyu reKwayedza rinomira mira nekwaro, vabereki, madzikoma, hama neshamwari vachibatsirawo nekwavo. Tese pamwechete tiri kuita mukomberanwa kuti bvunzo rireruke uye kuti tive nyanzvi dzinosimudzira kutaurwa kwerurimi rwedu zvemandorokwati.

Vakuru vanoti kari pako ikonje rinofunda neChirimo. Kutaura uku kunodudza kuti kana vanhu vakazvigarira pamisha kana panzanga dzavo, vanenge vakatokwana. Chero vakasvikirwa nedambudziko rakakura sei, havanyanyovhunduka nekuti vanoziva kuti vanogona kuzvinunura.

Kune vanhu vanongogara vakakwindimara kana kuti vakatsamwa. Vamwewo vanozivikanwa nekugara vachingopopota. Vanhu vanoziva hunhu hwevanhu ava havafaniri kukahadzika kana kunetseka kana vonzwa vanhu ivava vopopota nekuti ndiwo muririro weshiriri idzodzo. Ndipo panonzi nevagoni havo, Ngezvemo zvimbutu zvamaonde. Vanongotarisawo vaya vachingojedebura nekupaumba nekuti vava kuvaziva kuti ndiwo magariro avo.

Tine mamwe mabasa atinosangana nawo muupenyu atinenge tisati tamboita ekuti anogona kuva ari akaoma chose. Tinogona kuvavarira kuaita asi topedzisira takundikana. Vaya vanoona takundikana vanogona kutimhura vachifunga kuti ivo ndivo vana gone. Pakunoti tiringindi kupinda mubasa riya, vanogona kukundikana naivowo asi ivo vambotiseka. Ndipo patinozosekera mudundundu tichiti, Kuita mandirini asiri pamunhu.

Urombo hwamatede kunaiwa nemvura makurwe ari mumhatso. Apa tinoreva kuti tinosiyana muzvipo zvekushandisa pfungwa nekudaro mabatiro kana maitiro atinoita zvinhu anototi asiyane. Zvichidai izvi kune vanhu vadiki vanenge vachitarisirwa pasi uye kuti vanepfungwa shoma dzisingagone kukwikwidzana nedzevakuru. Vanhu ivavo vanogona kuzoita zvishamiso vagogona kuita chinhu chikuru chichitadzikwa nemunhu anenge achifungidzirwa kuti ndiye anochigona.

Kushaya murimo kutsengera matuwo embwa. Izvi zvinoreva kuparadza nguva namasimba pachinhu chisingabatsiri. Munhu anogona kuparadza nokupambadza njere kana pfungwa pazvinhu zvisina maturo. Munhu ane tsika dzake dzaanozivikanwa nadzo zvekuti zvinoshamisa vanhu kana ava kutaramuka kubva mutsika dzake dzamazuva ose otora itsva.

Kana munhu azoshanduka zvinokatyamadza vanhu ndipo pavanozoti, Indura munhanga mutengeni kubara mbura. Zvinonzi navanaSorojena mhanza chironda inotevera wakura. Apa vakuru vanenge vachireva kuti zvimwe zvinhu zvinoenda nemazera. Humambo kana hutungamiri hahungapiwi kupwere ivo vabva zera varipo. Ruremekedzo rwunopiwa vanhu vakuru kutanga.

Vana vadiki havatarisirwi kupomerwa mhosva kana vachinge vaparadza zvinhu kana kusvibisa nokuti havasati voziva zvinofanirwa kunge zvichiitwa. Kwavari havazivi kuti vari kutadza, hunenge huri husiku zvaho. Ndiko kusaka tichiti chatorwa nemucheche chatorwa nashe.

Share This:

Sponsored Links