Uncategorized

Kurwisa mhirizhonga kuvanhukadzi

07 Dec, 2018 - 00:12 0 Views
Kurwisa mhirizhonga kuvanhukadzi

Kwayedza

Danai Chirawu
MUNE chimwe chinyorwa chenyanzvi yezvemutemo mukurwira kodzero dzevanhukadzi, Professor Stewart, chinonzi “War against women with rise to gender torture” (Hondo kuvanhukadzi nekuwedzera kwekushungurudzwa) anotsanangura zvimwe zvinoitika pakushungurudzwa kwevanhukadzi mudzimba zvichizokonzera rufu se”hondo kuvanhukadzi”.

Nyaya dzekushungurudzwa kwevanhukadzi dziri kuwanda, dzingave dzakaziviswa kumapurisa kana kuti dzakabuda munhepfenyuro nemumapepanhau.

Kune dzimwe nyaya zvakare dziri kuitika munyika dzemudunhu reSouthern Africa, kusanganisira Zimbabwe, dzekushungurudzwa kune hutsinye hwakanyanya kwevanhukadzi idzo dziri kukonzera kuti vamwe varasikirwe neupenyu.

Pane mimwe mitongo iri kupihwa nevatongi iyo inenge yakareruka pachipihwa zvikonzero zvakadai sekuti murume anenge aita hasha mushure mekunge aziva kuti mudzimai wake ari kuita gumbo mumba gumbo kunze.

Gore roga-roga, vanorwira kodzero dzevanhukadzi pasi rose vanocherechedza mazuva 16 ekurwisa mhirizhonga kuvanhukadzi kubva musi waMbudzi 25 kusvika Zvita 10.

Chinangwa chimwe chete chekuti pasave nenyaya dzekushungurudzwa kwevanhukadzi nevanhurume.

Dingindira regore rino rakanangana nekupedza kushungurudzwa kwevanhukadzi panyaya dzine chekuita nebonde.

Izvi zvinobvira pakutaura mashoko anobvisa chimiro kumunhukadzi kusvika pakumubata chibharo.

Dzimwe nguva kutadza kubvumirana kunoitwa nevanhukadzi nekushungurudzwa kwavanenge vachiitwa panyaya dzine chekuita nebonde kunogona kuita kuti mumwe apedzisire arasikirwa nebasa rake kana kushanda asina kusununguka.

Hapanai tsanangudzo chaiyo yakazara maringe nechengetedzo nemutemo panyaya yekumbunyikidzwa zvine chekuita nebonde kana munhu ari pabasa maringe nemutemo weLabour Act (Chapter 28:01), uyo unoona nezvinotarisirwa pakati pemushandi nemushandirwi.

Mutemo uyu haujekese kuti munhu anenge ambunyikidzwa zvine chekuita nebonde angaite sei kuitira kuti ari kumumbunyikidza asarambe achienderera mberi.

Zimbabwe inozvirumbidza zvikuru nekuve nemutemo unochengetedza kodzero dzeveruzhinji pasi pechikamu cheBill of Rights icho chinodonongodza kodzero dzevanhukadzi nekukosha kwekuenzaniswa kwemikana, kushanda vakasununguka uye kubviswa kwetsika nemagariro zvinovambunyikidza asi pasina mutemo wakanangana nekumbunyikidzwa kune chekuita nezvebonde sedambudziko rakazvimirira.

Kune nyaya dzakawanda dzakabuda mubepanhau reThe Herald pamusoro pekumbunyikidza zvine chekuita nebonde kuvanhukadzi vanoshanda kuchikamu chemabhengi uye kushungurudzwa kwevamwe vanoshandira mapazi akasiyana eHurumende asi hurukuro yacho isinganyatsojekesi kuti maitiro akadai anokanganisa zvakadii kushanda kwevanhukadzi vakasununguka.

Kumbunyikidza kune chekuita nenyaya dzepabonde kunokanganisa zvikuru pfungwa dzevanhukadzi pamwe nemashandiro avo kuti vange vachisimukira kuenda pazvidanho zvepamusoro mumabasa.

Kunovabvisa hunhu zvakare saka nekudaro ichi ndicho chikonzero mazuva 16 ekurwisa mhirizhonga ari kunangana nenyaya iyi.

Vanhu havafanire kumirira kusvikira munhukadzi arasikirwa neupenyu kuti vazorwisa mhirizhonga.

Dingindira rekumhanya naro gore rino nderinoti, “Ndinzwei iniwo” kureva kuti vemutemo neveruzhinji vanofanirwa kuteerera zvinotaurwa nevanhukadzi uye potorwa matanho akakodzera ekurwisa dambudziko remhirizhonga ine chekuita nenyaya dzepabonde.

Vanhukadzi vanofanirwa kutenderwa kutaura pamusoro penyaya dzerudzi urwu vakasununguka.

Mutemo unofanira kuranga zvakaomarara vanenge vabatwa nemhosva dzekushungurudza vanhukadzi.

Mushandirapamwe panyaya yekurwisa mhirizhonga kuvanhukadzi ndiyo nzira bedzi yekupedza nyaya dzerudzi urwu.

 Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemutande rinoti [email protected], kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900 kana dzetoll-free 08080131. Munogona zvakare kutibata paWhatsApp inoti 0777 828 201 tinokupindurai.

Share This:

Sponsored Links